Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 23

23
1Kana ukagara pakudya pamwechete nomubati,
Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako;
2Uzvigure huro dzako,
Kana uri munhu wamadyo
3Usapanga zvinozipa zvake,
Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera.
4Usazvinetsa kuwana pfuma;
Rega huchenjeri hwako.
5Unoda kuzvitarira nameso ako?
Zvaenda!
Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro,
Segondo rinobhururukira kudenga.
6Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva;
Kana kupanga zvinozipa zvake.
7Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita;
Anoti kwauri, “Chidya, chinwa;”
Asi mwoyo wake haune hanya newe.
8Musuva wawadya, uchaurutsazve,
Ukarashikirwa namashoko ako akanaka.
9Usataura paunonzwika nebenzi;
Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako.
10Usabvisa muganho wekare;
Uye usapinda paminda yenherera;
11Nokuti Mudzikinuri wavo ane simba;
Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe.
12Mwoyo wako ushingaire kudzidziswa,
Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.
13Usarega kuranga mwana;
Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi.
14Umurove neshamhu,
Ugorwira mweya wake paSheori.
15Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wochenjera,
Nomwoyo wangu uchafarawo.
16Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa,
Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama.
17Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi;
Asi utye Jehovha mazuva ose.
18Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo;
Chawakatarira hachingaparadzwi.
19Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere,
Ururamise mwoyo wako munzira.
20Usava pakati pavanokarira waini,
Pakati pavanokarira nyama.
21Nokuti munwi neane madyo vachava varombo;
Hope dzichapfekedza munhu mamvemve.
22Teerera baba vako vakakubereka;
Usazvidza mai vako kana vachembera.
23Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve;
Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere.
24Baba vovakarurama vachafara kwazvo;
Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye.
25Baba vako namai vako ngavafare,
Mai vakakubereka ngavafare kwazvo.
26Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako;
Meso ako ngaafarire nzira dzangu.
27Nokuti chipfeve igoronga rakadzika;
Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana.
28Zvirokwazvo anovandira segororo;
Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu.
29Ndiani anoti, “Haiwa!”
Ndiani, anoti, “Maiwe! Ndiani anokukakavara?
Ndiani anokuchema? Ndiani ano mavanga pasina mhaka?
Ndiani ana meso akatsvuka?”
30Ndivo vanogarisa pawaini;
Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa.
31Usatarira waini kana yakatsvuka,
Kana ichivaima mumukombe,
Kana ichitapira pakunwiwa.
32Pakupedzisira inoruma senyoka,
Inobaya semvumbi.
33Meso ako achaona zvisingazikanwi,
Mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama.
34Zvirokwazvo uchava somunhu avete
pasi mukati megungwa,
Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe.
35Uchati, “Vakandirova, asi handina kurwadziwa,
Vakandirova, asi handina kuzvinzwa;
Ndichapepuka riniko?
Ipapo ndichandoitsvakazve.”

Zvasarudzwa nguva ino

Zvirevo 23: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda