1 VaKorinde 12:1-4
1 VaKorinde 12:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe.
1 VaKorinde 12:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino, kana zviri zvipo zvoMweya, hama dzangu, handidi kuti muve vasingazivi. Munoziva kuti panguva yamaiva vahedheni, makanga muchikweverwa kuzvifananidzo, zvisingagoni kutaura, sezvamaitungamirirwa. Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu anotaura naMweya waMwari, angati, “Jesu ngaatukwe!” Uye, hakuna munhu angati, “Jesu ndiye Ishe, asi naMweya Mutsvene.” Zvino marudzi mazhinji ezvipo aripo, asi Mweya ndomumwe.
1 VaKorinde 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panyaya yezvipo zvaMweya, hama dzangu, handingadi kuti munge musingazivi. Munonyatsoziva kuti pamakanga muchiri vahedheni makateteretswa kunavamwari vasingatauri zvisinei kuti makaendeswa ikoko sei. Naizvozvo ndinoda kuti munzwisise kuti hapana munhu anotaura ainaMweya waMwari kuti Jesu ngaave norushambwa. Hapanawo angati Jesu ndiTenzi iye asina Mweya Mutsvene. Kune mhando dzakasiyana–siyana dzezvipo asi anozvipa ndiye Mweya mumwecheteyo.
1 VaKorinde 12:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino, kana ɀiri ɀipo ɀoMŋeya, hama dzaŋgu, handiɗi kuti muʋe ʋasiŋgaziʋi. Munoziʋa kuti paŋguʋa yamaiʋa ʋahedeni, makaŋga mucikweʋerwa kuɀifananidzo, ɀisiŋgagoni kutaura, seɀamaituŋgamirirwa. Saka ndinokuziʋisai kuti hakunomunhu unotaura noMŋeya waMŋari, uŋgati: Jesu ŋgaatukwe! Ʋuye, hakunomunhu uŋgati: Jesu ndiye Ishe, asi noMŋeya Mutȿene. Ɀino marudzi mazhinji eɀipo ari’po, asi Mŋeya ndomumŋe.
1 VaKorinde 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)