Bhaibheri ripenyuChikamu
Bhaibheri rinoshandura Nyika
Kuma 1800s paiva nemukomana wemakore gumi nepiri aigara kuNigeria pamwe nemhuri yake. Vose vakatorwa ndokumanikidzwa kuva nhapwa muchikepe chemaPutukezi chaienda kuAmerica. Asi chikepe chisati chakwanisa kusimuka pamahombekombe eAfrica, chakabatwa neavo vaishanda kudzivirira kutapwa kwevanhu uye vatapi vakabva vasungwa. Mukomana uyu nemhuri yake vakanunurwa ndokuendeswa kuSierra Leone. Uku ndiko kwaakanodzidza nezvesimba rebhaibheri.
Mushure mekunge ava muKristu, Samuel Ajayi Crowther akatanga kudzidza mitauro yakawanda nekunoparidza vhangeri munyika dziri pedyo neSierra Leone. Asi panguva yese iyi, aidzidza nebhaibheri rechirungu nekuti kwaisava nerwerurimi rweYoruba—urwo rwaiva rurimi rwake rwekuNigeria.
Izvi zvaireva kuti vagari vemuNigeria vaisagona kutaura chirungu vaisakwanisa kuverenga shoko raMwari pachavo. Nokudaro Ajayi akabatsira kugadzira nzira nemitemo yekunyora mutauro weYoruba akazoturikira bhaibheri kumutauro iwoyu.
Paakapedza bhaibheri reYoruba, akaramba achiturikira bhaibheri kumimwe mitauro yemuNigeria kuti vanhu vakawanda vakwanise kuonawo shanduko muupenyu hwavo sezvaakanga aita iye.
Crowther uyu akazoitwa “Bhishopu we Niger” nechechi yeAnglican, achiva iye Bishopu weAnglican wekutanga aiva munhu mutema. Uye nhasi, chechi yeAnglican yeku Nigeria ndiyo yechipiri pahukuru hwenharaunda yayo pakati pemachechi eAnglican ose, ine vanhu vanodarika mamiriyoni gumi nesere vakabhabhatidzwa.
Mwari iyeyu akashandisa Crowther anoda kushandisawo iwe kushandura pasi rose neShoko rako. Pane vanhu vakamirira kushandurwa nebhaibheri uye ndiwe chete ungagona kusvika kwavari nemazvo.
Nokudaro muzuva ranhasi, kumbira Mwari kuti vakuzarurire basa raungagona kuita murungano irworwu, ugoona Mwari achishanda kuburikidza neupenyu hwako kudarika zvaungagone kukumbira, kufunga kana kuronga.
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kubvira pakutanga kwapasi, Shoko raMwari riri kudzoreredza hana nendangariro dzevanhu- uye Mwari haasati apedza basa irori. Mu plan iyi yemazuva manomwe, ngatipemberere simba reshok rekushandura upenyu hwedu kuburikidza nekutarisisa kuti Mwari varikushandisa bhaibheri sei kushandura upenyu hwevanhu pasi rose.
More