Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Runyararo Muzvose: Kugamuchira Zororo raJesu Kisimusi Ino Chikamu

All Is Calm: Receiving Jesus' Rest This Christmas

ZUVA 5 REMAZUVA 5

Zuva Rechishanu: Vimbai Mukutendeka kwaMwari:

>“Univimba neni here?”

Takatarisana nemubvunzo iwoyo mazuva ose, kubva patinomuka kusvika patinorara. Nekuti kuvimba zvinoreva kuzorora, uye kuzorora zvinoreva kuvimba.

Fungai sekudai: hamungamisi muti weshongedzo dzeKisimusi muhari yakatyoka gumbo, uye hamukumbire munhu wamunoziva kuti anosinonoka kuti auye netwuya twekufanoruma-ruma chikafu chisati chapakurwa.

Kuzviziva nekusazviziva, tonogara tichipima kutendeka kwezvunhu nekwevanhu vakatikomberedza. Tinoita zvimwechetezvo muhakama hwedu naMwari, kuedza kupima kuti Ishe tingavimba naye munezvipi kana kuti munezvingani.

Dzingava mari dzedu, hukama hwakaputsika, marwadzo akavanzika, hope dzetarisiso, tinopima kutendeka kwaMwari munezvakamboitika kwatiri toshandisa izvozvo sechiyero chekuona kuti tingavimba naye here kana kuti kwete iye zvino.

Asi pakati pebishi rezororo ndipo panobva manyatsooneka kuvimba kana kusavimba maari kwedu.

…Tinozvipakira nezvekudya zvinonanaka zvakawanda wanda akana tisingavimbe naJesuChingwa Cheupenyuanogutsa zvakakwana zvakazara.

…Tinozvishungurudza nekufunga uya mwana akarasika kana tisina kuvimba kuti Jesu ndiyeMufudzi Wakanakaanodzosa makwai akarasika.

…Tinosuruvara, kunzwa kunge takakanganwikwa, kana tisingavimbe kuti Jesu ndiManueri, Mwari vagere nesu kunyange patinenge tiri toga.

…Tinomhanya mhanya kuedza kuda kugadzira Kisimusi yakanakisisa kana tingavimbe kuti Jesu ndiye Mutsvene waMwari ndiye anotinakisa.

Nguva yega yega mukana wekuvimba mukutendeka kwaMwari nenzira dzakawandisisa, zvose izvi zvinotanga nekudzidza kuzorora.

Zvingadii panze pekumhanyira kupinda mubishi remusi iwoyo, tikatanga mangwanani ega ega nekufundira kuzorora? Sezvinoitwa nemuimbi ngatiudzei mweya yedu kuti iwane zororo munaIshe: kurangarira mabasa nekunaka kwaIshe, kuudza Ishe kuti tinoda rubatsiro rwavo zvakanyanya, pfungwa dzedu nemoyo yedu zvinyaradzwe muhuvepo hwaIshe, uye tipupure kusimba kweruvimbo rwedu mukutendendeka kwaMwari.

Nekuti Ishe vakataura nyika kuti ivevo nyika ivapo asi ndokuuya panyika serusvava pahusiku hwomufaro, hutsvene, ndivo vanogona kutaura zororo nerugare mukati mehupenyu hwedu nhasi.

Pfungwa Nemibvunzo: Nderipi remazita aJesu ririkutaura kwamuri maringe nematambudziko amakatarisana nawo muhupenyu hwenyu? Kuvimba nekuzorora munaMwari mumwaka weKisimusi kunotaridzika sei? Muchashandurei pamaitiro enyu?

Munoda kunzwa zvimwe here? Torai Unwrapping the Names of Jesus bundle kuti mupuhwe Names of Jesus prayer journal, Rest prayer bookmark, ne Prayer for Christmas Rest.


Zuva 4

Zvinechekuita neHurongwa uhu

All Is Calm: Receiving Jesus' Rest This Christmas

Mwaka werufaro, asi unogona kuvenguva yebishi. Huyai kwechinguvana chezororo nerumbidzo chinova ndicho chichakupai simba mumafaro nemumabasa emwaka uyu. Kubva mubhuku Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional, tine chiverengwa nekuzvipira kunaMwari kwemazuva mashanu. Hurongwa uhu hunokusvitsai pakugamuchira kuzorora munaJesu paKisimusi ino kuburikidza nekutora zvinguvana zvekurangarira Kunaka kwaMwari, Kumuratidza Kuti Munoda Rubatsiro Rwake, Kutsvaka Runyararo Rwake, uye Kuvimba Mukutendeka Kwake.

More

Tinoda kutenda Moody Publishers nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: http://onethingalone.com/advent

Zvirongwa zvakada kufanana neichi