Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 23:19-35

Tsumo 23:19-35 SCLB

Teerera mwanangu, iva munhu akangwara ururamise mwoyo wako mugwara. Usaite ushamwari nezviradza zvewaini kana kuva navanokara nyama nokuti chidhakwa neanokara kudya vachava varombo, vanotsomwaira nehope vachapfeka mamvemve. Teerera baba vako vakakubereka uye usashore amai vako kana vakwegura. Tenga chokwadi asi usachitengese tenga ungwaru nedzidziso nokunzwisisa. Baba womururami achafara zvisina akamboona. Anobereka mwana mungwaru achafadzwa naye. Rega baba vako naamai vako vafare. Rega wakakubereka afare. Mwanangu isa mwoyo wako kwandiri maziso ako aongorore zvandinoita. Pfambi igomba rakadzika, mukadzi asina kwake, itsime rakamanikana. Anogarira segororo achirasisa varume vakawanda. Ndiani chaizvo ane jambwa? Ndiani munhu wenhamo? Ndiani wokushupika? Ndiani anopopota? Ndiani ane mavanga aasingazivi kwaakabva nako? Ndiani anotsvukisa maziso? Ndavana mubvadzasukwa vane kamwoyo kokuda kuravira waini yakaitwa mvenge. Usatorwe mwoyo nokutsvuka kwewaini painenge yobwaira mukomichi ichinyatsoti yerere mugurokuro. Pakupedzisira inoruma senyoka igoti ndure kuruma sechiva. Maziso ako achaona zvinhu zvisingazivikanwi. Mumwoyo mako muchabuda zvisakarurama. Uchaita somunhu akarara pakati pegungwa kana kurara pamusoro pembambo. Uchati, “Vakandirova asi handina kukuvara vakandirakasha kurova asi handina kuzvinzwa ndichamuka rinhi ndinoda kutonwazve.”

Verenga chikamu Tsumo 23