Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 12:1-4

1 VaKorinde 12:1-4 BDSC

Zvino pamusoro pezvipo zvoMweya, hama, handidi kuti muve musingazivi. Munoziva kuti pamakanga muri vahedheni, makanga muchitungamirirwa uye nokutsauswa muchiiswa kuzvifananidzo zvisingagoni kutaura. Naizvozvo ndinokuudzai kuti hakuna munhu anotaura noMweya waMwari anoti, “Jesu ngaatukwe.” Uye hakuna munhu anoti, “Jesu ndiye Ishe,” asi naMweya Mutsvene. Kuna marudzi akasiyana ezvipo, asi Mweya ndomumwe.