Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Bhaibheri ripenyuChikamu

La Biblia está viva

ZUVA 2 REMAZUVA 7

Bhaibheri harikwanise kudziviswa

Kuma1500s, kwaisava nemabhaibheri emitauro mizhinji . Avo chete vanga vakadzidza kana kuti vaiva nemari ndivo vega vaikwanisa kuriverenga muchiHebheru, chiGiriki, nechiRatini.

Asi mudzidzi ainzi William Tyndale aitenda kuti munhu wose anofanira kuwana mukana wekuverenga magwaro. Nokudaro akatanga kuriturikira kuriisa kumutauro wake wechirungu.

Vatungamiri vazhinji vaipokana nazvo uye zvimwe zvaitendwa naTyndale, nokudaro akatiza Hingirandi uye munguva inotevera aitumira muchivande mabhuku etestamende itsva kunyika yaake iyoyi. Kwemakore pfumbamwe, Tyndale aitiza kusungwa achienderera mberi nebasa rekuturikira testamende itsva yekutanga kuenda kuchirungu. Asi pkugumisira, akabatwa, akapomerwa mhosva yekuva muparidzi wenhema, uye akabva apiswa kusvika afa.

Asi kana Mwari arimo mukuitwa kwechinhu—hakuna anokwanisa kumumisa.

Kuzvipira kwakaita Tyndale kwakatangisa chikwata chaishanda muchivande cheavo vaida kuti zvinhu zvishanduke . Kwapfuura makore anenge mazana, shanduko yakaitika. Bhaibheri raKing James rakanga ravakuwanika mumutauro wechirungu—bhaibheri iri rakashandisa zvikuru basa rainge raitwa naTyndale paakatanga kuturikira kuendesa kuchirungu.

nekufamba kwenguva, Hingirandi yakashandurwa nebhaibheri. MaRevival nekuzaruka pfungwa kwevanhu kwakatanga kuitika, mapoka evashumiri veshoko vanoenda kunyika dzakasiyana siyana akavambwa, nemamwewo mapoka akazvipira kuturikira bhaibheri kumitauro yakasiyana siyana . Magwaro akadzoreredza nyika yose—asi revival yakatanga pakatenda vaturikiri vemutauro wechirungu kuti munhu wose anofanira kuwana mukana wekuverenga Shoko raMwari … uye vakabva vashandira chinangwa ichi.

Kushinga kwevaturikiri vebhaibheri vekutanga ava kunokukurudzira iwe sei?

Iye zvino, funga pamusoro pezvakaitika kuna Tyndale, wobva wakumbira Mwari kuti akuzarurire kuti ungagovera sei magwaro nevakakukomberedza. Kungava kutumira vhesi kune mumwe munhu, kana kupa mari kune varikuita basa rekuturikira bhaibheri.

Chero nzira yaunenge wasarudza, funga kuti hupenyu hwako hwainge hwakasiyana sei dai wakanga usingakwanise kuwana Shoko raMwari, wobva waita iwe mubatsiri wekushandurawo upenyu hwevamwe.

Zuva 1Zuva 3

Zvinechekuita neHurongwa uhu

La Biblia está viva

Kubvira pakutanga kwapasi, Shoko raMwari riri kudzoreredza hana nendangariro dzevanhu- uye Mwari haasati apedza basa irori. Mu plan iyi yemazuva manomwe, ngatipemberere simba reshok rekushandura upenyu hwedu kuburikidza nekutarisisa kuti Mwari varikushandisa bhaibheri sei kushandura upenyu hwevanhu pasi rose.

More

Plan iyi yakagadzirwa uye inobva kuYouversion.