1
1 VaKorinde 13:4-5
Shona Bible 1949, revised 2002
Rudo runomwoyo murefu, runomwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi; haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
1 VaKorinde 13:7
runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.
3
1 VaKorinde 13:6
harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi
4
1 VaKorinde 13:13
Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.
5
1 VaKorinde 13:8
Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.
6
1 VaKorinde 13:1
Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti, Ngwerengwere!
7
1 VaKorinde 13:2
Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu.
8
1 VaKorinde 13:3
Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsiri chinhu.
9
1 VaKorinde 13:11
Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo