Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vakorinde 12:1-4

1 Vakorinde 12:1-4 SCLB

Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. Kune mhando dzakasiyana–siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo.