Mapisarema 107
107
BUKU V
Ʋanhu ŋgaʋarumbidze Jehova nokuɗa kwoʋunyoro bgake.
1Ʋoŋgai Jehova, nokuti wakanaka;
Nokuti ŋgoni dzake dzinogara nokusiŋgaperi.
2Ʋakadzikinurwa ʋaJehova ŋgaʋaɗaro,
Iʋo ʋaakadzikinura muruʋoko rwomudziʋisi;
3Akaʋaʋuŋganidza panyika dzose,
Kumabvazuʋa nokumaʋirira,
Kumsoro nezasi.
4Ʋakafamba‐famba murenje munzira yomuciwunde;
Haʋana‐kuwana guta maʋaŋgagara.
5Ʋakafa nenzara nenyota,
Mŋeya waʋo ukaziya mukati maʋo.
6Ipapo ʋakacema kunaJehova pakutambudzika kwaʋo,
Iye akaʋarwira panjodzi dzaʋo.
7Wakaʋafambisa ʋo nenzira yakarurama,
Kuti ʋaȿike kuguta rokugara.
8Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake,
Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu!
9Nokuti unogutisa mŋeya, unenyota,
Ʋuye mŋeya, unenzara, unouzadza neɀakanaka.
10Ndiʋo, ʋakaŋga ʋagere murima nomumvuri worufu,
Ʋakaŋga ʋakasuŋgwa mukutambudzika namatare,
11Nokuti ʋakamukira mashoko aMŋari,
Ʋakashoʋora zano roWokumsoro‐soro;
12Saka wakaninipisa mŋoyo yaʋo nokutambura;
Ʋakawira pasi, kukasaʋa nomunhu unoɓatsira.
13Ipapo ʋakacema kunaJehova panhamo yaʋo,
Akaʋaponesa pamaɗambudziko aʋo.
14Wakaʋaɓuɗisa parima nomumvuri worufu,
Akaɗamburanya ɀisuŋgo ɀaʋo.
15Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake,
Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake, anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu!
16Nokuti wakavuna masuʋo endarira,
Nokuguranya mazariro amatare.
17Mapenzi anotambudzika nokuɗa kwokuɗarika kwawo,
Ʋuye nokuɗa kwaɀakaipa ɀawo.
18Mŋeya waʋo unosema ɀokudya ɀose;
Ʋanosweɗera pedyo namasuʋo orufu.
19Ɀino ʋocema kunaJehova panhamo yaʋo,
Iye unoʋaponesa pamaɗambudziko aʋo.
20Unotuma shoko rake, ndokuʋaporesa,
Nokuʋarwira pakuparadzwa kwaʋo.
21Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake,
Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake anoshamisa, aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu!
22Ŋgaʋaɓayire ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga,
Nokuɗudzira maɓasa ake nokuimba.
23Aʋo, ʋanoɓurukira kuguŋgwa muɀikepe,
Ʋanoshambadzira kumvura zhinji;
24Ndiʋo ʋanoʋona maɓasa aJehova,
Neɀishamiso ɀake pakadzika.
25Nokuti unoraira, ndokumutsa ɗutu guru,
Rinomutsa mafuŋgu aro.
26Ʋanosimudzirwa kuɗeŋga, ndokuɓurukira ɀe pakadzika;
Mŋeya waʋo unonyauka nokuɗa kwenhamo.
27Ʋanondeya‐ndeya nokudzeŋgedzeka somunhu wakaɓatwa,
Ʋapera mano.
28Ɀino ʋocema kunaJehova panhamo yaʋo,
Iye ndokuʋaɓuɗisa pamaɗambudziko aʋo.
29Unonyaradza ɗutu remhepo,
Mafuŋgu aro ndokunyarara.
30Ipapo ʋanofara nokuti anyarara;
Ɀino iye ndokuʋaȿitsa pakadzikama paʋaiɗa kuʋa’po.
31Haiwa, ɗai ʋanhu ʋacirumbidza Jehova nokuɗa kwokunaka kwake,
Ʋuye nokuɗa kwamaɓasa ake anoshamisa aakaitira ʋanakomana ʋaʋanhu!
32Ŋgaʋamukudzise ʋo paʋuŋgano yaʋanhu,
Ʋamurumbidze pamakurukota aʋakuru.
33Unoshandura nzizi dzikaita renje,
Namatsime emvura aite nyika yakawoma;
34Nyika, inoɓereka ɀakanaka, iʋe saŋgo reɓare,
Nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋanogara mairi.
35Unoshandura renje riite dziʋa remvura,
Nenyika yakawoma iite matsime emvura.
36Ndipapo paanogarisa ʋanenzara,
Kuti ʋamutse guta rokugara’mo;
37Ʋadɀare minda, ʋasime minda yemizambiriŋga,
Ʋawane ɀiɓereko ɀizhinji.
38Wakaʋaropafadza ʋo, ʋakawanda kwaɀo;
Akasatendera ɀipfuwo ɀaʋo kutapudzwa.
39Ɀino ʋakatapudzika nokuʋa ʋashoma
Nemhaka yokumanikidzwa, nenhamo, nokuɀidya mŋoyo.
40Unoɗurura kuɀidza pamsoro pamacinda,
Aciʋadzuŋgaidza murenje musinenzira.
41Kunyaŋge ɀakaɗaro, unogadza mushaiwi kumsoro kusineɗambudziko,
Acimumutsira mhuri samapoka amakwai.
42Wakarurama ucaɀiʋona, akafara;
Ʋuye ɀakaipa ɀose ɀicadziʋirwa muromo waɀo.
43Aninani wakacenjera ucacerekedza ɀinhu iɀoɀi,
Ʋacafuŋga ʋunyoro bgaJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 107: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018