Bhaibheri ripenyuChikamu
Bhaibheri rinounza tariro
Ghana* anga ari muMuslim akazvipira dakara azoona simba raJesu rekushandura upenyu hwevanhu mugore ra2016. Asi mushure mekunge ava muKristu, akatizwa, akashorwa, uye akadzingwa nenharaunda pamwe chete nemhuri yake. Pane imwe nguva yekuti akatorerwa vana vake akaendeswa kune imwe nyika.
Kunyangwezvazvo Ghana akaramba kusiya Jesu, akanga asina vanhu vaimukurudzira nekumubatsira kukura mukutenda kwake. Ari ega kudaro, akaora moyo, akatombofunga kuzviuraya. Asi nekufamba kwenguva akasangana nemumwe munhu akamuisira Youversion mufoni make.
Pakutanga Ghana aisaifarira, asi nekufamba kwenguva akatanga kuverenga Vhesi rezuva nezuva mangwanani ega ega kuti awane nguva yekufunga pamusoro paro uye zvarinoreva uye kuti rimutungamirire zuva rese. Nekufamba kwenguva, pakaitika chiitiko chaaisatarisira…
“Mavhesi andaiverenga akatanga kuva mapenyu uye nokugara mandiri. Akandidzidzisa kuwirirana nevamwe zvakanaka, uye akandibatsira kuti ndisave ndakaora moyo. Kunyangwe zvavo ndaiva ndoga, ndakawana nyaradzo pese pandaiverenga mavhesi aya. Pese pandaiverenga vhesi rezuva, zvaindisimudzira nekundipa tariro. Zvinoita sekuti Mwari varikutaura vakananga ini pachangu kuburikidza nemavhesi aya.”
Mazuvaano, Ghana anotsvaga mikana yekugovera Vhesi rezuva nezuva kwese kwaanoenda. Anotumira mavhesi paindaneti kuti akurudzire vemunharaunda make, uye anotaura nezvemagwaro kubasa kwake neavo vaanoshanda navo kunyangwe vatengi vake.
Nyaya yaGhana muenzaniso wezvinogona kuitwa naMwari kuburikidza neshoko rake. Mamiriro ezvinhu anogona kushanduka, zvinonzwa moyo zvinoshanduka, Vanhu vanogona kutirasisa kana kutisiya—asi Shoko raMwari rinogara nokusingaperi. Nokudaro, tinokwanisa kuva norugare uye netariro inodarika zvatinenge tichisangana nazvo. Nokuti tikatendera shoko raMwari kuti ripinde muhana dzedu, rinogaramo.
Muzuva ranhasi, kumbira Mwari kuti vagopa upenyu kushoko ravo riri mauri kuburikidza nekunamata munamato uyu:
Mwari, Makandisika uye munondiziva. Ndimi moga mune simba rekushandura upenyu hwangu. Nokudaro, nhasi ndinokukumbirai kuti mutungamire hupenyu hwangu kuti huenderane neshoko renyu. Kunyangwe ndikasangana nemhinga mupini, ndipeiwo ushingi hwekuramba ndakamira paShoko renyu kuti ndigoparidza chokwadi nerudo rwenyu kuvanhu vamunoisa muupenyu hwangu. Itai kuti midzi yekutenda kwangu idzike apo ndinenge ndichiswedera pedyo nemi. Nemuzita raJesu, Ameni.
*Zita iri rakashandurwa kuti munhu uyu asazozivikanwa pachake.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kubvira pakutanga kwapasi, Shoko raMwari riri kudzoreredza hana nendangariro dzevanhu- uye Mwari haasati apedza basa irori. Mu plan iyi yemazuva manomwe, ngatipemberere simba reshok rekushandura upenyu hwedu kuburikidza nekutarisisa kuti Mwari varikushandisa bhaibheri sei kushandura upenyu hwevanhu pasi rose.
More