Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kudya Kwevanosuwa: Tariro Panguva YezororoChikamu

Grief Bites: Hope for the Holidays

ZUVA 5 REMAZUVA 5

Unokwanisa sei kugadzira mazuva ezororo ane chirevo uye akazara nerugare, zvisinei nezvirikuitika muhupenyu hwako?

Kana uri panguva yekuchema, kunyanya warasikirwa nemudikani kana hukama nemudikani, chinhu chinorwadza kuedza kugadzira "zvakajairika zvitsva"... kunyanya panguva yezororo yeKisimusi. Zvechokwadi zvinotora nguva.

Kana uri pamwedzi yekutanga kana gore rekutanga warasikirwa nemudikani, unonzwa kurwadziwa kwemoyo kukuru uye hauna kuziva kwakawanda pakuti nguva ino unopindana nayo sei uri pakuchema. Vamwe vanhu havanzwi kuda kuita chero chii zvacho, tisingatauri zvekugadzira nguva dzakasarudzika dzemazuva ezororo rino.

Dzimwe nguva, chinhu chakanakisa chaunga ite panguva yekuchema kuzvipa mvumo yekuzvimbundikira muhuvepo hwaMwari nekupedza nguva naye, sezvo uchipedza nguva nekumunamata, uchinakirwa nerudo rwake.

Vamwe vanokwanisa kupemberera Kisimusi semajairira nekuita zvese zvinonakidza nezviitiko zvese zvinounza ndangariro netsika dzavagara vachifarira kuita...ichi chipo chakanakisa!

Vamwe vanokwanisa kuzviwana vari pakati nepakati pesarudzo idzi dzivirira...vane chishuviro chekuita tsika semajairira, asi vachishuvirawo nguva yakanyarara nekuda kwenguva yakaoma nekurwadziwa kwemoyo kukuru.

Zvese ndizvozvo nekuti kuchema hakuuyi nenzira dzakafanana. Hakuna "zvisirizvo." Mwari anotungamira kuchema kwese nenzira dzakasiyana.

Inini ndakaona kuti kuisa maziso angu kuna Mwari ne "chikonzero chikuru chenguva ino," ndakakwanisa kunakirwa nenguva ino zviri nani. Ndakaona zvekare kuti pandakazvipira nechinangwa chekuvepo kune vamwe, nekusanganisa tsika dzamanje nedzakare, mazuva ezororo haazoiti mutoro mukuru usingatarisiki.

Unokwanisa sei kugadzira ndangariro dzakasarudzika panguva yemazuva ezororo uchisuwa mudikani kana kuti uchisangana nematambudziko ehupenyu?

Kukumbira Mwari kuti akubetsere uone kuseri kwekurwadziwa (panguva imwe chete iyoyo uchigamuchira kuchema nekurwadziwa) nekuva nechinangwa chekuva nechirevo kana tsika itsva panguva yezororo zvinhu zvakaoma; asi pakupedzisira Zvinobetsera...kana kuporesa chaiko.

Iyi mienzaniso ishoma:

Pandaive ndichiri mudiki, ndinorangarira baba vangu vachipfekedza mhuri yese nguwo dzekurara kuti tinoona mwenje yeKisimusi pamwe chete. Ndakazovawo nemana, tsika iyi tinoikudza uye tinopfeka nguwo dzedu dzekurara totarisa mwenje yeKisimusi. Izvi tazviita makore anopfuura makumi maviri.

Imwe tsika yandinofarira kubheka zvinhu zvaifarirwa nemunin'na wangu. Ndinobva ndatirisa kuti ndiani ari kurwadziwa pakati pehama neshamwari dzangu ndobva ndavashamisa nezvandinenge ndabheka. Ndinofarira kusimbisa vanhu panguva ino yezororo nekuvapa nguva yekukanganwa kuchema kwavo.

Mukadzi wechidiki ari muboka redu rekunyaradzana, akashaikirwa nemwanasikana wake mudiki, akandiudza kuti makore ekutanga ashaikirwa nemana wake aimutambudza. Mukadzi akasurudzika uyu anotsvaga ngirozi (anotsvaga ngirozi yakazvarwa zuva rimwe chete nemwana wake) kubva muAngel Tree otengera mwana anonetseka zvipo kurangarira mwana wake.

Chinhu chakanaka zvekare kubatidza kenduru senzira yekurangarira mudikani. Ndine shamwari yangu yakanaka iri muboka redu rekunyaradzana (ndiye mutungamiri we Grief Bites) anobatidza kenduru oisa mufananidzo wevabereki vake pedyo nekunduru iri. Inzira yakanaka yekurangarira mudikani nguva ino.

