Zvirevo 23:19-35
Zvirevo 23:19-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Teerera, mwanakomana wangu, ugova nouchenjeri, uye uchengete mwoyo wako panzira yakarurama. Usabatana navaya vanonwa waini zhinji, kunyange vaya vanokara nyama, nokuti zvidhakwa nevane madyo vachava varombo, uye hope dzichavapfekedza mamvemve. Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka, uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura. Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa; uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa. Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru; uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare; mai vakakubereka ngavafare kwazvo! Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako uye meso ako ngaananʼanidze nzira dzangu, nokuti chifeve igomba rakadzika, uye mukadzi asingazvibati itsime rakamanikana. Segororo anohwandira, anowedzera vasina kutendeka pakati pavarume. Ndiani ane nhamo? Ndiani akasuwa? Ndiani anokakavara? Ndiani anonyunyuta? Ndiani ane mavanga pasina mhaka? Ndiani ane meso akatsvuka? Vaya vanogara pawaini, vanoenda kundoravira makate ewaini yakavhenganiswa. Usatarisa waini kana yatsvuka, kana ichivaima iri mumukombe, kana ichidzika zvakanaka pakunwa! Pakupedzisira inoruma senyoka uye ine uturu semvumbi. Meso ako achaona zvisakamboonekwa uye pfungwa dzako dzichafunga zvakapesana. Uchava souya akarara pamusoro pamafungu amakungwa, kana somunhu avete pamusoro pedanda rechikepe. Uchati, “Vakandirova, asi handina kukuvara! Vakandirova asi handina kuzvinzwa! Ndichamuka rinhiko kuti ndigotsvakazve waini?”

Zvirevo 23:19-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise mwoyo wako munzira. Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama. Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve. Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera. Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere. Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu. Nokuti chipfeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana. Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu. Ndiani anoti, “Haiwa!” Ndiani, anoti, “Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani ano mavanga pasina mhaka? Ndiani ana meso akatsvuka?” Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa. Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi. Meso ako achaona zvisingazikanwi, Mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama. Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe. Uchati, “Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka riniko? Ipapo ndichandoitsvakazve.”
Zvirevo 23:19-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Teerera mwanangu, iva munhu akangwara ururamise mwoyo wako mugwara. Usaite ushamwari nezviradza zvewaini kana kuva navanokara nyama nokuti chidhakwa neanokara kudya vachava varombo, vanotsomwaira nehope vachapfeka mamvemve. Teerera baba vako vakakubereka uye usashore amai vako kana vakwegura. Tenga chokwadi asi usachitengese tenga ungwaru nedzidziso nokunzwisisa. Baba womururami achafara zvisina akamboona. Anobereka mwana mungwaru achafadzwa naye. Rega baba vako naamai vako vafare. Rega wakakubereka afare. Mwanangu isa mwoyo wako kwandiri maziso ako aongorore zvandinoita. Pfambi igomba rakadzika, mukadzi asina kwake, itsime rakamanikana. Anogarira segororo achirasisa varume vakawanda. Ndiani chaizvo ane jambwa? Ndiani munhu wenhamo? Ndiani wokushupika? Ndiani anopopota? Ndiani ane mavanga aasingazivi kwaakabva nako? Ndiani anotsvukisa maziso? Ndavana mubvadzasukwa vane kamwoyo kokuda kuravira waini yakaitwa mvenge. Usatorwe mwoyo nokutsvuka kwewaini painenge yobwaira mukomichi ichinyatsoti yerere mugurokuro. Pakupedzisira inoruma senyoka igoti ndure kuruma sechiva. Maziso ako achaona zvinhu zvisingazivikanwi. Mumwoyo mako muchabuda zvisakarurama. Uchaita somunhu akarara pakati pegungwa kana kurara pamusoro pembambo. Uchati, “Vakandirova asi handina kukuvara vakandirakasha kurova asi handina kuzvinzwa ndichamuka rinhi ndinoda kutonwazve.”
Zvirevo 23:19-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwa, iwe mŋanakomana waŋgu, ucenjere, Ururamisire mŋoyo wako munzira. Usaʋa pakati paʋanokarira waini, Pakati paʋanokarira nyama. Nokuti munwi nounamadyo ʋacaʋa ʋarombo; Hope dzicapfekedza munhu mamvemve. Terera ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka; Usaɀidza mai ʋako kana ʋacembera. Teŋga ɀokwaɗi, urege kuzoiteŋgesa ɀe; Ʋuye ʋucenjeri, nedzidzo, nenjere. Ƃaɓa ʋowakarurama ʋacafara kwaɀo; Ʋuye wakaɓereka mŋana wakacenjera, ucafadzwa naye. Ƃaɓa ʋako namai ʋako ŋgaʋafare, Mai ʋakakuɓereka ŋgaʋafare kwaɀo. Mŋanakomana waŋgu, ndipe mŋoyo wako; Meso ako ŋgaafarire nzira dzaŋgu. Nokuti cifeʋe igoroŋga rakadzika; Nomukadzi wokumŋe gomba rakamanikana. Ɀirokwaɀo unoʋandira segororo; Unowedzera ʋanyeŋgedzeri pakati paʋanhu. Ndiani unoti: Haiwa! Ndiani unoti: Maiwe! Ndiani unokukakaʋara? Ndiani unokucema? Ndiani unamaʋaŋga pasinemhaka? Ndiani unameso akatȿuka? Ndiʋo ʋanogarisa pawaini; Iʋo ʋanondotȿaka waini yakaveŋganiswa. Usatarira waini kana yakatȿuka, Kana iciʋaima mumukombe, Kana icitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inoɓaya semvumbi. Meso ako acaʋona ɀisiŋgazikanwi, Mŋoyo wako ucaɓuɗisa ɀisakarurama. Ɀirokwaɀo ucaʋa somunhu uʋete pasi mukati meguŋgwa, Kana souʋete pamsoro peɗanda recikepe. Ucati: Ʋakandiroʋa, asi handinakurwadziwa; Ʋakandiroʋa, asi handina‐kuɀinzwa; Ndicapepuka riniko? Ipapo ndicandoitȿaka ɀe.
Zvirevo 23:19-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)