1
Mavambo 13:15
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
nokuti nyika iyoyi yose yauri kuona ndichaipa kwauri nezvizvarwa zvako nokusingaperi.
Thelekisa
Phonononga Mavambo 13:15
2
Mavambo 13:14
Kuzoti Abhuramu naRoti vaparadzana Tenzi akataurira Abhuramu achiti, “Uri pauri ipapo, tarisa kuchamhembe nokumaodzanyemba, kumabvazuva nokumadokero
Phonononga Mavambo 13:14
3
Mavambo 13:16
Ndichaita kuti zvizvarwa zvako zviwande seguruva renyika zvokuti kana kuine munhu anogona kuverengeta guruva renyika ndiye angagonewo kuzoverenga zvizvarwa zvako.
Phonononga Mavambo 13:16
4
Mavambo 13:8
Abhuramu akataurirana naRoti achiti, “Ngatiregei kuitirana gakava, kunyange vafudzi vedu ngavaregewo kuitirana gakava nokuti tiri hama nehama.
Phonononga Mavambo 13:8
5
Mavambo 13:18
Ipapo Abhuramu akandodzika matendhe ake paiva nemiti yemioku paMamure kuHebhuroni, akavakira Tenzi atari ipapo.
Phonononga Mavambo 13:18
6
Mavambo 13:10
Roti akatarisa akaona kuti bani rose romuna Jorodhani rakananga kuZoari rakanga riri bani renyika nyoro kwose kwose, rakaita sebindu raTenzi, sezvakaitawo nyika yeIjipiti. Izvozvo Tenzi akanga asati aparadza Sodhomu neGomora.
Phonononga Mavambo 13:10
Home
Bible
Plans
Videos