Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 119:89-176

Mapisarema 119:89-176 BDSC

Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi. Mirayiro yenyu iripo kusvikira iye nhasi, nokuti zvinhu zvose zvinokushumirai. Dai murayiro wenyu wanga usiri mufaro wangu, ndingadai ndakafira mumatambudziko angu. Handichazokanganwi zvamakatema, nokuti nazvo makachengetedza upenyu hwangu. Ndiponesei, nokuti ndiri wenyu; ndakatsvaka zvamakatema. Vakaipa vakarindira kundiparadza, asi ini ndichafunga zvirevo zvenyu. Ndinoona kuguma kwezvose zvakakwana, asi mirayiro yenyu haina magumo. Haiwa, ndinoda murayiro wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose. Mirayiro yenyu inoita kuti ndive akachenjera kupfuura vavengi vangu, nokuti inogara neni nguva dzose. Ndinonzwisisa zvakawanda kupfuura vadzidzisi vangu, nokuti ndinofungisisa pamusoro pezvamakatema. Ndinonzwisisa zvikuru kupfuura vakuru, nokuti ndinoteerera zvirevo zvenyu. Ndakadzora tsoka dzangu panzira dzose dzakaipa kuti nditeerere shoko renyu. Handina kubva pamirayiro yenyu, nokuti imi pachenyu makandidzidzisa. Mashoko enyu anotapira seiko pakuaravira, anotapira kukunda uchi mumukanwa mangu! Ndinowana kunzwisisa kubva pazvirevo zvenyu; naizvozvo ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza chenzira yangu. Ndakaita mhiko ndikaisimbisa, kuti ndichatevera mirayiro yenyu yakarurama. Ndakatambudzika kwazvo; chengetedzai upenyu hwangu, imi Jehovha, zvakafanira shoko renyu. Haiwa Jehovha, gamuchirai henyu kurumbidza kwomuromo wangu, mugondidzidzisa mirayiro yenyu. Kunyange ndichiramba ndakabata upenyu hwangu mumaoko angu, handizokanganwi murayiro wenyu. Vakaipa vakanditeya nomusungo, asi handina kutsauka pazvirevo zvenyu. Zvirevo zvenyu inhaka yangu nokusingaperi; ndizvo mufaro womwoyo wangu. Mwoyo wangu wakagarira kuchengeta zvirevo zvenyu, kusvikira kumagumo. Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu. Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa. Zvirevo zvenyu zvinoshamisa; naizvozvo ndinozviteerera. Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza; kunopa kunzwisisa kuna vasina mano. Ndinoshamisa muromo wangu ndigodokwaira, ndichishuva mirayiro yenyu. Dzokerai kwandiri mugondinzwira ngoni, sezvamunogara muchiita kuna avo vanoda zita renyu. Rayirai nhambwe dzetsoka dzangu zviri maererano neshoko renyu; chivi ngachirege kunditonga. Ndidzikinurei pakudzvinyirira kwavanhu, kuti ndigoteerera zvirevo zvenyu. Chiso chenyu ngachipenye pamusoro pomuranda wenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Hova dzemisodzi dzinoerera dzichibva mumeso angu, nokuti murayiro wenyu hausi kuteererwa. Haiwa Jehovha, imi makarurama, uye mirayiro yenyu yakarurama. Zvirevo zvenyu zvamakadzika zvakarurama; zvakavimbika kwazvo. Kushingaira kwangu kunondipedza, nokuti vavengi vangu havana hanya namashoko enyu. Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose, uye muranda wenyu anodzida. Kunyange ndakaderedzwa uye ndichizvidzwa hangu, handikanganwi zvirevo zvenyu. Kururama kwenyu kunogara nokusingaperi, uye murayiro wenyu ndowezvokwadi. Nhamo namatambudziko zviri pamusoro pangu, asi mirayiro yenyu ndiwo mufaro wangu. Zvirevo zvenyu zvinogara zvakarurama; ndipeiwo kunzwisisa kuti ndirarame. Ndinodana nomwoyo wangu wose; haiwa Jehovha ndipindureiwo, uye ndichateerera mitemo yenyu. Ndinodanidzira kwamuri, ndiponesei uye ndichachengeta zvamakatema. Ndinomuka mambakwedza asati asvika ndigochemera kubatsirwa; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Meso angu anogara akasvinura panguva dzose dzousiku, kuti ndifungisise pamusoro pevimbiso dzenyu. Inzwai inzwi rangu sezvakafanira rudo rwenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu zviri maererano nemirayiro yenyu. Vanoita mano akaipa vari pedyo, asi vari kure nomurayiro wenyu. Asi imi muri pedyo, Jehovha, uye mirayiro yenyu yose ndeyezvokwadi. Ndakadzidza pane zvamakatema kare, kuti makazvisimbisa kuti zvigare nokusingaperi. Tarirai kutambudzika kwangu mugondirwira, nokuti handina kukanganwa murayiro wenyu. Miririrai mhosva yangu uye mundidzikinure; chengetedzai upenyu hwangu maererano nevimbiso yenyu. Ruponeso rwuri kure navakaipa, nokuti havatsvaki mitemo yenyu. Haiwa Jehovha, tsitsi dzenyu ihuru; chengetedzai upenyu hwangu maererano nemirayiro yenyu. Vavengi vangu navanonditambudza vazhinji, asi handina kutsauka pane zvamakatema. Ndinotarira kuna vasingatendi ndichisema, nokuti havateereri shoko renyu. Tarirai madiro andinoita zvirevo zvenyu; haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu, maererano norudo rwenyu. Mashoko enyu ose ndeechokwadi; mirayiro yenyu yose yakarurama ndeyokusingaperi. Vatongi vanonditambudza ndisina mhaka, asi mwoyo wangu unodedera pashoko renyu. Ndinofarira vimbiso yenyu kufanana nouyo anowana zvakapambwa zvizhinji. Ndinovenga uye ndinosema nhema, asi ndinoda murayiro wenyu. Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva, nokuda kwemirayiro yenyu yakarurama. Vanoda murayiro wenyu vano rugare rukuru, uye hakuna chingavagumbusa. Haiwa Jehovha, ndakamirira ruponeso rwenyu, uye ndinotevera mirayiro yenyu. Ndinoteerera zvirevo zvenyu, nokuti ndinozvida zvikuru. Ndinoteerera zvirevo zvenyu nezvamakatema, nokuti nzira dzangu dzose dzinozivikanwa nemi. Dai kuchema kwangu kwasvika pamberi penyu, imi Jehovha; ndipeiwo kunzwisisa maererano neshoko renyu. Kukumbira kwangu dai kwasvika pamberi penyu; ndirwirei maererano nevimbiso yenyu. Miromo yangu dai yafashukira nerumbidzo, nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu. Rurimi rwangu dai rwaimba nezveshoko renyu, nokuti mirayiro yenyu yose yakarurama. Ruoko rwenyu dai rwagadzirira kundibatsira, nokuti ndakasarudza zvirevo zvenyu. Haiwa Jehovha, ndinoshuva ruponeso rwenyu, uye murayiro wenyu ndiwo mufaro wangu. Regai ndirarame kuti ndigokurumbidzai, uye dai mirayiro yenyu yandibatsira. Ndakatsauka segwai rakarasika. Tsvakai muranda wenyu, nokuti handina kukanganwa mirayiro yenyu.