Mapisarema 119
119
Kunaka kukuru kweShoko raJehova.
[ kutsauka kunonoka ] 1Ʋakaropafadzwa aʋo ʋanenzira yakarurama,
Ʋanofamba mumurau waJehova.
2Ʋakaropafadzwa ʋanoceŋgeta ɀipupuriro ɀake,
Ʋanomutȿaka nomŋoyo wose.
3Ɀirokwaɀo, haʋaiti cinhu cisina‐kururama,
Ʋanofamba munzira dzake.
4Makatiraira ɀireʋo ɀenyu,
Kuti tiɀiceŋgete ɀakanaka.
5Haiwa, ɗai nzira dzaŋgu dzakagadzirirwa
Kuceŋgeta mitemo yenyu!
6Ipapo handiŋganyadziswi,
Kana ndiciraŋgarira mirairo yenyu yose.
7Ndicakuʋoŋgai nomŋoyo wakarurama,
Kana ndicidzidza ɀamakatoŋga ɀakarurama.
8Ndicaceŋgeta mitemo yenyu;
Haiwa, regai kundirasha cose.
9Jaya riŋgaramba ricinatsa nzira yaro neiko?
Kana riciicenjerera seɀinoraira shoko renyu.
10Ndakakutȿakai nomŋoyo waŋgu wose;
Musanditendera kutsauka pamirairo yenyu.
11Shoko renyu ndakariʋiga mumŋoyo waŋgu,
Kuti ndirege kukutadzirai.
12Imi munofanira kukudzwa, Jehova; Ndidzidzisei mitemo yenyu.
13Ndakaɗudzira nemiromo yaŋgu
Ɀose ɀamakatoŋga nomuromo wenyu.
14Ndakafara kwaɀo munzira yeɀipupuriro ɀenyu,
Seɀandinofarira fuma yose.
15Ndicafuŋgisisa ɀireʋo ɀenyu,
Nokuraŋgarira nzira dzenyu.
16Ndicaɀifadza nemitemo yenyu;
Handiŋgakaŋganwi shoko renyu.
17Itirai muranda wenyu ɀakanaka, kuti ndirarame;
Ipapo ndicaceŋgeta shoko renyu.
18Ndiȿinudzei meso aŋgu, kuti ndiʋone
Ɀinhu ɀinoshamisa ɀiri pamurau wenyu.
19Nokuti ndiri mutorwa panyika;
Regai kundiʋanzira mirairo yenyu.
20Mŋeya waŋgu wapera nokushuʋa
Paŋguʋa dzose ɀamakatoŋga.
21Makaraira ʋanoɀikudza,
Ŋgaʋatukwe ʋanotsauka pamirairo yenyu.
22Bvisai kwandiri kushoʋorwa nokuɀidzwa;
Nokuti ndakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu.
23Macinda ʋo akagara akandireʋa;
Asi muranda wenyu wakafuŋgisisa mitemo yenyu.
24Ɀipupuriro ɀenyu ʋo ɀinondifadza kwaɀo,
Ndiɀo ɀinondipa mano.
25Mŋeya waŋgu unonamatira guruʋa;
Ndiponesei neshoko renyu.
26Ndakaɗudzira nzira dzaŋgu, imi mukandipindura;
Ndidzidzisei mitemo yenyu.
27 Ndidzidzisei ndinzwisise nzira yeɀireʋo ɀenyu;
Ipapo ndicafuŋgisisa maɓasa enyu anoshamisa.
28Mŋeya waŋgu unonyuŋguruka nokuremerwa;
Ndisimbisei seɀinorebga neshoko renyu.
29Bvisai kwandiri nzira yenhema;
Nenyasha dzenyu mundipe murau wenyu.
30Ndakasanaŋgura nzira yakatendeka;
Ndakaisa ɀamakatoŋga pamberi paŋgu.
31Ndinonamatira ɀipupuriro ɀenyu;
Jehova, regai kundinyadzisa.
32Ndicamhanya nenzira yemirairo yenyu,
Kana muneŋge makurisa mŋoyo waŋgu.
33Ndidzidzisei, Jehova, nzira yemitemo yenyu;
Ndigoiceŋgeta kuȿikira pakuguma.
34Ndipei njere, ndiceŋgete murau wenyu;
Ɀirokwaɀo, ndicauceŋgeta nomŋoyo waŋgu wose.
35Ndifambisei munzira yemirairo yenyu;
Nokuti ndinoifarira kwaɀo.
36Kweʋerai mŋoyo waŋgu kuɀipupuriro ɀenyu,
Urege kukweʋerwa mukuciʋa.
37Dzorai meso aŋgu ndirege kuʋona ɀisinamaturo,
Mundiponese panzira dzenyu.
38Simbisai Shoko renyu kumuranda wenyu,
Rakakwanira ʋanokutyai.
39Bvisai kushoʋorwa kwaŋgu kwandinotya,
Nokuti ɀamakatoŋga ɀakanaka.
40Tarirai, ndakashuʋa ɀireʋo ɀenyu;
Ndiponesei mukururama kwenyu.
41Ŋgoni dzenyu ŋgadziʋuye ʋo kwandiri, Jehova,
Iko kuponesa kwenyu, seɀinoreʋa shoko renyu.
42Naiɀoɀo ndicagona kupindura unondishoʋora;
Nokuti ndinoʋimba neshoko renyu.
43Regai kubvisa shoko reɀokwaɗi cose pamuromo waŋgu;
Nokuti ndakatarira ɀamakatoŋga.
44Naiɀoɀo ndicasiceŋgeta murau wenyu
Nokusiŋgaperi‐peri.
45Ndicasifamba ndakasunuŋguka,
Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu.
46Ndicataura ʋo ɀipupuriro ɀenyu pamberi pamadzimambo,
Ndisiŋganyadziswi.
47Ndicaɀifadza kwaɀo nemirairo yenyu,
Yandinoɗa.
48Ndicasimudzira ʋo maʋoko aŋgu kumirairo yenyu, yandinoɗa;
Ndicafuŋgisisa mitemo yenyu.
49Raŋgarirai shoko renyu kumuranda wenyu,
Nokuti makandimutsira tariro.
50Ndiɀo ɀinondinyaradza pakutambudzika kwaŋgu;
Nokuti shoko renyu rakandiponesa.
51Ʋanoɀikudza ʋakandiseka kwaɀo;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka pamurau wenyu.
52Ndakaraŋgarira ɀamakatoŋga kare‐kare, Jehova,
Ndikaɀinyaradza.
53Kutsamŋa kukuru kwakandiɓata,
Nokuɗa kwaʋakaipa ʋanorasha murau wenyu.
54Mitemo yenyu yaiʋa nziyo dzaŋgu
Mumba moʋutorwa bgaŋgu.
55Ndakaraŋgarira zita renyu, Jehova, ʋusiku,
Ndikaceŋgeta murau wenyu.
56Ndiɀo ɀandakaŋga ndinaɀo,
Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
57Jehova ndiye mugoʋe waŋgu;
Ndakati, ndicaceŋgeta mashoko enyu.
58Ndakakumbira ciso cenyu nomŋoyo waŋgu wose;
Ndinzwirei nyasha, seɀinoreʋa shoko renyu.
59Ndakafuŋga nzira dzaŋgu,
Ndikadzorera tsoka dzaŋgu kuɀipupuriro ɀenyu.
60Ndakakurumidza, handina‐kunonoka
Kuceŋgeta mirairo yenyu.
61Maɓote aʋakaipa akandimonera;
Asi handina‐kukaŋganwa murau wenyu.
62Ndicamuka pakati poʋusiku kuti ndikuʋoŋgei
Pamsoro peɀamakatoŋga ɀakarurama.
63Ndiri shamŋari yaʋose ʋanokutyai,
Neyaʋanoceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
64Jehova, pasi pazere neŋgoni dzenyu;
Ndidzidzisei mitemo yenyu.
65Makaitira muranda wenyu ɀakanaka,
Jehova, seɀinoreʋa shoko renyu.
66Ndidzidzisei ʋuŋgwaru bgakanaka nenjere;
Nokuti ndakatenda mirairo yenyu.
67Ndakati ndicigere kutambudzika ndikarashika;
Asi ɀino ndinoceŋgeta shoko renyu.
68Imi makanaka, ʋuye munoita ɀakanaka;
Ndidzidzisei mitemo yenyu.
69Ʋanoɀikudza ʋakandipomera nhema;
Ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu nomŋoyo waŋgu wose.
