Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise mwoyo wako munzira. Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama. Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve. Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera. Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere. Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye. Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo. Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu. Nokuti chipfeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana. Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu. Ndiani anoti, “Haiwa!” Ndiani, anoti, “Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani ano mavanga pasina mhaka? Ndiani ana meso akatsvuka?” Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa. Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi. Meso ako achaona zvisingazikanwi, Mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama. Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe. Uchati, “Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka riniko? Ipapo ndichandoitsvakazve.”
Verenga chikamu Zvirevo 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 23:19-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo