Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:1-22

Mapisarema 107:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi, avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta kwavangagara. Vakava nenzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka. Vamwe vakagara murima nokusurikirwa kwakadzama, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare, nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kweWokumusoro-soro. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira, nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.

Mapisarema 107:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Vongai Jehovha, nokuti akanaka; Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.” Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadaro, Ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi; Akavaunganidza panyika dzose, Kumabvazuva nokumavirira, Kumusoro nezasi. Vakafamba-famba murenje munzira yomugwenga; Havana kuwana muguta mavangagara. Vakafa nenzara neyota, Mweya wavo ukaziya mukati mavo. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, Iye akavarwira panjodzi dzavo. Wakavafambisawo nenzira yakarurama, Kuti vasvike kuguta rokugara. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti anogutisa mweya, une nyota, Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka. Ndivo, vakanga vagere murima nomumvuri worufu, Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare, Nokuti vakamukira mashoko aMwari, Vakashora zano roWokumusorosoro; Saka wakaninipisa mwoyo yavo nokutambura; Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo, Akavaponesa pamadambudziko avo. Akavabudisa parima nomumvuri worufu, Akadamburanya zvisungo zvavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake, anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Nokuti wakavhuna masuo endarira, Nokuguranya mazariro amatare. Mapenzi anotambudzika nokuda kwokudarika kwavo, Uye nokuda kwazvakaipa zvavo. Mweya wavo unosema zvokudya zvose; Vanoswedera pedyo namasuo orufu. Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo, Iye anovaponesa pamadambudziko avo. Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa, Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo. Haiwa, dai vanhu vachirumbidza Jehovha nokuda kwokunaka kwake, Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu! Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, Nokududzira mabasa ake nokuimba.

Mapisarema 107:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tendai TENZI nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Vakanunurwa naTENZI ngavadaro, vaakanunura munhamo, vaakakokorodza kubva kudzinyika, kubva kumabvazuva nokumadokero, kuchamhembe nokumaodzanyemba. Vamwe vakadzungaira murenje vachishaya nzira yokuenda nayo kuguta rokundogara. Vakaita nzara nenyota vakarasa mwoyo. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavatungamirira munzira yakati tasa vakasvika muguta rokugara. Ngavatende TENZI nokuda kwomwoyochena wake uye nokuda kwezviito zvake kuvanhu zvinoshamisa nokuti anogondwesa ane nyota uye ane nzara anomugutsa nezvinhu zvakanaka. Vamwe vaigara murima nomuzarima vari vasungwa vari munhamo vakasungwa nesimbi nokuti vakanga vapandukira mazwi aMwari vakazvidza zano roWokumusorosoro. Vakanga vasvipa mwoyo nebasa rakaomarara vakawira pasi pasina anovabatsira. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura mupfumvu yavo. Akavaburitsa murima nomuzarima akadambura misungo yavo. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa, nokuti anopwanya makonhi endarira achityora napakati zvihuri zvesimbi. Vamwe vakarwara nokuda kwokutadza kwavo, vakapinda pfumvu pamusana pouipi hwavo. Vakasema zvokudya zvose vakatenge voda kufa. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavarapa nezwi rake akavanunura pakuparadzwa. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Uye ngavapire chibayiro chokutenda vaparidze mabasa ake nenziyo dzorufaro.

Mapisarema 107:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka; Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi. Ʋakadzikinurwa ʋaJehova ŋgaʋaɗaro, Iʋo ʋaakadzikinura muruʋoko rwomudziʋisi; Akaʋaʋuŋganidza panyika dzose, Kumabvazuʋa nokumaʋirira, Kumsoro nezasi. Ʋakafamba‐famba murenje munzira yomuciwunde; Haʋana‐kuwana guta maʋaŋgagara. Ʋakafa nenzara nenyota, Mŋeya waʋo ukaziya mukati maʋo. Ipapo ʋakacema kunaJehova pakutambudzika kwaʋo, Iye akaʋarwira panjodzi dzaʋo. Wakaʋafambisa ʋo nenzira yakarurama, Kuti ʋaȿike kuguta rokugara. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti unogutisa mŋeya, unenyota, Ʋuye mŋeya, unenzara, unouzadza neɀakanaka. Ndiʋo, ʋakaŋga ʋagere murima nomumvuri worufu, Ʋakaŋga ʋakasuŋgwa mukutambudzika namatare, Nokuti ʋakamukira mashoko aMŋari, Ʋakashoʋora zano roWokumsoro‐soro; Saka wakaninipisa mŋoyo yaʋo nokutambura; Ʋakawira pasi, kukasaʋa nomunhu unoɓatsira. Ipapo ʋakacema kunaJehova panhamo yaʋo, Akaʋaponesa pamaɗambudziko aʋo. Wakaʋaɓuɗisa parima nomumvuri worufu, Akaɗamburanya ɀisuŋgo ɀaʋo. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Nokuti wakavuna masuʋo endarira, Nokuguranya mazariro amatare. Mapenzi anotambudzika nokuɗa kwokuɗarika kwawo, Ʋuye nokuɗa kwaɀakaipa ɀawo. Mŋeya waʋo unosema ɀokudya ɀose; Ʋanosweɗera pedyo namasuʋo orufu. Ɀino ʋocema kunaJehova panhamo yaʋo, Iye unoʋaponesa pamaɗambudziko aʋo. Unotuma shoko rake, ndokuʋaporesa, Nokuʋarwira pakuparadzwa kwaʋo. Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake, Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu! Ŋgaʋaɓayire ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga, Nokuɗudzira maɓasa ake nokuimba.

Mapisarema 107:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)