“Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
Nokuti ngoni dzake dzinogara nokusingaperi.”
Vakadzikinurwa vaJehovha ngavadaro,
Ivo vaakadzikinura muruoko rwomudzivisi;
Akavaunganidza panyika dzose,
Kumabvazuva nokumavirira,
Kumusoro nezasi.
Vakafamba-famba murenje
munzira yomugwenga;
Havana kuwana muguta mavangagara.
Vakafa nenzara neyota,
Mweya wavo ukaziya mukati mavo.
Ipapo vakachema kuna Jehovha
pakutambudzika kwavo,
Iye akavarwira panjodzi dzavo.
Wakavafambisawo nenzira yakarurama,
Kuti vasvike kuguta rokugara.
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza
Jehovha nokuda kwokunaka kwake,
Uye nokuda kwamabasa ake,
anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
Nokuti anogutisa mweya, une nyota,
Uye mweya, une nzara, anouzadza nezvakanaka.
Ndivo, vakanga vagere murima
nomumvuri worufu,
Vakanga vakasungwa mukutambudzika namatare,
Nokuti vakamukira mashoko aMwari,
Vakashora zano roWokumusorosoro;
Saka wakaninipisa mwoyo yavo nokutambura;
Vakawira pasi, kukasava nomunhu anobatsira.
Ipapo vakachema kuna Jehovha panhamo yavo,
Akavaponesa pamadambudziko avo.
Akavabudisa parima nomumvuri worufu,
Akadamburanya zvisungo zvavo.
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza
Jehovha nokuda kwokunaka kwake,
Uye nokuda kwamabasa ake,
anoshamisa, aakaitira vanakomana vavanhu!
Nokuti wakavhuna masuo endarira,
Nokuguranya mazariro amatare.
Mapenzi anotambudzika nokuda
kwokudarika kwavo,
Uye nokuda kwazvakaipa zvavo.
Mweya wavo unosema zvokudya zvose;
Vanoswedera pedyo namasuo orufu.
Zvino vochema kuna Jehovha panhamo yavo,
Iye anovaponesa pamadambudziko avo.
Anotuma shoko rake, ndokuvaporesa,
Nokuvarwira pakuparadzwa kwavo.
Haiwa, dai vanhu vachirumbidza
Jehovha nokuda kwokunaka kwake,
Uye nokuda kwamabasa ake anoshamisa,
aakaitira vanakomana vavanhu!
Ngavabayire zvibayiro zvokuvonga,
Nokududzira mabasa ake nokuimba.