Runyararo Muzvose: Kugamuchira Zororo raJesu Kisimusi Ino Chikamu
Zuva Rechina: Tsvaka Runyararo rwaMwari
Wakambonzvera here Mweya Mutsvene vachikudenha kuti umbozorora kubva mubishi regadziriro umbotora chinguva ugere muhuvepo hwaJesu; asi wozvishayira hanya uchimhanyira zvimwe zvirimuhurongwa hwako?
Ini ndinoziva kuti ndakambozviita.
Tinogara takamhanyidzana nenguva, tichimuka rungwanangwana tichinonoka kurara tisina kana nguva zvayo yekutambisa. Tinozopedzisira taneta zvekutadza kuona hunaku wemwaka watiri.
Dzimwe nguva, kushangazhika kwese uku kunenge kuyedza kuvanza kurwadzikana kwakadzika dzika. Tinenge tichizvinyengera kuti tikagara tiri mubishi hatizofungisisa nezvemaronda emoyo nezvimwe zvinotirwadza. Tinotya runyararo, saka tisingazosiya pasina kabasa kapi zvako kasina kuitwa, kunyangwe kutongwa nebishi kwacho kuchitoda kutiparadza.
Asi mhinduro ndeyekuti hatifanire kurasa tsika dzedu nezvimwe nezvatinosiita tobva tagara takagumbuka. Tinofanira kuvakira nguva dzekumbozorora muhurongwa hwedu kuti tigova nehutano hwakanaka mukushanda kwese. Chokwadi ndechekuti ruponeso rwunouya kana tatenduuka uye tazorora, simba raJesu murunyararo nemurutendo.
Mwaka weKisimusi ino, zvipirei kurunyararo, kunyangwe kwamaminetsi mavari zvawo zuva rega rega. Uyai nerondedzero dzezvamudo zvose muzozviradzika patsoka dzaIshe. Nzverai kunaka kwehuvepo hwake apo pamunenge muchirangarira mazita ake uye mubvumire kuti Ishe vakurapei marwadzo aya akadzama dzama.
Daidzirai kuti Ishe ndiMambo wehupenyu hwenyu; muvataurire kuti munobvuma rubatsiro rwavo, uye muzvipe mvumo yekuzorora. Zambirai muhuvepo hwaMwari.
NdiEmanueri-Mwari vanesu. Vanoona. Vanoziva. Vanonzwa. Regai Ishe vakunyaradzei nerudo rwavo.
Munamato:Nyararidzayi mwoyo wangu nerudo rwenyu Mwari. Taurayi runyararo rwenyu pamsoro pehupenyu hwangu sekutaura runyararo kwamakaita pagungwa rikadzikama. Unzai kuporeswa nekudzorerwa panzvimbo kwemoyo iri kurwadziwa nekushayikirwa nemudikani, iri mukushushikana nemukutambudzwa, iri kuyaura nekuda kwetarisiro dzakaputsika neshuwo dzakaparadzika. Imi, Kumuka neHupenyu, femerayi hupenyu hutsva muzvose zvakafa mandiri. Tungidzai tariro itsva uye isingaperi mandiri. Ndidzidziseyi kunyararisa nekugamuchira hupenyu hutsva hunobva muhuvepo hwenyu. Amen.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Mwaka werufaro, asi unogona kuvenguva yebishi. Huyai kwechinguvana chezororo nerumbidzo chinova ndicho chichakupai simba mumafaro nemumabasa emwaka uyu. Kubva mubhuku Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional, tine chiverengwa nekuzvipira kunaMwari kwemazuva mashanu. Hurongwa uhu hunokusvitsai pakugamuchira kuzorora munaJesu paKisimusi ino kuburikidza nekutora zvinguvana zvekurangarira Kunaka kwaMwari, Kumuratidza Kuti Munoda Rubatsiro Rwake, Kutsvaka Runyararo Rwake, uye Kuvimba Mukutendeka Kwake.
More