Kumbira Mwari akuudze kuti anoda kuti nguva ino anoda kuti uite sei. Inokwanisa kuve nguva yakanyarara, inezororo yaunopedza naye...inokwanisa kuve nguva yaunosimbisa vamwe nekuvapa rudo...inokwanisa kuve nguva yekupembera senguva dzese...inokwanisa kuve nguva yekuwadzana (nekunakirwa) nevaunodisisa...zvinokwanisa kuve zvakanaka kuti umbobuda mudhorobha rako...kana kutongoita zvese zvakabatanidzwa.

Nyangwe zvawasarudza kuita panguva ino yezororo, ndinonamatira kuti uzive pachako kuti Mwari anehanya zvikuru newe. Ndinonamatira kuti usangane nerudo rwake netariro yake uye ufambe mazviri! Zvekare ndino shuvira munhu wese rudo, kuporeswa, nerugare!

Nguva ino yezororo ngaive yakazara ndangariro dzakasarudzika, dzinokomborera...kunyanya TARIRO!

Wakagamuchira chipo CHIKURU...hukama naJesu Kristu here?
Tora nguva nhasi kuverenga Ruka 2:1-21 na Johane 3:16 kuti uwane Chipo chikurusa chaungapihwe nemunhu. Jesu akakumirira nemaoko akavhurika kuti akugamuchire — sezvauri — nekukuregerera zvitadzo zvako zvese. Chinongodiwa chete kutaurirana naMwari muchokwadi uchikumbira kuti Jesu apinde mumoyo wako akuite chisikwa chitsva!

Kana uchida zvimwe zvekuverenga zvinosimbisa nekupa tariro, ndinokukoka kuzoverenga zvimwe zvirongwa zvedu:
•Kudya Kwevanochema: Kuwana Pfuma Panguva Yakaoma •Kudya Kwevanochema: Nzira Itsva Yekukura Mukuchema •Kudya Kwevanochema: Kuzarurwa Kwekusatenda •Kuimba Mukati Medutu.

Tinopawo kusimbisa mazuva ese pa-blog redu nepaFacebook, zvekare:
•www.griefbites.com
•www.facebook.com/GettingYourBreathBackAfterGrief

Wakakosha zvikuru kunaMwari uye Mwari anehanya nekuchema kwako! Neniwo ndine hanya nekuchema kwako, zvekare, uye ndinonamatira kuti Mwari aporese moyo wako nehupenyu hwako!
Gara uchirangarira kuti Mwari anoyevedzwa newe! Anokudisisa zvekuti anoimba pamusoro pako uye anofadzwa newe zvikuru nemoyo wakazara mufaro! Uri mufaro wemoyo wake! Usafe wakakanganwa kuti Mwari anokuda zvakanyanya sei uye nakirwa nezororo rwuno zvakazara naye!

"Baba vari kumusoro kudenga vazere nenyasha, ndinokumbira muite basa guru mukati nemoyo waani naani pazuva ranhasi nemamwe anotevera. Pavanokundirwa nekusuwa, ndinokumbira muvakomberedze nerudo rwenyu uyemunyaradze moyo yavo. Mazuva paanenge akaoma, ndinokumbira mutakure kurwadziwa kwemoyo kwavo nemitoro yavo. Ndinonamatira kuti muvape TARIRO yenyu yakakosha, yakashongedzwa.
Ndinokumbira muvape nguva yezororo inechirevo, kunyanya Nemi. Kana vasati vakugamuchirai saIshe neMuponesi wehupenyu hwavo, ndinokumbira muvatungamire kuChipo Chikurusa — Imi! Tinokudai, Ishe, uye tinokutendai pachiri nenguva neizvo zvamuchatiitira. Nemuzita raJesu tinonamata, amen!

Hurongwa huno © 2015 kubva kuna Kim Niles/Grief Bites. Mvumo dzese dzakachengetwa. Zvashandiswa nemvumo.
Zuva 4

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Grief Bites: Hope for the Holidays

Kune vakawanda vedu, nguva yezororo inguva ine mufaro wakakura kwazvo... asi chii chingaitike kana mazuva ezororo asisina kufara nekupenya kwawo ova mazuva anorwadza nekuda kwekuchema kukuru kana kurasikirwa? Hurongwa hwakasarudzika hwekuverenga uhwu uchabetsera avo varipakati pekuchema kuti vawane kunyaradzwa neruvimbo pamakuva ezororo, uye huchibetsera nemazano ekugadzira mazuva ekuzorora ane chiremera kunyangwe panguva dzokuchema nokurasikirwa.

More

Tinoda kutenda Kim Miles, munyori we Kuwana Kufema Kwako Zvekare Mushure Mekunge Hupenyu Hwawukandira Kunze, nekutipa hurongwa uhu. Kuti muwane zvakazara, endai ku www.griefbites.com