Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 107:1-22

Mapisarema 107:1-22 BDSC

Vongai Jehovha, nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi. Vakadzikinurwa naJehovha ngavadaro, vaakadzikinura muruoko rwomuvengi, avo vaakaunganidza kubva panyika dzose, kubva kumabvazuva nokumavirira, nokumusoro nezasi. Vamwe vakadzungaira murenje nomugwenga, vachishayiwa nzira yokuenda kuguta kwavangagara. Vakava nenzara nenyota, uye upenyu hwavo hwakanga hwoparara. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, akavarwira pakutambura kwavo. Akavafambisa nenzira yakarurama kuenda kuguta ravaizogara. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye nokuda kwamabasa anoshamisa aakavaitira, nokuti anogutsa vane nyota, uye vane nzara anovazadza nezvakanaka. Vamwe vakagara murima nokusurikirwa kwakadzama, vari vasungwa vanotambudzika muzvisungo zvamatare, nokuti vakanga vamukira mashoko aMwari uye vakazvidza kurayira kweWokumusoro-soro. Saka akaita kuti vashande zvinorwadza; vakagumburwa, uye pakanga pasina anovabatsira. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akavabudisa murima nomukusviba kwakadzika dzika, uye akadambura ngetani dzavo. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira, nokuti anopwanya masuo endarira, uye akagura mazariro esimbi. Vamwe vakava mapenzi nokuda kwenzira dzavo dzokumukira, uye vakatambudzwa kwazvo nokuda kwezvakaipa zvavo. Vakasema zvokudya zvose, uye vakaswedera pamasuo orufu. Ipapo vakachema kuna Jehovha pakutambudzika kwavo, uye akavaponesa pakutambura kwavo. Akatuma shoko rake uye akavaporesa; akavanunura kubva paguva. Vanhu ngavavonge Jehovha nokuda kworudo rwake rusingaperi, uye namabasa ake anoshamisa aakavaitira. Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga, uye vareve zvamabasa ake nenziyo dzomufaro.