Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kudya Kwevanosuwa: Tariro Panguva YezororoChikamu

Grief Bites: Hope for the Holidays

ZUVA 4 REMAZUVA 5

Kufara kunowanikwa here panguva yemazuva ezororo...kunyanya uri pakati pekuchema kukuru?

Kufara kwechokwadi kunowanikwa kunyangwe panguva yekuchema!

Pane musiyano pakati pekufara nemufaro wakazara tarisiro.

Kufara kunoenderana nekunzwa, mafungiro, zvirikutiki, nezvatinotenda. Mufaro unetarisiro unowanikwa nekuona kuti Mwari anotida zvakanyanya sei, kuzvinyudza mukunaka kwake, nekupinda murugare rwake rwakakwana, kurudziro yake ine rudo, nekuzorora.
Kuona kuti Mwari anehurongwa nekurwadziwa kwemoyo, uye nehupenyu hwako, nekuziva kuti haangatambisi kurwadziwa kwako.
Pazvese, kuona kuti mufaro wenguva yezororo unawanikwa maari chete!

Ndisati ndapinda nguva yekuchema, ndaifunga kuti mazuva ezororo aive nemufaro nekuda kwekuronga nekuva nemazuva "anofadza akakwana" nemhuri neshamwari. Zvakatora kuchema kuti ndione kuti mazuva ezororo ane mufaro wakachena wakakwana anobva kunaMwari chete.

Mwari ndiye mufananidzo mukuru, wechokwadi, wenguva yezororo.
Zuva rekupa kutenda harisi zuva rekungopa kutenda nekuda kwevadikani kana zvipo zvepanyika chete... Zuva rekupa kutenda izuva rekupa kutenda kunaMwari nekuda kwekuti tinaMwari anotida zvikuru uye anoyevedzwa nesu! Tinopa kutenda nekuda kwezvaari kuita mumoyo yedu nehupenyu hwedu, tinopa kutenda nezvakakosha zvinogara nekusingaperi zvaari kuvaka mumoyo yedu, uye tichipa kutenda nekuti tine hushamwari hwechokwadi hwakanakisisa naye!
Kuona kuti Mwari arikutigadzirira nzvimbo yekugara nekusingaperi, nekuti denga rakachengetedza vadikanwa vedu nepfuma huru yakakosha ndizvo zvimwe zvinotipa chikonzero chekutenda.

Kisimusi haisi yekungotandara nehama, nekushongedza miti yeKisimusi nedzimba, kumba nziyo dzeKisimusi, kubika kana kuona hurongwa hweKisimusi hwakasarudzika paterevizheni...Kisimusi pakuchena nepachokwadi ndeye Muponesi wedu akasiya kubwinya kwedenga (ungazvifungidzira?) kuti agove munhu aponese mweya yedu...kuti ave nehushamwari hwakasarudzika, hwepedyo nesu!

Kusiya kubwinya nekuyevedzwa kwese kwedenga—kukwanisika kwakazara, mufaro, nekuzara kwekurumbidzwa nengirozi 24/7—kugadzira zororo rakasarudzika rinonzi Kisimusi, kuti tikwanise kusvika kwaari nekuti tive nehukama naye hwepedyo, zvinoshamisa pfungwa zvikuru! Izvi zvinoita kuti ndinde kuisa pfungwa dzangu panyaya yeKisimusi yechokwadi, nyaya yeKisimusi yakanaka inopa tarisiro nekuvimba kukuru! Uye inoita kuti ndide kuda vanhu nekuvakuridzira semadiro nemakurudziro Anondiita inini.

Semapiro anoita kwatiri nerudo, ndinoyedza kurangarira kupawo vamwe panguva ino, zvakare, kuburikidza nekupa vadikani varipedyo neni zvipo zverudo, kusimudzira, ndangariro dzakasarudzika, nezviito zvekubetsera kuti ndivaratidze kuti ndinopa kutenda nekuvapo kwavo muupenyu hwangu.

