Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Runyararo Muzvose: Kugamuchira Zororo raJesu Kisimusi Ino Chikamu

All Is Calm: Receiving Jesus' Rest This Christmas

ZUVA 2 REMAZUVA 5

Zuva Rechipiri: Rangarirai Kunaka kwaMwari

Tose tinehanganwa dzemweya, tinokanganwa kuti Mwari ndiyani nezvavakatiirira mukurarama kwedu. Semunhu wese, kunyange ini gore roga roga ndinotozvirangaridza kuti Jesu ndiyani uye zvechishamiso chekuzvarwa kwake-nekuti kwete kuti pfungwa dzangu hadzichazviziva asi nekuti moyo wangu hauchashamiswa nazvo.

Patinenge tichitarisira mwaka weKisimusi negadziriro yawo, inyore kwazvo kutitibva tabatirira mumitambo yemwaka uyu yatinozvigadzirira tega. Takafanira kuzvipira pakurangarira kunaka kwaMwari: zvose zvavari pamwe nezvavanotiitira.

Imwe nzira yakanaka yekuita izvi ndeyekurangarira mazita aJesu, kuzipirwa nemwaka weKisimusi mukunzwisisa nzira zhinji dzaanoswedera pedyo nesu kunyange iye zvino.

Sekuyevedza kunoita ngoda mumiraza yezuva, kunamata tichirangarira mazita aJesu inhungamiro inotisvitsa pakuyevedzwa nehuhwando hwezvaari, chimwe nechimwe chakanaka zvikuru, asi kana zvose zvabatanidzwa zvinoumba mufananidzo unotora mweya nekunaka kwawo weMwanakomana waMwari akava munhu kwatiri kuzotinunura.

Saka ndinokukokai kuti mumbotimire kwechinguvana murangarire kunaka kwaMwari kuburikidza nekufunganya pamazita aJesu, anowanikwa muzvinyorwa zvevaporofita pamusoro paMuponisi:

Jesu ndiImanueri, Mwari anesu, Musiki muridzi wehutsvene nemasimba nehutongi hwose asi akasarudza kupinda munyika yedu semwana mucheche kuiitira kuti agogara nevadikani vake agodzosera hukama nesu.

Jesu ndiyeShoko raMwari,kuratidzwa kuzere nekunzwisisika kwehurukuro dzaMwari, uye shoko ratakapuhwa redunga munhu kubva kuna ivo Mwari, riripo kwatiri tose vanomutsvaga.

Jesu ndiMutsvene waMwari, kubwibya muhuMambo uye mukutonga kunesimba, nduramo isina chivi, hutsvene hwake hautityise asi hunotipa chikonzero chekuti tive netariro iye woga ndiye anotipfekedza kururama kutsvene uye otipazve.

Kukokwa:Zita raJesu ramAdisa SA nderipi? Chimbomirai kwekanguvana muzeye hupfumi hwezvaari, chitaurai kana kunyora dzimwe dzenzira nzaanosangana nemi pamuri chaipo iye nhasi kuburikidza nezita rake ramadisa riya.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

All Is Calm: Receiving Jesus' Rest This Christmas

Mwaka werufaro, asi unogona kuvenguva yebishi. Huyai kwechinguvana chezororo nerumbidzo chinova ndicho chichakupai simba mumafaro nemumabasa emwaka uyu. Kubva mubhuku Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional, tine chiverengwa nekuzvipira kunaMwari kwemazuva mashanu. Hurongwa uhu hunokusvitsai pakugamuchira kuzorora munaJesu paKisimusi ino kuburikidza nekutora zvinguvana zvekurangarira Kunaka kwaMwari, Kumuratidza Kuti Munoda Rubatsiro Rwake, Kutsvaka Runyararo Rwake, uye Kuvimba Mukutendeka Kwake.

More

Tinoda kutenda Moody Publishers nekutiwunzira hurongwa uhwu. Kuti muzive zvakawanda, tapota shanyirai: http://onethingalone.com/advent

Zvirongwa zvakada kufanana neichi