Shoko renyu rakasimba kuɗeŋga
Nokusiŋgaperi, Jehova.
Kutendeka kwenyu kunoȿika kumarudzi namarudzi;
Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere.
Ɀinoramba ɀigere nanhasi seɀamakatema;
Nokuti ɀinhu ɀose ʋaranda ʋenyu.
Ƌai murau wenyu usina‐kuʋa mufaro waŋgu mukuru,
Ndiŋgaɗai ndakaparara neɗambudziko raŋgu.
Handiŋgatoŋgokaŋganwi ɀireʋo ɀenyu;
Nokuti makandiponesa naɀo.
Ndiri wenyu, ndiponesei;
Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu.
Ʋakaipa ʋakandigarira kuti ʋandiparadze;
Asi ndicafuŋga ɀipupuriro ɀenyu.
Ndakaʋona kuguma kweɀose ɀakakwana,
Asi murairo wenyu mupamhi kwaɀo.
Haiwa, ndinoɗa murau wenyu seiko!
Ndico candinofuŋgisisa zuʋa rose.
Mirairo yenyu inondiita wakacenjera kupfuʋura ʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Nokuti inogara neni nokusiŋgaperi.
Ndinenjere kupfuʋura ʋadzidzisi ʋaŋgu ʋose;
Nokuti ɀipupuriro ɀenyu ndiɀo ɀandinofuŋgisisa.
Ndinonzwisisa kupfuʋura ʋakakwegura,
Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
Ndakadzora tsoka dzaŋgu panzira dzose dzakaipa;
Kuti ndiceŋgete shoko renyu.
Handina‐kutsauka paneɀamatoŋga;
Nokuti makandidzidzisa.
Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa maŋgu!
Ɀirokwaɀo, anokunda ʋuci mumuromo maŋgu!
Paɀireʋo ɀenyu ndinowana njere;
Saka ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.
Shoko renyu ndiwo mŋenje wetsoka dzaŋgu,
Neciedza panzira yaŋgu.
Ndakapika, ndikaɀisimbisa,
Kuti ndicaceŋgeta ɀamakatoŋga ɀakarurama.
Ndinotambudzika kwaɀo;
Ndiponesei, Jehova, neshoko renyu.
Gamucirai henyu Jehova — ndiɀo ɀandinokumbira — ɀipo ɀomuromo waŋgu ɀandinopa nomŋoyo waŋgu,
Mundidzidzise ɀamakatoŋga.
Mŋeya waŋgu unoŋgosiʋa muruʋoko rwaŋgu;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi murau wenyu.
Ʋakaipa ʋakanditeyera musuŋgo;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀireʋo ɀenyu.
Ɀipupuriro ɀenyu ndakaɀiita nhaka yaŋgu nokusiŋgaperi;
Nokuti ndiɀo ɀinofadza mŋoyo waŋgu.
Ndakarerekera mŋoyo waŋgu kuti uite mitemo yenyu,
Nokusiŋgaperi, kuȿikira pakuguma.
Ndinoʋeŋga ʋanemŋoyo miʋiri;
Asi ndinoɗa murau wenyu.
Imi muri ciʋando caŋgu nenhoʋo yaŋgu;
Ndinotarira shoko renyu.
Ibvai kwandiri, imi munoita ɀakaipa;
Kuti ndiceŋgete mirairo yaMŋari waŋgu.
Nditsigirei seɀinoreʋa shoko renyu, kuti ndirarame;
Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwaŋgu.
Nditsigirei, ndiceŋgetwe,
Ndigoramba ndiciraŋgarira mitemo yenyu.
Makaɀidza ʋose ʋanotsauka pamitemo yenyu;
Nokuti kunyeŋgera kwaʋo inhema.
Ʋakaipa ʋose ʋapasi munoʋagumisa sefuro;
Saka ndinoɗa ɀipupuriro ɀenyu.
Nyama yaŋgu inobvunda nokukutyai;
Ndinotya ɀamakatoŋga.
Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama;
Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu.
Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka;
Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza.
Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu,
Neshoko renyu rakarurama.
Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu,
Mundidzidzise mitemo yenyu.
Ndiri muranda wenyu, ndipei njere;
Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu.
Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo;
Nokuti ʋakaputsa murau wenyu.
Saka ndinoɗa mirairo yenyu
Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka.
Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama;
Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.
Ɀipupuriro ɀenyu ɀinoshamisa;
Saka mŋeya waŋgu unoɀiceŋgeta.
Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa ciedza;
Kunopa njere ʋasinamano.
Ndakashamisa muromo waŋgu kwaɀo, ndikatakwaira;
Nokuti ndakashuʋa mirairo yenyu.
Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha,
Seɀamunoitira ʋanoɗa zita renyu.
Simbisirai kutsika kwaŋgu mushoko renyu;
Ɀakaipa ŋgaɀirege kutoŋga ʋanesimba pamsoro paŋgu.
Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu;
Naiɀoɀo ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
Ciso cenyu ŋgacivenekere muranda wenyu;
Mundidzidzise mitemo yenyu.
Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso aŋgu,
Nokuti haʋaceŋgeti murau wenyu.
Imi makarurama, Jehova,
Neɀamakatoŋga ɀakarurama ʋo.
Makaraira ɀipupuriro ɀenyu nokururama
Ʋuye nokutendeka kukuru.
Kushiŋgaira kwaŋgu kwakandipedza,
Nokuti ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋakakaŋganwa mashoko enyu.
Shoko renyu rakaiȿo‐natswa;
Saka muranda wenyu unoriɗa.
Ndiri muɗuku, ndakaɀidzwa;
Asi handikaŋganwi ɀireʋo ɀenyu.
Kururama kwenyu ndiko kururama kusiŋgaperi,
Nomurau wenyu iɀokwaɗi.
Nhamo nokumanikidzwa ɀakandiɓata;
Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru.
Ɀipupuriro ɀenyu ɀakarurama nokusiŋgaperi;
Ndipei njere, ndigorarama.
Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova;
Ndicaceŋgeta mitemo yenyu.
Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei,
Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu.
Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana;
Ndakatarira mashoko enyu.
Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku,
Kuti ndifuŋgisise shoko renyu.
Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu;
Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga.
Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo;
Ʋari kure nomurau wenyu.
Imi muri pedyo, Jehova;
Mirairo yenyu iɀokwaɗi.
Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu
Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi.
Tarirai ɗambudziko raŋgu, mundirwire;
Nokuti handikaŋganwi murau wenyu.
Ndireʋerei mhoȿa yaŋgu, mundidzikinure;
Ndiponesei seɀinoreʋa shoko renyu.
Kuponeswa kuri kure naʋakaipa;
Nokuti haʋatȿaki mitemo yenyu.
Ŋgoni dzenyu izhinji, Jehova;
Ndiponesei seɀinoreʋa ɀamakatoŋga.
Ʋatambudzi ʋaŋgu naʋadziʋisi ʋaŋgu ʋazhinji;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀipupuriro ɀenyu.
Ndakaʋona ʋanyeŋgedzeri, ndikaʋasema;
Nokuti haʋana‐kuceŋgeta shoko renyu.
Fuŋgai kuti ndinoɗa ɀireʋo ɀenyu;
Ndiponesei, Jehova, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu.
Ʋuŋganidzo yeshoko renyu iɀokwaɗi;
Ɀose ɀamakatoŋga, ɀakarurama, ɀinogara nokusiŋgaperi.
Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa;
Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu.
Ndinofarira shoko renyu kwaɀo,
Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga.
Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema;
Asi murau wenyu ndinouda.
Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa,
Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga.
Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru;
Hapana‐cinoʋagumbusa.
Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova,
Ndikaita mirairo yenyu.
Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu;
Ndinoɀiɗa kwaɀo.
Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu;
Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu.
Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova;
Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu.
Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu;
Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu.
Miromo yaŋgu ŋgairumbidze;
Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu;
Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama.
Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire;
Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu.
Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova;
Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru.
Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai;
Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire.
Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu;
Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.