Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu. Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo. Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda weanokweretesa. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa. Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo. Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka. Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!” Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri. Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye. Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.
Verenga chikamu Zvirevo 22
Terera ku Zvirevo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 22:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo