Shoko renyu rakasimba kudenga
Nokusingaperi, Jehovha.
Kutendeka kwenyu kunosvika kumarudzi namarudzi;
Imi makasimbisa pasi, panoramba pagere.
Zvinoramba zvigere nanhasi sezvamakatema;
Nokuti zvinhu zvose varanda venyu.
Dai murau wenyu usina kuva mufaro wangu mukuru,
Ndingadai ndakaparara nedambudziko rangu.
Handingatongokanganwi zvirevo zvenyu;
Nokuti makandiponesa nazvo.
Ndiri wenyu, ndiponesei;
Nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.
Vakaipa vakandigarira kuti vandiparadze;
Asi ndichafunga zvipupuriro zvenyu.
Ndakaona kuguma kwezvose zvakakwana,
Asi murayiro wenyu mupamhi kwazvo.
Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko!
Ndicho chandinofungisisa zuva rose.
Mirairo yenyu inondiita akachenjera
kupfuura vavengi vangu;
Nokuti inogara neni nokusingaperi.
Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose;
Nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa.
Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura,
Nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.
Ndakadzora tsoka dzangu panzira
dzose dzakaipa;
Kuti ndichengete shoko renyu.
Handina kutsauka pane zvamatonga;
Nokuti makandidzidzisa.
Mashoko enyu anonaka seiko mukanwa mangu!
Zvirokwazvo, anokunda uchi mumuromo mangu!
Pazvirevo zvenyu ndinowana njere;
Saka ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu,
Nechiedza panzira yangu.
Ndakapika, ndikazvisimbisa,
Kuti ndichachengeta zvamakatonga zvakarurama.
Ndinotambudzika kwazvo;
Ndiponesei, Jehovha, neshoko renyu.
Gamuchirai henyu Jehovha ndizvo
zvandinokumbira zvipo zvomuromo
wangu zvandinopa nomwoyo wangu,
Mundidzidzise zvamakatonga.
Mweya wangu unongosiva muruoko rwangu;
Kunyange zvakadaro handikanganwi murau wenyu.
Vakaipa vakanditeyera musungo;
Kunyange zvakadaro handina kutsauka
pazvirevo zvenyu.
Zvipupuriro zvenyu ndakazviita nhaka
yangu nokusingaperi;
Nokuti ndizvo zvinofadza mwoyo wangu.
Ndakarerekera mwoyo
wangu kuti uite mitemo yenyu,
Nokusingaperi, kusvikira pakuguma.
Ndinovenga vane mwoyo miviri;
Asi ndinoda murau wenyu.
Imi muri chivando changu nenhoo yangu;
Ndinotarira shoko renyu.
Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa;
Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu.
Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu,
kuti ndirarame;
Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu.
Nditsigirei, ndichengetwe,
Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu.
Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu;
Nokuti kunyengera kwavo inhema.
Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro;
Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu.
Nyama yangu inobvunda nokukutyai;
Ndinotya zvamakatonga.
Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama;
Musandiisa kuvamanikidzi vangu.
Ivai rubatso rwomuranda wenyu
kuti ndiitirwe zvakanaka;
Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza.
Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu,
Neshoko renyu rakarurama.
Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu,
Mundidzidzise mitemo yenyu.
Ndiri muranda wenyu, ndipei njere;
Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu.
Inguva yaJehovha yokubata nayo;
Nokuti vakaputsa murau wenyu.
Saka ndinoda mirairo yenyu
Kupfuura ndarama, zvirokwazvo,
kupfuura ndarama yakaisvonaka.
Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose
pamusoro pezvose zvakarurama;
Ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Zvipupuriro zvenyu zvinoshamisa;
Saka mweya wangu unozvichengeta.
Kuzarurwa kwamashoko enyu kunopa chiedza;
Kunopa njere vasina mano.
Ndakashamisa muromo wangu
kwazvo, ndikatakwaira;
Nokuti ndakashuva mirairo yenyu.
Ringirirai kwandiri, mundinzwire nyasha,
Sezvamunoitira vanoda zita renyu.
Simbisirai kutsika kwangu mushoko renyu;
Zvakaipa ngazvirege kutonga vane simba
pamusoro pangu.
Ndidzikinurei pakumanikidza kwomunhu;
Naizvozvo ndichachengeta zvirevo zvenyu.
Chiso chenyu ngachivhenekere muranda wenyu;
Mundidzidzise mitemo yenyu.
Nzizi dzemvura dzinoyerera pameso angu,
Nokuti havachengeti murau wenyu.
Imi makarurama, Jehovha,
Nezvamakatonga zvakaruramawo.
Makaraira zvipupuriro zvenyu nokururama
Uye nokutendeka kukuru.
Kushingaira kwangu kwakandipedza,
Nokuti vadzivisi vangu vakakangwana
mashoko enyu.
Shoko renyu rakaisvonatswa;
Saka muranda wenyu anorida.
Ndiri muduku, ndakazvidzwa;
Asi handikanganwi zvirevo zvenyu.
Kururama kwenyu ndiko kururama kusingaperi,
Nomurau wenyu izvokwadi.
Nhamo nokumanikidzwa zvakandibata;
Asi mirairo yenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
Zvipupuriro zvenyu zvakarurama nokusingaperi;
Ndipei njere, ndigorarama.
Ndakadana nomwoyo wangu wose;
ndipindurei, Jehovha;
Ndichachengeta mitemo yenyu.
Ndakadana kwamuri; ndiponesei,
Ndigochengeta zvipupuriro zvenyu.
Ndakatangira mambakwedza ndikadana;
Ndakatarira mashoko enyu.
Meso angu akatangira nguva dzousiku,
Kuti ndifungisise shoko renyu.
Inzwai izwi rangu nokuda kwounyoro hwenyu;
Ndiponesei Jehovha, sezvinoreva zvamakatonga.
Vanotevera zvakaipa voswedera pedyo;
Vari kure nomurau wenyu.
Imi muri pedyo, Jehovha;
Mirairo yenyu izvokwadi.
Kubva kare ndakaziva nezvipupuriro zvenyu
Kuti makazviteya nokusingaperi.
Tarirai dambudziko rangu, mundirwire;
Nokuti handikanganwi murau wenyu.
Ndireverei mhosva yangu, mundidzikinure;
Ndiponesei sezvinoreva shoko renyu.
Kuponeswa kuri kure navakaipa;
Nokuti havatsvaki mitemo yenyu.
Ngoni dzenyu izhinji, Jehovha;
Ndiponesei sezvinoreva zvamakatonga.
Vatambudzi vangu navadzivisi vangu vazhinji;
Kunyange zvakadaro handina kutsauka
pazvipupuriro zvenyu.
Ndakaona vanyengedzeri, ndikavasema;
Nokuti havana kuchengeta shoko renyu.
Fungai kuti ndinoda zvirevo zvenyu;
Ndiponesei, Jehovha, nokuda kwounyoro hwenyu.
Unganidzo yeshoko renyu izvokwadi;
Zvose zvamakatonga, zvakarurama,
zvinogara nokusingaperi.
Machinda akanditambudza ndisina mhosva;
Asi mwoyo wangu unotya shoko renyu.
Ndinofarira shoko renyu kwazvo,
Somunhu awana zvizhinji zvakapambwa.
Nhema ndinodzivenga nokudzisema;
Asi murau wenyu ndinouda.
Ndinokurumbidzai kanomwe pazuva,
Nokuda kwezvakarurama zvamakatonga.
Vanoda murau wenyu vane rugare rukuru;
Hapana chinovagumbusa.
Ndakatarira kuponesa kwenyu, Jehovha,
Ndikaita mirairo yenyu.
Mweya wangu wakachengeta zvipupuriro zvenyu;
Ndinozvida kwazvo.
Ndakachengeta zvirevo zvenyu
nezvipupuriro zvenyu;
Nokuti nzira dzangu dzose dziri pamberi penyu.
Kudana kwangu ngakusvike
pamberi penyu, Jehovha;
Ndipei njere sezvinoreva shoko renyu.
Kukumbira kwangu ngakusvike pamberi penyu;
Ndirwirei sezvinoreva shoko renyu.
Miromo yangu ngairumbidze;
Nokuti munondidzidzisa mitemo yenyu.
Rurimi rwangu ngaruimbe shoko renyu;
Nokuti mirairo yenyu yose yakarurama.
Ruoko rwenyu ngarundibatsire;
Nokuti ndakasanangura zvirevo zvenyu.
Ndakashuva kuponesa kwenyu, Jehovha;
Murau wenyu ndiwo mufaro wangu mukuru.
Mweya wangu ngaurarame, ugokurumbidzai;
Nezvamakatonga ngazvindibatsire.
Ndakadzungaira segwai rakarashika;
tsvakai muranda wenyu;
Nokuti handikanganwi mirairo yenyu.