Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 12:1-4

1 VaKorinde 12:1-4 SNA2002

Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi. Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa. Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu anotaura naMweya waMwari, angati, “Jesu ngaatukwe!” Uye, hakuna munhu angati, “Jesu ndiye Ishe, asi naMweya Mutsvene.” Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe.