Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 107:1-22

Nziyo 107:1-22 SCLBD

Tendai TENZI nokuti akanaka mwoyochena wake hauperi. Vakanunurwa naTENZI ngavadaro, vaakanunura munhamo, vaakakokorodza kubva kudzinyika, kubva kumabvazuva nokumadokero, kuchamhembe nokumaodzanyemba. Vamwe vakadzungaira murenje vachishaya nzira yokuenda nayo kuguta rokundogara. Vakaita nzara nenyota vakarasa mwoyo. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavatungamirira munzira yakati tasa vakasvika muguta rokugara. Ngavatende TENZI nokuda kwomwoyochena wake uye nokuda kwezviito zvake kuvanhu zvinoshamisa nokuti anogondwesa ane nyota uye ane nzara anomugutsa nezvinhu zvakanaka. Vamwe vaigara murima nomuzarima vari vasungwa vari munhamo vakasungwa nesimbi nokuti vakanga vapandukira mazwi aMwari vakazvidza zano roWokumusorosoro. Vakanga vasvipa mwoyo nebasa rakaomarara vakawira pasi pasina anovabatsira. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura mupfumvu yavo. Akavaburitsa murima nomuzarima akadambura misungo yavo. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa, nokuti anopwanya makonhi endarira achityora napakati zvihuri zvesimbi. Vamwe vakarwara nokuda kwokutadza kwavo, vakapinda pfumvu pamusana pouipi hwavo. Vakasema zvokudya zvose vakatenge voda kufa. Vakazochema kuna TENZI munhamo dzavo, iye akavanunura kupfumvu yavo. Akavarapa nezwi rake akavanunura pakuparadzwa. Ngavatende TENZI mwoyochena wake uye zviito zvake kuvanhu zvinoshamisa. Uye ngavapire chibayiro chokutenda vaparidze mabasa ake nenziyo dzorufaro.

Verenga chikamu Nziyo 107