1
1 VaKorinde 12:7
Shona Bible 1949, revised 2002
Asi mumwe nomumwe anopiwa kuratidzwa kwoMweya, kuti vose vabatsirwe.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 VaKorinde 12:27
Zvino, imi muri muviri waKristu, nomumwe nomumwe mitezo yawo.
3
1 VaKorinde 12:26
Kana mutezo mumwe uchitambudzika, mitezo yose inotambudzika pamwechete nawo; kana mutezo mumwe uchikudzwa, mitezo yose inofara pamwechete nawo.
4
1 VaKorinde 12:8-10
Nokuti mumwe anopiwa naMweya shoko rouchenjeri, mumwe shoko rokuziva naMweya iwoyu; mumwe, kutenda muMweya iwoyu; mumwe, zvipo zvokuporesa muMweya iwoyu; mumwe, kuita mabasa esimba; mumwe; kuporofita; mumwe, kuzivisisa mweya; mumwe, marudzi endimi; mumwe, kududzira ndimi
5
1 VaKorinde 12:11
asi izvi zvose zvinoitwa naMweya iwoyu mumwechete, unogovera mumwe nomumwe sezvaanoda.
6
1 VaKorinde 12:25
kuti pamuviri parege kuva nokupesana; asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.
7
1 VaKorinde 12:4-6
Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe. Marudzi mazhinji okushumira aripo, asi Ishe mumwe. Marudzi mazhinji amabasa aripo, asi Mwari mumwe, iye anobata zvose muna vose.
8
1 VaKorinde 12:28
Mwari akaisa vamwe pakereke, pakutanga vapostori, vechipiri vaporofita, vechitatu vadzidzisi, tevere vaiti vamabasa esimba, tevere zvipo zvokuporesa, navabatsiri, navabati, namarudzi mazhinji endimi.
9
1 VaKorinde 12:14
Nokuti muviri hauzi mutezo mumwe, asi mizhinji.
10
1 VaKorinde 12:22
Kwete, zvikuru mitezo iyo yomuviri inenge isina simba, ndiyo inodikanwa
11
1 VaKorinde 12:17-19
Kana muviri wose raiva ziso, kunzwa kwaivepiko? Kana wose kwaiva kunzwa, kunhuwidza kwaivepiko? Asi zvino Mwari akaisa mutezo mumwe nomumwe pamuviri sezvaakada. Kana yose waiva mutezo mumwe, muviri waivepiko?
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo