Runyararo Muzvose: Kugamuchira Zororo raJesu Kisimusi Ino Chikamu
Zuva Retatu: Ratidza Kuti Unoda Rubatsiro:
“Ndatenda, asi ndinokwanisa."
Wakaramba rubatsiro here chero zvako wayiziva kuti wayidisa kubatsirwa?
Dzimwe nguva zvinorema kuti munhu atende kuti haakwanise kuiita zvinhu zvose oga. Pagadziriro dzeKisimusi kusawana rubatsiro kunonetesa zvekutozokonzera hasha. Iko kuzviita munhu anokwanisa zvose kuno svika pakunganganisa hupenyu hwedu muMweya zvukuru.
Chokwadi ndechekuti tinoda Jesu. Asi tinorarama sekunge tinogona kukunda zvose tega. Tikazvipa nguva yekurangarira nekuona hunaku hwaMwari - hutsvene hwavo, rudo netsitsi dzavo, uye chibayiro cheruponiso rwedu - zvinotiita kuti tinzwisise kuti pasina Jesu hatisi chinhu. Tinobvuma hutera hwedu mukubvuma kuda rubatsiro, asi Jesu vanotimbisa kuti varombo mumweya, vakapfava mumoyo nevanenyota yekururama, vachapiwa mubayiro wekuva naMwari
.Zvinoreva kuti kuzvininipisa nekutaratidza kuda rubatsiro kwedu ndiyo bedzi nzira yekuti tigamuchire pfuma yekubwinya iri munaJesu Kristu hwatikagadzirirwa naMwari.
Muimbi anodayidza vanhu vaMwari varumbidze, vahwarare, vapfugame pamberi peMusiki. Mururimi rwechiHebheru, rumbidzo izwi rinoreva kuzviwisira pasi nedumbu kana kuti kuhwarara. Panyama, zvinoreva kugwadama nemabvi mukutenda humambo hwaJesu; mumweya zvinoreva kupira zvose zvatiri kuzvose zvaari.
Kutwasudza gwara kwemaonero nehurongwa zvinogoneka bedzi kana tatanga takwanisa kuwana nguva yekuona hukuru hwaMwari; rumbidzo inotisvitsa mukuona Mwari zvakafanira, uyo inotisvitsa mukureurura nemukutendeuka.
Jesu vanopa mufananidzo weizvi pavanoti ndini muzambiringa wechokwadi uye vadzidzi vavo mapazi. Vanoti “Kunze kwangu hapana chimwe chamunogona kuita." Vanotaura kuti "Kana munhu akagara mandiri uye ini maari, achabareka zvibereko zvakawanda." Chishamiso hechi!, Jesu havatidanire kuti tiwedzere kushanda zvinesimba kuti tigobereka michero yakawanda, vanotidanira kuti timirire nekugara mavari. Kune avo vanoramba vari maari vachabereka michero zvisina ziya, nokuti Mweya Mutsvene ndiye oga anoberekesa michero.
Tendera chishuwo chekuda Jesu chikuwunzire rugare nezororo munguva yeKusimusi ino. Hauna chichakumanikida. Hauna kufanira kuzviitira zvose woga. Asi kutoti, wakafanira kuzorora.
Pfungwa neMibvunzo: Mufananidzo waJesu seMuzambiringa unokubatai sei muhupenyu hwenyu? Ndeapi mamwe mazita aJesu anoita kuti mutende mukuti ndiye mukwanisi wenyu? Ndeipi nzira yekurati Jesu kuti munoda batsiro kekuzoroza maari nhasi?
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Mwaka werufaro, asi unogona kuvenguva yebishi. Huyai kwechinguvana chezororo nerumbidzo chinova ndicho chichakupai simba mumafaro nemumabasa emwaka uyu. Kubva mubhuku Unwrapping the Names of Jesus: An Advent Devotional, tine chiverengwa nekuzvipira kunaMwari kwemazuva mashanu. Hurongwa uhu hunokusvitsai pakugamuchira kuzorora munaJesu paKisimusi ino kuburikidza nekutora zvinguvana zvekurangarira Kunaka kwaMwari, Kumuratidza Kuti Munoda Rubatsiro Rwake, Kutsvaka Runyararo Rwake, uye Kuvimba Mukutendeka Kwake.
More