1
Zvirevo 23:24
Shona Bible 1949, revised 2002
Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvirevo 23:4
Usazvinetsa kuwana pfuma; Rega huchenjeri hwako.
3
Zvirevo 23:18
Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi.
4
Zvirevo 23:17
Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose.
5
Zvirevo 23:13
Usarega kuranga mwana; Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi.
6
Zvirevo 23:12
Mwoyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo.
7
Zvirevo 23:5
Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga.
8
Zvirevo 23:22
Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo