1
Zvirevo 22:6
Shona Bible 1949, revised 2002
Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Zvirevo 22:4
Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ipfuma nokukudzwa noupenyu.
3
Zvirevo 22:1
Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura pfuma zhinji; Uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama.
4
Zvirevo 22:24
Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha
5
Zvirevo 22:9
Ane mwoyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake.
6
Zvirevo 22:3
Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.
7
Zvirevo 22:7
Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwerete, muranda, wowakamupa chikwerete.
8
Zvirevo 22:2
Vapfumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose.
9
Zvirevo 22:22-23
Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo; Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo