Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 23:19-35

Zvirevo 23:19-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama. Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama, nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo! Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu, nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana. Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume. Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka? Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa. Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa! Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi. Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana. Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe. Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 23

Zvirevo 23:19-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Inzwa, iwe mŋanakomana waŋgu, ucenjere, Ururamisire mŋoyo wako munzira. Usaʋa pakati paʋanokarira waini, Pakati paʋanokarira nyama. Nokuti munwi nounamadyo ʋacaʋa ʋarombo; Hope dzicapfekedza munhu mamvemve. Terera ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka; Usaɀidza mai ʋako kana ʋacembera. Teŋga ɀokwaɗi, urege kuzoiteŋgesa ɀe; Ʋuye ʋucenjeri, nedzidzo, nenjere. Ƃaɓa ʋowakarurama ʋacafara kwaɀo; Ʋuye wakaɓereka mŋana wakacenjera, ucafadzwa naye. Ƃaɓa ʋako namai ʋako ŋgaʋafare, Mai ʋakakuɓereka ŋgaʋafare kwaɀo. Mŋanakomana waŋgu, ndipe mŋoyo wako; Meso ako ŋgaafarire nzira dzaŋgu. Nokuti cifeʋe igoroŋga rakadzika; Nomukadzi wokumŋe gomba rakamanikana. Ɀirokwaɀo unoʋandira segororo; Unowedzera ʋanyeŋgedzeri pakati paʋanhu. Ndiani unoti: Haiwa! Ndiani unoti: Maiwe! Ndiani unokukakaʋara? Ndiani unokucema? Ndiani unamaʋaŋga pasinemhaka? Ndiani unameso akatȿuka? Ndiʋo ʋanogarisa pawaini; Iʋo ʋanondotȿaka waini yakaveŋganiswa. Usatarira waini kana yakatȿuka, Kana iciʋaima mumukombe, Kana icitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inoɓaya semvumbi. Meso ako acaʋona ɀisiŋgazikanwi, Mŋoyo wako ucaɓuɗisa ɀisakarurama. Ɀirokwaɀo ucaʋa somunhu uʋete pasi mukati meguŋgwa, Kana souʋete pamsoro peɗanda recikepe. Ucati: Ʋakandiroʋa, asi handinakurwadziwa; Ʋakandiroʋa, asi handina‐kuɀinzwa; Ndicapepuka riniko? Ipapo ndicandoitȿaka ɀe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 23