Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kudya Kwevanosuwa: Tariro Panguva YezororoChikamu

Grief Bites: Hope for the Holidays

ZUVA 3 REMAZUVA 5

Kana munhu ari pakati pekurasikirwa nehukama, kungave kushaikirwa nemudikana, kurambana, kana kusanzwana nevehukama, mazuva ezororo anoshaya tarisiro, mufaro nekubwinya kwawo.

Kana pane mubvunzo wakaoma uye unorwadza muchemi panguva yekuchema ndewe kuti, "Ndinokwanisa sei kupembera nguva ino uye ndichikudza nekurangarira vanhu vakandikoshera vandinoda vave kupemberera nguva ino vari kudenga naMwari?"

Umwe mubvunzo unorwadza moyo munhu (ari kuchema kufirwa, kurambana, kana kusanzwana nevehukama) waangave nawo ndewekuti, "Ndinokwanisa sei kupindana nenguva ino ndichinzwa kusuwa kukuru, uye ndinopindana nenguva ino sei ini ndichisuwa mudikani wangu zvakakura kudai?"

Nguva ino yezororo reKisimusi inoomera avo varipanguva yekuchema kurasikirwa nemudikani, kurambana, kana kusanzwana nevehukama kana kupesana.

Vari pakuchema vanosuwa vadikani vavo zvakanyanya, uye nguva ino ine mirangariro yakawanda; asi ikozvino mirangariro iyi ino kwanisa kuunza kurwadziwa kwemoyo kukuru. Tsika dzakare dzaifadza moyo dzave kurwadza nekuti mudikani haachisipo, kana haachadi, kupemberera kana kugoverana.

Ndakaona kuti ukwanise kupindana nenguva ino yezororo iwo moyo uchirwadza zvinongoitika nenyasha dzaMwari chete...nerudo rwake rwemazuva ose, rubetsero, nekusimbisa.
Kumbira Mwari ikozvino kuti akunyaradze uye aporese moyo wako, uye mukumbire kuti akufafaidze nekukuridzira sezvo uchipindana nenguva ino yezororo reKisimusi...danho nedanho...zuva nezuva...nguva nenguva...chiitiko nechiitiko. Aripo padivi rako uye anokwanisa kana kukutakura.

Saka zvino munhu ari pakuchema anoita sei netsika dzenguva ino?

Kana uchinzwa kuda kutenderera kumberi netsika dzawajaira, pachokwadi, enderera hako mberi nadzo...uye usazvitongese nekuzvibvumira kunakirwa. Vadikani vako vainakirwa uye vaifarira kukuona uchifara pavaive vachiripo. Dei vachiripo vachifara kukuona wakazara nemufaro zvakare, kunyange uri panguva yekuchema.

Kana uchinzwa usingakwanisi kutenderera mberi netsika semajairira, remekedza kuchema kwako nekuzvibvumira kunzwa zvauri kunzwa mumoyo. Ndapota usazvitongese nekuda nguva yezororo yakanyarara uye yakazorora.

Zvose zviri zviviri zvakakodzera panguva yekuchema.

Ndapota usanzwe kumanikidzwa kuita kana kunzwa chinhu, kana kumanikidzirwa kuita zvinhu zvisingaenderani nepauri pakuchema kwako.

Vamwe vari pakuchema vanokwanisa kuda kuita tsika dzavo dzavaiita nevadikani vavo senzira yekuvarangarira nekuvakudza, asi zvichiva zvinorwadza vamwe pazvino.

Taura nevadikani vako vachiripo uchivaudza zvauri kunzwa mumoyo wako. Vakumbire rudo rwavo netsigiro yavo panguva ino.
Zvipoteredze netsigiro yakawanda!
Kana pane sangano pedyo newe rinobetsera vano chema, rinenge GriefShare kana Grief Bites, ndinokurudzira nemoyo wangu wose kuti ubatane naro.

Chimwe nechimwe chine nguva yacho, kubatidzira kutsvaga tsigiro nekusimbisa, uye Mwari vakatendeka kukutakura nguva dzose dzeupenyu hwako. Kudza Mwari nekuchema kwako.

Bvumira Mwari kuti vatungamire kuchema kwako nekurwadziwa kwako, uye vavhunze kuti tsika dzawaiita nevadikani vako unodzibata sei uye nguva ino yauri kupindana nayo.

Mazuva maviri anotevera ndinenge ndichikupa mazano anobetsera kuti ukwanise kupindana nenguva ino, uye kuti uve nerugare nerunyararo, uye ukwanise kugadzira nguva dzine chirevo panguva ino yezororo reKisimusi.

Koka Mwari, ikozvino, kuti ave Shamwari yakagamuchirwa, yakakosha pamuzuva ezororo nemamwe anotevera.

Munamato:
"Baba vangu vanenyasha dzakazara vari kudenga, ndinokutendai nekuti handifambi panguva ino ndiri ndega. Ndinokutendai nemoyo wakazara kutenda nekugara kwenyu muripo nguva dzese kundida kwamunoita, nekuti hamuna kumbobvira, kana kamwechete, mandisiya kana kundirasa. Abba Baba, ndinokumbira kuti mundibetsere mazuva ose sezvo ndiri panguva yekuchema nekurwadziwa moyo. Ndibetserei kurangarira nekukudza vadikani vangu murudo, kusiyana nezvese zvakabata moyo husungwa, nekuti ndione zvakanaka kunaka kwenyu nemakomberero enyu mukati medutu randiri mukati maro.
Ndinokudai, Ishe, ndinorumbidza zita renyu ritsvene. Nemuzita raJesu ndinonamata, Amen."

Hurongwa huno © 2015 kubva kuna Kim Niles/Grief Bites. Mvumo dzose dzakachengetwa. Zvashandiswa nemvumo.
Zuva 2Zuva 4

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Grief Bites: Hope for the Holidays

Kune vakawanda vedu, nguva yezororo inguva ine mufaro wakakura kwazvo... asi chii chingaitike kana mazuva ezororo asisina kufara nekupenya kwawo ova mazuva anorwadza nekuda kwekuchema kukuru kana kurasikirwa? Hurongwa hwakasarudzika hwekuverenga uhwu uchabetsera avo varipakati pekuchema kuti vawane kunyaradzwa neruvimbo pamakuva ezororo, uye huchibetsera nemazano ekugadzira mazuva ekuzorora ane chiremera kunyangwe panguva dzokuchema nokurasikirwa.

More

Tinoda kutenda Kim Miles, munyori we Kuwana Kufema Kwako Zvekare Mushure Mekunge Hupenyu Hwawukandira Kunze, nekutipa hurongwa uhu. Kuti muwane zvakazara, endai ku www.griefbites.com