Funga nzira dzaungakwanisa nadzo kupa simba nenguva yako nehama neshamwari panguva ino yezororo.
Zvinobetsera kurerutsira moyo wako wakaremerwa, panguva imwechete iyoyo uchikomborerawo moyo weumwe munhu.

Pandinofunga chirevo cheKisimusi chaicho, chinokinzera kuti ndipedze nguva yangu yezororo reKisimusi ndichitsvaga moyo nechido chaMwari, ndichipembera zvese zvinowanikwa maari, nekuziva zvakanyanya kuti rudo rwake ndingarugove kunani uye nani.

Hazvikwanisi hazvo kubvisa kurwadziwa kwese kwemoyo kungavepo, asi zvinesimba rekuzadza vatendi vese nemufaro mukuru sezvo tichiona zvibairo zvikuru zvakaitwa naMwari pamusoro pedu sevanhu...kungoti akwanise kuva nehushamwari hwakavimbika, hune rudo, hwema chokwadi nesu!

Kuona kuti mufaro hwema chokwadi unowanikwa, kunyangwe nguva dzakaoma, chipo chinokwanisa kungoiswa naMwari chete mumoyo yedu.

Nhasi, kumbira Mwari kuti vakupe chipo chakaropafadzwa chemufaro, womukumbira kuti chive chinhu chaunosangana nekufamba machiri panguva ino yemazuva ekuzorora.
Fungawo kukumbira Mwari kuti akuratidze kuti ndiani waungakomborere nguva ino, zvakare, kuburikidza nerudo nekusimbisa kwako.

Munamato:
"Baba varikudenga, ndinokutendai nezvese zvamunoitira mhuri yangu neni—munguva yapfuura, ikozvino, nenguva ichauya—uye ndinokutendai neizvo zvamucharamba muchitiitira, zvakare!
Tinokumbira muzadze moyo yedu nemufaro wenyu wedenga! Tibetserei kunzwa rudo rwenyu ruchibwinya kubva mumoyo yedu nguva ino yeKisimusi. Huvepo hwenyu ngauonekwe, pamwechete nerudo rwenyu,, ruvimbo, simbiso nekunyaradza! Ndinokurumbidzai nekuti tinokwanisa kuva nemufaro hwakarurama kunyangwe vamwe vedu vachirwadziwa uye vane moyo inorwadza. Patinenge tichinzwa kusuwa nemweya yedu iripasi, tizadzei nerudo rwenyu nekuvapo kwenyu! Tizadzei zvakare neTARIRO!
Betserai umwe neumwe wedu kuti ave mudziyo wekusimbisa, tariro, rudo, rufaro, nerunyararo kune avo vese vamuchaisa munzira dzedu.
Tinokudai, Ishe! Nemuzita raJesu, Amen."

Hurongwa huno © 2015 kubva kuna Kim Niles/Grief Bites. Kodzero dzose dzakachengetwa. Zvashandiswa nemvumo.
Zuva 3Zuva 5

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Grief Bites: Hope for the Holidays

Kune vakawanda vedu, nguva yezororo inguva ine mufaro wakakura kwazvo... asi chii chingaitike kana mazuva ezororo asisina kufara nekupenya kwawo ova mazuva anorwadza nekuda kwekuchema kukuru kana kurasikirwa? Hurongwa hwakasarudzika hwekuverenga uhwu uchabetsera avo varipakati pekuchema kuti vawane kunyaradzwa neruvimbo pamakuva ezororo, uye huchibetsera nemazano ekugadzira mazuva ekuzorora ane chiremera kunyangwe panguva dzokuchema nokurasikirwa.

More

Tinoda kutenda Kim Miles, munyori we Kuwana Kufema Kwako Zvekare Mushure Mekunge Hupenyu Hwawukandira Kunze, nekutipa hurongwa uhu. Kuti muwane zvakazara, endai ku www.griefbites.com