70Mŋoyo waʋo wakakora samafuta;
Asi ini ndinofarira murau wenyu kwaɀo.
71Ɀakaŋga ɀakanaka kuti nditambudzike;
Kuti ndidzidze mitemo yenyu.
72Murau womuromo wenyu wakanaka kwandiri
Kukunda ɀuru ɀamazana ɀendarama nesirveri.
73Maʋoko enyu akandiita nokundisimbisa;
Ndipei kunzwisisa, kuti ndidzidze mirairo yenyu.
74Ʋanokutyai ʋacandiʋona ndokufara;
Nokuti ndakatarira shoko renyu.
75Ndinoziʋa, Jehova, kuti ɀamakatoŋga ɀakarurama,
Ʋuye kuti makanditambudza nokutendeka.
76Ndinokumbira kuti tsitsi dzenyu dzindinyaradze,
Seɀamakareʋa kumuranda wenyu.
77Ʋunyoro bgenyu ŋgaʋuʋuye kwandiri, kuti ndirarame;
Nokuti murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru.
78Ʋanoɀikudza ŋgaʋanyadziswe; nokuti ʋakandiitira ɀakaipa ndisinemhoȿa;
Asi ndicafuŋgisisa ɀireʋo ɀenyu.
79Ʋanokutyai ŋgaʋadzokere kwandiri,
Ʋagoziʋa ɀipupuriro ɀenyu.
80Mŋoyo waŋgu ŋgaururame pamitemo yenyu;
Kuti ndirege kunyadziswa.
81Mŋeya waŋgu unopaŋga kuponesa kwenyu;
Asi ndinotarira shoko renyu.
82Meso aŋgu anopera nokutsaka shoko renyu,
Ndiciti: Mucandinyaradza riniko?
83Nokuti ndaʋa sehomboɗo iri muʋutsi;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi mitemo yenyu.
84Mazuʋa omuranda wenyu maŋganiko?
Mucatoŋga riniko ʋanonditambudza?
85Ʋanoɀikudza ʋakandicerera hunza,
Iʋo ʋasiŋgatereri murau wenyu.
86Mirairo yenyu yose yakatendeka;
Ʋanonditambudza ndisinemhoȿa; ndiɓatsirei imi.
87Ʋakaŋga ʋoɗa‐kundiparadza pasi;
Asi handina‐kusiya ɀireʋo ɀenyu.
88Ndiponesei nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu;
Naiɀoɀo ndicaceŋgeta cipupuriro comuromo wenyu.
89Shoko renyu rakasimba kuɗeŋga
Nokusiŋgaperi, Jehova.
90Kutendeka kwenyu kunoȿika kumarudzi namarudzi;
Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere.
91Ɀinoramba ɀigere nanhasi seɀamakatema;
Nokuti ɀinhu ɀose ʋaranda ʋenyu.
92Ƌai murau wenyu usina‐kuʋa mufaro waŋgu mukuru,
Ndiŋgaɗai ndakaparara neɗambudziko raŋgu.
93Handiŋgatoŋgokaŋganwi ɀireʋo ɀenyu;
Nokuti makandiponesa naɀo.
94Ndiri wenyu, ndiponesei;
Nokuti ndakatȿaka ɀireʋo ɀenyu.
95Ʋakaipa ʋakandigarira kuti ʋandiparadze;
Asi ndicafuŋga ɀipupuriro ɀenyu.
96Ndakaʋona kuguma kweɀose ɀakakwana,
Asi murairo wenyu mupamhi kwaɀo.
97Haiwa, ndinoɗa murau wenyu seiko!
Ndico candinofuŋgisisa zuʋa rose.
98Mirairo yenyu inondiita wakacenjera kupfuʋura ʋaʋeŋgi ʋaŋgu;
Nokuti inogara neni nokusiŋgaperi.
99Ndinenjere kupfuʋura ʋadzidzisi ʋaŋgu ʋose;
Nokuti ɀipupuriro ɀenyu ndiɀo ɀandinofuŋgisisa.
100Ndinonzwisisa kupfuʋura ʋakakwegura,
Nokuti ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
101Ndakadzora tsoka dzaŋgu panzira dzose dzakaipa;
Kuti ndiceŋgete shoko renyu.
102Handina‐kutsauka paneɀamatoŋga;
Nokuti makandidzidzisa.
103Mashoko enyu anonaka seiko mumukanwa maŋgu!
Ɀirokwaɀo, anokunda ʋuci mumuromo maŋgu!
104Paɀireʋo ɀenyu ndinowana njere;
Saka ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.
105Shoko renyu ndiwo mŋenje wetsoka dzaŋgu,
Neciedza panzira yaŋgu.
106Ndakapika, ndikaɀisimbisa,
Kuti ndicaceŋgeta ɀamakatoŋga ɀakarurama.
107Ndinotambudzika kwaɀo;
Ndiponesei, Jehova, neshoko renyu.
108Gamucirai henyu Jehova — ndiɀo ɀandinokumbira — ɀipo ɀomuromo waŋgu ɀandinopa nomŋoyo waŋgu,
Mundidzidzise ɀamakatoŋga.
109Mŋeya waŋgu unoŋgosiʋa muruʋoko rwaŋgu;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handikaŋganwi murau wenyu.
110Ʋakaipa ʋakanditeyera musuŋgo;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀireʋo ɀenyu.
111Ɀipupuriro ɀenyu ndakaɀiita nhaka yaŋgu nokusiŋgaperi;
Nokuti ndiɀo ɀinofadza mŋoyo waŋgu.
112Ndakarerekera mŋoyo waŋgu kuti uite mitemo yenyu,
Nokusiŋgaperi, kuȿikira pakuguma.
113Ndinoʋeŋga ʋanemŋoyo miʋiri;
Asi ndinoɗa murau wenyu.
114Imi muri ciʋando caŋgu nenhoʋo yaŋgu;
Ndinotarira shoko renyu.
115Ibvai kwandiri, imi munoita ɀakaipa;
Kuti ndiceŋgete mirairo yaMŋari waŋgu.
116Nditsigirei seɀinoreʋa shoko renyu, kuti ndirarame;
Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwaŋgu.
117Nditsigirei, ndiceŋgetwe,
Ndigoramba ndiciraŋgarira mitemo yenyu.
118Makaɀidza ʋose ʋanotsauka pamitemo yenyu;
Nokuti kunyeŋgera kwaʋo inhema.
119Ʋakaipa ʋose ʋapasi munoʋagumisa sefuro;
Saka ndinoɗa ɀipupuriro ɀenyu.
120Nyama yaŋgu inobvunda nokukutyai;
Ndinotya ɀamakatoŋga.
121Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama;
Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu.
122Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka;
Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza.
123Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu,
Neshoko renyu rakarurama.
124Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu,
Mundidzidzise mitemo yenyu.
125Ndiri muranda wenyu, ndipei njere;
Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu.
126Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo;
Nokuti ʋakaputsa murau wenyu.
127Saka ndinoɗa mirairo yenyu
Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka.
128Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama;
Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.
129Ɀipupuriro ɀenyu ɀinoshamisa;
Saka mŋeya waŋgu unoɀiceŋgeta.
130Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa ciedza;
Kunopa njere ʋasinamano.
131Ndakashamisa muromo waŋgu kwaɀo, ndikatakwaira;
Nokuti ndakashuʋa mirairo yenyu.
132Riŋgirai kwandiri, mundinzwire nyasha,
Seɀamunoitira ʋanoɗa zita renyu.
133Simbisirai kutsika kwaŋgu mushoko renyu;
Ɀakaipa ŋgaɀirege kutoŋga ʋanesimba pamsoro paŋgu.
134Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu;
Naiɀoɀo ndicaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu.
135Ciso cenyu ŋgacivenekere muranda wenyu;
Mundidzidzise mitemo yenyu.
136Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso aŋgu,
Nokuti haʋaceŋgeti murau wenyu.
137Imi makarurama, Jehova,
Neɀamakatoŋga ɀakarurama ʋo.
138Makaraira ɀipupuriro ɀenyu nokururama
Ʋuye nokutendeka kukuru.
139Kushiŋgaira kwaŋgu kwakandipedza,
Nokuti ʋadziʋisi ʋaŋgu ʋakakaŋganwa mashoko enyu.
140Shoko renyu rakaiȿo‐natswa;
Saka muranda wenyu unoriɗa.
141Ndiri muɗuku, ndakaɀidzwa;
Asi handikaŋganwi ɀireʋo ɀenyu.
142Kururama kwenyu ndiko kururama kusiŋgaperi,
Nomurau wenyu iɀokwaɗi.
143Nhamo nokumanikidzwa ɀakandiɓata;
Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru.
144Ɀipupuriro ɀenyu ɀakarurama nokusiŋgaperi;
Ndipei njere, ndigorarama.
145Ndakaɗana nomŋoyo waŋgu wose; ndipindurei, Jehova;
Ndicaceŋgeta mitemo yenyu.
146Ndakaɗana kwamuri; ndiponesei,
Ndigoceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu.
147Ndakataŋgira mambakwedza, ndikaɗana;
Ndakatarira mashoko enyu.
148Meso aŋgu akataŋgira ŋguʋa dzoʋusiku,
Kuti ndifuŋgisise shoko renyu.
149Inzwai inzwi raŋgu nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu;
Ndiponesei Jehova, seɀinoreʋa ɀamakatoŋga.
150Ʋanoteʋera ɀakaipa ʋosweɗera pedyo;
Ʋari kure nomurau wenyu.
151Imi muri pedyo, Jehova;
Mirairo yenyu iɀokwaɗi.
152Kubva kare ndakaziʋa neɀipupuriro ɀenyu
Kuti makaɀiteya nokusiŋgaperi.
153Tarirai ɗambudziko raŋgu, mundirwire;
Nokuti handikaŋganwi murau wenyu.
154Ndireʋerei mhoȿa yaŋgu, mundidzikinure;
Ndiponesei seɀinoreʋa shoko renyu.
155Kuponeswa kuri kure naʋakaipa;
Nokuti haʋatȿaki mitemo yenyu.
156Ŋgoni dzenyu izhinji, Jehova;
Ndiponesei seɀinoreʋa ɀamakatoŋga.
157Ʋatambudzi ʋaŋgu naʋadziʋisi ʋaŋgu ʋazhinji;
Kunyaŋge ɀakaɗaro handina‐kutsauka paɀipupuriro ɀenyu.
158Ndakaʋona ʋanyeŋgedzeri, ndikaʋasema;
Nokuti haʋana‐kuceŋgeta shoko renyu.
159Fuŋgai kuti ndinoɗa ɀireʋo ɀenyu;
Ndiponesei, Jehova, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu.
160Ʋuŋganidzo yeshoko renyu iɀokwaɗi;
Ɀose ɀamakatoŋga, ɀakarurama, ɀinogara nokusiŋgaperi.
161Macinda akanditambudza ndisinemhoȿa;
Asi mŋoyo waŋgu unotya shoko renyu.
162Ndinofarira shoko renyu kwaɀo,
Somunhu wawana ɀizhinji ɀakapambga.
163Nhema ndinodziʋeŋga nokudzisema;
Asi murau wenyu ndinouda.
164Ndinokurumbidzai kanomŋe pazuʋa,
Nokuɗa kweɀakarurama ɀamakatoŋga.
165Ʋanoɗa murau wenyu ʋanorugare rukuru;
Hapana‐cinoʋagumbusa.
166Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehova,
Ndikaita mirairo yenyu.
167Mŋeya waŋgu wakaceŋgeta ɀipupuriro ɀenyu;
Ndinoɀiɗa kwaɀo.
168Ndakaceŋgeta ɀireʋo ɀenyu neɀipupuriro ɀenyu;
Nokuti nzira dzaŋgu dzose dziri pamberi penyu.
169Kuɗana kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu, Jehova;
Ndipei njere seɀinoreʋa shoko renyu.
170Kukumbira kwaŋgu ŋgakuȿike pamberi penyu;
Ndirwirei seɀinoreʋa shoko renyu.
171Miromo yaŋgu ŋgairumbidze;
Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
172Rurimi rwaŋgu ŋgaruimbe shoko renyu;
Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama.
173Ruʋoko rwenyu ŋgarundiɓatsire;
Nokuti ndakasanaŋgura ɀireʋo ɀenyu.
174Ndakashuʋa kuponesa kwenyu, Jehova;
Murau wenyu ndiwo mufaro waŋgu mukuru.
175Mŋeya waŋgu ŋgaurarame, ugokurumbidzai;
Neɀamakatoŋga ŋgaɀindiɓatsire.
176Ndakadzuŋgaira segwai rakarashika; tȿakai muranda wenyu;
Nokuti handikaŋganwi mirairo yenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 119: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018