Zvirevo 22:1-16
Zvirevo 22:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji; kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe. Vapfumi navarombo vakafanana pachinhu ichi: Jehovha ndiye Musiki wavo vose. Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda, asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo. Kuzvininipisa nokutya Jehovha kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu. Munzira yeakaipa mune minzwa nemisungo, asi uyo anochengeta mweya wake anogara kure nazvo. Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo, uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo, uye anokwereta anova muranda weanokweretesa. Uyo anodyara kuipa anokohwa dambudziko, uye tsvimbo yokutsamwa kwake ichaparadzwa. Munhu anopa zvakawanda acharopafadzwa, nokuti anopa varombo zvokudya zvake. Dzinga museki, kukakavara kunobva kwaendawo; kupopotedzana nokutukana kunoguma. Uyo anoda mwoyo wakachena uye anotaura zvakanaka, achava shamwari yamambo. Meso aJehovha anorinda zivo, asi anokonesa mashoko omunhu asina kutendeka. Simbe inoti, “Panze pane shumba,” kana kuti, “Ndinourayiwa munzira!” Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika; uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri. Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana, asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye. Uyo anomanikidza varombo kuti awedzere pfuma yake nouyo anopa zvipo kuvapfumi, vose vachava varombo.

Zvirevo 22:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura pfuma zhinji; Uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama. Vapfumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose. Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi. Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ipfuma nokukudzwa noupenyu. Minzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo. Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi. Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwerete, muranda, wowakamupa chikwerete. Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika. Ane mwoyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake. Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma. Anoda kuchena kwomwoyo, Nowane miromo inofadza, mambo achava shamwari yake. Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera. Simbe inoti, “Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.” Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo. Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye. Anomanikidza murombo, anomupfumisa; Anopa mupfumi zvipo, anongomushaisa.
Zvirevo 22:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zviri nani kuva nezita rakanaka pane kuva noupfumi hwakawanda kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana ndarama. Chavanofanana vapfumi navarombo chimwechete chokuti Tenzi ndiye musiki wavo vose. Wakachenjera anoona njonzi ovanda akapusa anoenderera mberi asi anowona mubayiro wake. Mubayiro wokuzvirereka nowokutya Tenzi upfumi nokuremekedzwa noupenyu. Munzira yomunhu asina kutsarukana mune minzwa nemisungo munhu anozvichengeta anogara kure nazvo. Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo kunyange akura haasiane nayo. Vapfumi ndivo vanotonga varombo, mukwereti muranda womukweretesi. Munhu anodyara zvisina ruenzaniso achakohwa matambudziko shamhu yokushatirwa kwake ichamuperera. Munhu ane ruoko rwunopa akakomborerwa nokuti anogoverana chokudya chake navarombo. Ukadzinga mushori gakava rinobva raenda uye nharo nokutuka zvinobva zvapera. Munhu ano mwoyo mutsvene ane rurimi runotapira anova shamwari yamambo. Tenzi anoona kuti chokwadi chachengetedzwa asi mashoko avanonyepa anoaparadza. Nyope inoti, “Panze apa pane shumba! Ndingangouraiwa mumugwagwa, wehama!” Muromo wepfambi igomba rakadzama anoshatirirwa naTenzi anowira mariri. Mwana anoberekwa ane upenzi mumwoyo asi shamhu ndiyo inohudzinga maari. Munhu anodzvinyirira varombo zvakaipa achida kuwanza upfumi hwake achipa zvipo kuvapfumi achapinda urombo.
Zvirevo 22:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Zita rakanaka rinofanira kusanaŋgurwa kupfuʋura fuma zhinji; Ʋuye kuɗikanwa kupfuʋura sirveri nendarama. Ʋafumi naʋarombo ʋanosoŋgana pamŋe cete; Jehova ndiye muiti waʋo ʋose. Munhu wakaŋgwara unoʋona ɀakaipa, ndokuʋanda; Asi ʋasinamano ʋanopfuʋura haʋo, ndokuwira munjodzi. Muɓairo wokuɀininipisa nokutya Jehova Ifuma nokukudzwa noʋupenyu. Minzwa nemisuŋgo ɀiri panzira yousakarurama; Asi unoceŋgeta mŋeya wake ucagara kure naɀo. Roʋedza mŋana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyaŋge akwegura haaŋgatsauki pairi. Mufumi unoɓata ʋushe pamsoro pomurombo; Unotora cikwerete muranda wowakamupa cikwerete. Unodɀara ɀakaipa, ucaceka ɗambudziko; Shamhu yokutsamŋa kwake icanyaŋgarika. Unomŋoyo munyoro ucaropafadzwa; Nokuti unopa ʋarombo ɀokudya ɀake. Dziŋga muɗaɗi, kukakaʋara kugoenda ʋo; Nenharo nokunyadzwa ɀicaguma. Unoɗa kucena kwomŋoyo, Nounemiromo inofadza, mambo ucaʋa shamŋari yake. Meso aJehova anoceŋgeta uneziʋo; Asi ucakonesa mashoko omunhu unonyeŋgedzera. Simbe inoti: Kuneshumba kunze, Ndiŋgaʋurawa pakati penzira dzomumusha. Muromo waʋakadzi ʋokumŋe igomba rakadzika; Unotsamŋirwa naJehova ucawira’mo. Ʋupenzi ʋunonamatira mumŋoyo womŋana; Asi shamhu yokurairira icaʋudziŋgira kure naye. Unomanikidza murombo, unomufumisa; Unopa mufumi ɀipo, unoŋgomushaisa.
Zvirevo 22:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)