Bhaibheri ripenyuChikamu
Bhaibheri rinotisimbisa
Funga uchizvizivisa kuvanhu veimwe nyika uchivataurira kuti vanhu vekwenyu vane zita rinoreva kuti “vanhu vanotaura zvisina maturo.” Izvi ndizvo zvinoreva zita rekuti “Popoluca”, rakapihwa vagari nemutauro weVeracruz, kuMexico.
Kunyangwe nanhasi, zita rekuti “Popoluca” rinoshandisirwa vanhu 35,500 vari munharaunda iyi vanotaura nerurimi urwu. Avo vanoutaura mutauro uyu vanouti,“Nuntajɨ̱yi”— “Mutauro uripachena.”
Chero zvazvo Nuntajɨ̱yi ichiita seisina basa kune vamwe, avo vanokwanisa kuverenga kana kuteerera Testamende itsva muchirudzi chavo vanonzwisisa kuti zvine basa kuna Mwari wakasika mutauro uyu. Carolina mumwe wevanhu ava. Semuzukuru wemuturikiri wetestamende itsva kuenda kuPopoluca, Carolina ndiye mudzimai wekutanga wePopoluca akapedza dzidzo kukoreji. Akapa upenyu hwake kuti agovere shoko raMwari mumutauro wake, uye ikozvino anotungamira chikwata chevanhu makumi mashanu varikuturikira bhuku renziyo mubhaibheri.
“Patinoverenga bhaibheri muchiSpanish, zvinoita sekuti hapana zvatirikuita. Asi patinoriverenga mumutauro wedu, rinosvika mumwoyo yedu. Rinobata moyo yedu—rinoshanda matiri—nekuti tinonyatsorinzwisisa.”
Carolina anoshanda neYouVersion zvikuru, uye anogara achishandisa YouVersion kuverenga shoko raMwari muchi Nuntajɨ̱yi.
“Tinofara chaizvo kuti makaisa mashoko edu muYouversion app, nekuti ani nani zvake ari pasi rose anokwanisa kumaona—mutauro wedu uripowo pakati pemimwe mitauro ine mukurumbira! Nguva zhinji mutauro wedu unotarisirwa pasi, asi mu app iyi, tinoona kuti mutauro wedu unokosheswa zvikuru.”
Muzuva ranhasi, tora nguva diki yekutenda Mwari kuti une bhaibheri mumutauro wako. Tenda Mwari nehupenyu hwaCarolina nezvimwe zvuru zvevanhu vanoturikira bhaibheri varikushanda pasi rose muzuva ranhasi. Nekuda kwekutendeka nekuzvipira kwavo, Shoko raMwari ririkuramba richipararira pasi rose, richishandura vanhu vanorinzwa nekurinzwisisa.
Rugwaro
Zvinechekuita neHurongwa uhu
Kubvira pakutanga kwapasi, Shoko raMwari riri kudzoreredza hana nendangariro dzevanhu- uye Mwari haasati apedza basa irori. Mu plan iyi yemazuva manomwe, ngatipemberere simba reshok rekushandura upenyu hwedu kuburikidza nekutarisisa kuti Mwari varikushandisa bhaibheri sei kushandura upenyu hwevanhu pasi rose.
More