Zviri nani kuva nezita rakanaka pane kuva noupfumi hwakawanda kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana ndarama. Chavanofanana vapfumi navarombo chimwechete chokuti Tenzi ndiye musiki wavo vose. Wakachenjera anoona njonzi ovanda akapusa anoenderera mberi asi anowona mubayiro wake. Mubayiro wokuzvirereka nowokutya Tenzi upfumi nokuremekedzwa noupenyu. Munzira yomunhu asina kutsarukana mune minzwa nemisungo munhu anozvichengeta anogara kure nazvo. Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo kunyange akura haasiane nayo. Vapfumi ndivo vanotonga varombo, mukwereti muranda womukweretesi. Munhu anodyara zvisina ruenzaniso achakohwa matambudziko shamhu yokushatirwa kwake ichamuperera. Munhu ane ruoko rwunopa akakomborerwa nokuti anogoverana chokudya chake navarombo. Ukadzinga mushori gakava rinobva raenda uye nharo nokutuka zvinobva zvapera. Munhu ano mwoyo mutsvene ane rurimi runotapira anova shamwari yamambo. Tenzi anoona kuti chokwadi chachengetedzwa asi mashoko avanonyepa anoaparadza. Nyope inoti, “Panze apa pane shumba! Ndingangouraiwa mumugwagwa, wehama!” Muromo wepfambi igomba rakadzama anoshatirirwa naTenzi anowira mariri. Mwana anoberekwa ane upenzi mumwoyo asi shamhu ndiyo inohudzinga maari. Munhu anodzvinyirira varombo zvakaipa achida kuwanza upfumi hwake achipa zvipo kuvapfumi achapinda urombo.
Verenga chikamu Tsumo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 22:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo