Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:89-176

Mapisarema 119:89-176 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu. Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu. Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu. Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema. Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu. Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu. Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi. Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu. Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru. Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi. Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu. Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu. Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.

Mapisarema 119:89-176 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Shoko renyu rakasimba kudenga Nokusingaperi, Jehovha. Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema; Nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru, Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu. Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu; Nokuti makandiponesa nazvo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu. Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze; Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu. Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana, Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo. Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose. Mirairo yenyu inondiita akachenjera kupfuura vavengi vangu; Nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndichengete shoko renyu. Handina kutsauka pane zvamatonga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu! Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu! Pazvirevo zvenyu ndinowana njere; Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, Nechiedza panzira yangu. Ndakapika, ndikazvisimbisa, Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama. Ndinotambudzika kwazvo; Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu. Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo zvandinokumbira zvipo zvomuromo wangu zvandinopa nomwoyo wangu, Mundidzidzise zvamakatonga. Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu; Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu. Vakaipa vakanditeyera musungo; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka yangu nokusingaperi; Nokuti ndizvo zvinofadza mwoyo wangu. Ndakarerekera mwoyo wangu kuti uite mitemo yenyu, Nokusingaperi, kusvikira pakuguma. Ndinovenga vane mwoyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu. Imi muri chivando changu nenhoo yangu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu. Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu. Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu. Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema. Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu. Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga. Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu. Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka; Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza. Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu. Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu. Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka. Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema. Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa; Saka mweya wangu unozvichengeta. Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza; Kunopa njere vasina mano. Ndakashamisa muromo wangu kwazvo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuva mirairo yenyu. Ringirirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Sezvamunoitira vanoda zita renyu. Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu; Zvakaipa ngazvirege kutonga vane simba pamusoro pangu. Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu; Naizvozvo ndichachengeta zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachivhenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu. Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso angu, Nokuti havachengeti murau wenyu. Imi makarurama, Jehovha, Nezvamakatonga zvakaruramawo. Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama Uye nokutendeka kukuru. Kushingaira kwangu kwakandipedza, Nokuti vadzivisi vangu vakakangwana mashoko enyu. Shoko renyu rakaisvonatswa; Saka muranda wenyu anorida. Ndiri muduku, ndakazvidzwa; Asi handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi, Nomurau wenyu izvokwadi. Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi; Ndipei njere, ndigorarama. Ndakadana nomwoyo wangu wose; ndipindurei, Jehovha; Ndichachengeta mitemo yenyu. Ndakadana kwamuri; ndiponesei, Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu. Ndakatangira mambakwedza ndikadana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso angu akatangira nguva dzousiku, Kuti ndifungisise shoko renyu. Inzwai izwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu; Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga. Vanotevera zvakaipa voswedera pedyo; Vari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehovha; Mirairo yenyu izvokwadi. Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu Kuti makazviteya nokusingaperi. Tarirai dambudziko rangu, mundirwire; Nokuti handikanganwi murau wenyu. Ndireverei mhosva yangu, mundidzikinure; Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu. Kuponeswa kuri kure navakaipa; Nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha; Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga. Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji; Kunyange zvakadaro handina kutsauka pazvipupuriro zvenyu. Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema; Nokuti havana kuchengeta shoko renyu. Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu; Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu. Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi; Zvose zvamakatonga, zvakarurama, zvinogara nokusingaperi. Machinda akanditambudza ndisina mhosva; Asi mwoyo wangu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwazvo, Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa. Nhema ndinodzivenga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga. Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru; Hapana chinovagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha, Ndikaita mirairo yenyu. Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu; Ndinozvida kwazvo. Ndakachengeta zvirevo zvenyu nezvipupuriro zvenyu; Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu. Kudana kwangu ngakusvike pamberi penyu, Jehovha; Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu. Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu; Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu. Miromo yangu ngairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarundibatsire; Nokuti ndakasanangura zvirevo zvenyu. Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha; Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru. Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai; Nezvamakatonga ngazvindibatsire. Ndakadzungaira segwai rakarashika; tsvakai muranda wenyu; Nokuti handikanganwi mirairo yenyu.

Mapisarema 119:89-176 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

TENZI, shoko renyu rakadzika midzi kudenga nokusingaperi. Ramadhi Kutendeka kwenyu kunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa makadzika nyika uye inoramba yakasimba. Nokuronga kwenyu nanhasi zvichiripo nokuti zvinhu zvose varanda venyu. Pasina kutofarira murau wenyu kwandakaita, ndingadai ndakaparara munhamo dzangu. Mitemo yenyu handimboikanganwa nokuti ndiyo yamakandiraramisa nayo. Ndiri wenyu, ndiponeseiwo nokuti ndinotsvaka mitemo yenyu. Vakaipa vanondivandira kuti vandiparadze, asi ini chandinongofunga mitemo yenyu. Ndakaona kuti hapana chisina mugumo asi mutemo wenyu ziendanakuenda risina miganhu. Hakusi kuuda ikoko kwandinoita mutemo wenyu ndiwo wandinongofunga zuva rose. Memi Mutemo wenyu unoita kuti ndive wakangwara kupinda vavengi vangu nokuti unogara uineni. Ndinotonzwisisisa kupinda vadzidzisi vangu vose nokuti mitemo yenyu ndiyo yandinongofunga. Ndinotonzwisisa kupinda vakwegura nokuti ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinozvidzora kunzira dzose dzakaipa kuitira kuti ndichengete shoko renyu. Handitsaukani nezvirevo zvenyu nokuti makandidzidzisa. Hakusi kunaka ikoko parurimi kwakaita mashoko enyu, anonaka kupinda uchi mukanwa mangu. Ndinowana kunzwisisa nemitemo yenyu naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiro rambi retsoka dzangu nemwenje unondivhenekera nzira. Nunu Ndakatsidza uye ndinosimbisisa kuti ndichachengeta zvirevo zvenyu zvakarurama. Ndinorwadziwa zvikuru, TENZI, ndiraramiseiwo sokutsidza kwenyu. TENZI gamuchiraiwo mupiro wangu wokurumbidza mundidzidzisewo zvirevo zvenyu. Ndinogara ndakabatira ura mumaoko asi mutemo wenyu handiukanganwi Vaipi vakanditeya asi handitsauki pamitemo yenyu. Mitemo yenyu ndiyo nhaka yangu nokusingaperi. Ehe, ndiyo rufaro rwomwoyo wangu. Ndakazvipira kuchengeta mitemo yenyu narini kusvika kumugumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri asi chandinoda mutemo wenyu. Sameki Ndimi mudziviriri wangu nenhowo yangu, ndinovimba neshoko renyu. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa kuti ndiwane machengetero emitemo yaMwari wangu. Nditsigireiwo sokutsidza kwamakaita kuitira kuti ndirarame, musaite kuti ndinyare nechitarisiro changu. Nditsigirei ndichengeteke ndirambe mwoyo uri pamitemo yenyu. Munorasa vanhu vose vanotsauka pamitemo yenyu nokuti varevi venhema, vanyengedzi. Munoshora vakaipa samagufu, nokudaro ndinoda mitemo yenyu. Ndinodedera nokukutyai; ndinotya kutonga kwenyu. Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi. Mitemo yenyu yakanaka kwazvo ndokusaka ndichiichengeta. Shoko renyu parizvino ratambanuka, rinopa chiedza, rinopa vanhuwo zvavo kunzwisisa. Ndinofemereka ndakashama muromo nokuti ndinodisisa mitemo yenyu. Ndicheuke mundiitirewo zvakanaka zvamunongoita kuna vanoda zita renyu. Ndisimbisei tsoka sokutsidza kwamakaita uipi hurege kunditonga. Ndinunureiwo kuvadzvinyiriri kuitira kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndiitireiwo mwoyo wakanaka, ini muranda wenyu, mundidzidzise mirau yenyu. Maziso angu anosvimha misodzi nokuti vanhu havachengeti mutemo wenyu. TENZI makarurama uye kutonga kwenyu kwakarurama. Tsadhe Makatema mirau yakarurama, iri pachokwadi chaipo. Ndinobaiwa mwoyo neshungu nokuti vavengi vangu vanokanganwa zvavo mazwi enyu. Chitsidzo chenyu ndechepachokwadi chaicho uye muranda wenyu anochida. Ndiri muduku zvangu uye ndinoshorwa asi handikanganwi mirau yenyu. Ururami hwenyu hwakarurama nokusingaperi uye mutemo wenyu ndewechokwadi. Nhamo nokurwadziwa mwoyo zvandiwira, asi ndinofarira mutemo wenyu. Mitemo yenyu yakarurama nokusingaperi ndipeiwo kunzwisisa ndirarame. Ndinochema nemwoyo wangu wose, ndipindureiwo TENZI ndichengete zvirevo zvenyu. Kofu Ndinochema kwamuri, ndiponeseiwo kuti ndichengete mitemo yenyu. Ndinotangira mambakwedza kumuka ndichikumbira rubatsiro, chitarisiro changu chiri mumashoko enyu. Ndinenge ndatosvinura maziso nguva inotsinhanha varindi isati yasvika kuti ndidzamise pfungwa nezvezvitsidzo zvenyu. Nemwoyochena wenyu, inzwai kuchema kwangu, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza vari kuuya kwandiri nepfungwa dzakaipa, vari kure nomutemo wenyu. Asi imi muri padyo TENZI uye mitemo yenyu ndeyechokwadi. Ndakaziva kare zvemitemo yenyu kuti makaidzika nokusingaperi. Tarisaiwo kutambura kwangu mundinunurewo nokuti handikanganwi mutemo wenyu. Reshi Ndimiririreiwo mundinunure, ndiraramiseiwo sokutsidza kwamakaita. Ruponeso rwuri kure navakaipa nokuti havana hanya nemitemo yenyu. Tsitsi dzenyu dzakawanda, TENZI ndiraramiseiwo noruenzaniso rwenyu. Vanonditambudza navanondirwisa vakawanda asi handitsauki pamitemo yenyu. Ndinotarisa vanyengedzi ndichivasema nokuti havachengeti mitemo yenyu. Rangarirai mudiro wandinoita mitemo yenyu, nemwoyochena wenyu ndichengetereiwo upenyu hwangu. Chokwadi ndicho mwoyo weshoko renyu uye zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, zvinogara nokusingaperi. Machinda anonditambudza pasina chikonzero asi ini chandinoremekedza zvikuru mumwoyo mangu, mashoko enyu. Shini Ndinofadzwa neshoko renyu somunhu awana zvokupamba zvakawanda. Ndinovenga uye ndinosema nhema asi ndinoda mutemo wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva nokuda kwezvirevo zvenyu zvakarurama. Vanoda mutemo wenyu vane rugare rukuru. Hapana chinovaita kuti vadzadzarike. Ndinotarisira ruponeso rwenyu, TENZI uye ndinochengeta mitemo yenyu. Ndinochengeta mitemo yenyu uye ndinoida zvikuru kwazvo. Ndinochengeta mitemo yenyu nemirawo yenyu nokuti nzira dzangu dzose munodziziva. Regai chichemo changu chisvike kwamuri TENZI regai ndinzwisise sokutsidza kwamakaita. Tau Regai munamato wangu usvike kwamuri mundinunurewo sokutaura kwenyu. Muromo wangu uchakurumbidzai nokuti munondidzidzisa mirao yenyu. Shoko renyu richava rumbo parurimi rwangu nokuti mitemo yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu ngarugaririre kundibatsira nokuti changu ini chandakasarudza mitemo yenyu. Ndinosuwira ruponeso rwenyu TENZI uye ndinofarira mutemo wenyu. Ndiraramisei kuti ndikurumbidzei zvirevo zvenyu ngazvindibatsire. Ndatetereka sehwai yarasika Nditsvakei ini muranda wenyu nokuti handikanganwi mitemo yenyu.

Mapisarema 119:89-176 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Shoko renyu rakasimba kuɗeŋga Nokusiŋgaperi, Jehova. Kutendeka kwenyu kunoȿika kumarudzi namarudzi; Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere. Ɀinoramba ɀigere nanhasi seɀamakatema; Nokuti ɀinhu ɀose ʋaranda ʋenyu. Ƌai murau wenyu usina‐kuʋa mufaro waŋgu mukuru, Ndiŋgaɗai ndakaparara neɗambudziko raŋgu. Handiŋgatoŋgokaŋganwi ɀireʋo ɀenyu; Nokuti makandiponesa naɀo. Ndiri wenyu, ndiponesei; Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu. Ʋakaipa ʋakandigarira kuti ʋandiparadze; Asi ndicafuŋga ɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona kuguma kweɀose ɀakakwana, Asi murairo wenyu mupamhi kwaɀo. Haiwa, ndinoɗa murau wenyu seiko! Ndico candinofuŋgisisa zuʋa rose. Mirairo yenyu inondiita wakacenjera kupfuʋura ʋaʋeŋgi ʋaŋgu; Nokuti inogara neni nokusiŋgaperi. Ndinenjere kupfuʋura ʋadzidzisi ʋaŋgu ʋose; Nokuti ɀipupuriro ɀenyu ndiɀo ɀandinofuŋgisisa. Ndinonzwisisa kupfuʋura ʋakakwegura, Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ndakadzora tsoka dzaŋgu panzira dzose dzakaipa; Kuti ndiceŋgete shoko renyu. Handina‐kutsauka paneɀamatoŋga; Nokuti makandidzidzisa. Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa maŋgu! Ɀirokwaɀo, anokunda ʋuci mumuromo maŋgu! Paɀireʋo ɀenyu ndinowana njere; Saka ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema. Shoko renyu ndiwo mŋenje wetsoka dzaŋgu, Neciedza panzira yaŋgu. Ndakapika, ndikaɀisimbisa, Kuti ndicaceŋgeta ɀamakatoŋga ɀakarurama. Ndinotambudzika kwaɀo; Ndiponesei, Jehova, neshoko renyu. Gamucirai henyu Jehova — ndiɀo ɀandinokumbira — ɀipo ɀomuromo waŋgu ɀandinopa nomŋoyo waŋgu, Mundidzidzise ɀamakatoŋga. Mŋeya waŋgu unoŋgosiʋa muruʋoko rwaŋgu; Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi murau wenyu. Ʋakaipa ʋakanditeyera musuŋgo; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀireʋo ɀenyu. Ɀipupuriro ɀenyu ndakaɀiita nhaka yaŋgu nokusiŋgaperi; Nokuti ndiɀo ɀinofadza mŋoyo waŋgu. Ndakarerekera mŋoyo waŋgu kuti uite mitemo yenyu, Nokusiŋgaperi, kuȿikira pakuguma. Ndinoʋeŋga ʋanemŋoyo miʋiri; Asi ndinoɗa murau wenyu. Imi muri ciʋando caŋgu nenhoʋo yaŋgu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita ɀakaipa; Kuti ndiceŋgete mirairo yaMŋari waŋgu. Nditsigirei seɀinoreʋa shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwaŋgu. Nditsigirei, ndiceŋgetwe, Ndigoramba ndiciraŋgarira mitemo yenyu. Makaɀidza ʋose ʋanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyeŋgera kwaʋo inhema. Ʋakaipa ʋose ʋapasi munoʋagumisa sefuro; Saka ndinoɗa ɀipupuriro ɀenyu. Nyama yaŋgu inobvunda nokukutyai; Ndinotya ɀamakatoŋga. Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama; Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu. Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka; Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza. Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu. Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo; Nokuti ʋakaputsa murau wenyu. Saka ndinoɗa mirairo yenyu Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka. Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama; Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema. Ɀipupuriro ɀenyu ɀinoshamisa; Saka mŋeya waŋgu unoɀiceŋgeta. Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa ciedza; Kunopa njere ʋasinamano. Ndakashamisa muromo waŋgu kwaɀo, ndikatakwaira; Nokuti ndakashuʋa mirairo yenyu. Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha, Seɀamunoitira ʋanoɗa zita renyu. Simbisirai kutsika kwaŋgu mushoko renyu; Ɀakaipa ŋgaɀirege kutoŋga ʋanesimba pamsoro paŋgu. Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu; Naiɀoɀo ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu. Ciso cenyu ŋgacivenekere muranda wenyu; Mundidzidzise mitemo yenyu. Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso aŋgu, Nokuti haʋaceŋgeti murau wenyu. Imi makarurama, Jehova, Neɀamakatoŋga ɀakarurama ʋo. Makaraira ɀipupuriro ɀenyu nokururama Ʋuye nokutendeka kukuru. Kushiŋgaira kwaŋgu kwakandipedza, Nokuti ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋakakaŋganwa mashoko enyu. Shoko renyu rakaiȿo‐natswa; Saka muranda wenyu unoriɗa. Ndiri muɗuku, ndakaɀidzwa; Asi handikaŋganwi ɀireʋo ɀenyu. Kururama kwenyu ndiko kururama kusiŋgaperi, Nomurau wenyu iɀokwaɗi. Nhamo nokumanikidzwa ɀakandiɓata; Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Ɀipupuriro ɀenyu ɀakarurama nokusiŋgaperi; Ndipei njere, ndigorarama. Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova; Ndicaceŋgeta mitemo yenyu. Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei, Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu. Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana; Ndakatarira mashoko enyu. Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku, Kuti ndifuŋgisise shoko renyu. Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo; Ʋari kure nomurau wenyu. Imi muri pedyo, Jehova; Mirairo yenyu iɀokwaɗi. Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi. Tarirai ɗambudziko raŋgu, mundirwire; Nokuti handikaŋganwi murau wenyu. Ndireʋerei mhoȿa yaŋgu, mundidzikinure; Ndiponesei seɀinoreʋa shoko renyu. Kuponeswa kuri kure naʋakaipa; Nokuti haʋatȿaki mitemo yenyu. Ŋgoni dzenyu izhinji, Jehova; Ndiponesei seɀinoreʋa ɀamakatoŋga. Ʋatambudzi ʋaŋgu naʋadziʋisi ʋaŋgu ʋazhinji; Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀipupuriro ɀenyu. Ndakaʋona ʋanyeŋgedzeri, ndikaʋasema; Nokuti haʋana‐kuceŋgeta shoko renyu. Fuŋgai kuti ndinoɗa ɀireʋo ɀenyu; Ndiponesei, Jehova, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu. Ʋuŋganidzo yeshoko renyu iɀokwaɗi; Ɀose ɀamakatoŋga, ɀakarurama, ɀinogara nokusiŋgaperi. Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa; Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu. Ndinofarira shoko renyu kwaɀo, Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga. Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema; Asi murau wenyu ndinouda. Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa, Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga. Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru; Hapana‐cinoʋagumbusa. Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova, Ndikaita mirairo yenyu. Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu; Ndinoɀiɗa kwaɀo. Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu; Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu. Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova; Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu. Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu; Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu. Miromo yaŋgu ŋgairumbidze; Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu; Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama. Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire; Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu. Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova; Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru. Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai; Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire. Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu; Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.

Mapisarema 119:89-176 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)