Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 12

12
Kusiyana kwezvipo zvoMweya
1Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi. 2Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa. 3Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu anotaura naMweya waMwari, angati, “Jesu ngaatukwe!” Uye, hakuna munhu angati, “Jesu ndiye Ishe, asi naMweya Mutsvene.”
4Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe. 5Marudzi mazhinji okushumira aripo, asi Ishe mumwe. 6Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye anobata zvose muna vose. 7Asi mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe. 8Nokuti mumwe anopiwa naMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva naMweya iwoyu; 9mumwe, kutenda muMweya iwoyu; mumwe, zvipo zvokuporesa muMweya iwoyu; 10mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe; kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi; 11asi izvi zvose zvinoitwa naMweya iwoyu mumwechete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.
Mitezo mizhinji asi muviri mumwe
12Nokuti somuviri uri mumwe, une mitezo mizhinji, nemitezo yose yomuviri, kunyange iri mizhinji, muviri ndomumwechete; wakadarowo Kristu.
13Nokuti muMweya mumwe isu tose takabhabhatidzwa mumuviri mumwe; kana tiri vaJudha, kana vaGiriki, kana varanda, kana vakasununguka; isu tose takanwiswa paMweya mumwe.
14Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji. 15Kana rutsoka rukati, “Zvandisati ndiri ruoko, handizi womuviri;” ko haruzi rwomuviri, zvarwadaro here? 16Nenzeve kana ikati, “Zvandisati ndiri ziso, handizi womuviri;” ko haizi yomuviri here? 17Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? 18Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. 19Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko? 20Asi zvino kune mitezo mizhinji, asi muviri mumwe.
21Ziso haringati kuruoko, “Handikudi,” kana musorowo kutsoka, “Handikudiyi imi.” 22Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa, 23nemitezo iyo yomuviri yatinoti haikudzwi, ndiyo yatinokudza kwazvo; nemitezo iyo yedu isina kunaka, ndiyo yova nokunaka kunopfuurisa; 24asi mitezo yedu yakanaka, haishaiwi kukudzwa. Asi Mwari akabatanidza muviri wose, akakudza nokupfuurisa mitezo inoshayiwa kunaka; 25kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana. 26Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo.
27Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo. 28Mwari akaisa vamwe pakereke, pakutanga vapostori, vechipiri vaporofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri, navabati, namarudzi mazhinji endimi. 29Vose vapostori here? Vose vaporofita here? Vose vadzidzisi here? Vose vaiti vamabasa esimba here? 30Vose vane zvipo zvokuporesa here? Vose vanotaura nendimi here? Vose vanodudzira here? 31Asi shingairirai zvipo zvikuru.
Ndinokuratidzaiwo nzira yakaisvonaka inopfuura dzose.

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaKorinde 12: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda