Ɀireʋo 23
23
1Kana ukagara pakudya pamŋe cete nomuɓati,
Cerekedza ɀakanaka ɀiri pamberi pako;
2Uɀigure huro dzako,
Kana uri munhu wamadyo.
3Usapaŋga ɀinozipa ɀake,
Nokuti ɀokudya iɀo ɀinonyeŋgedzera.
4Usaɀinetsa kuwana fuma;
Rega ʋucenjeri bgako.
5Unoɗa kuɀitarira nameso ako? Ɀaenda!
Nokuti ɀirokwaɀo fuma inoɀiitira mapapiro,
Segondo rinobururukira kuɗeŋga.
6Usadya ɀokudya ɀomunhu unoruciʋa;
Kana kupaŋga ɀinozipa ɀake.
7Nokuti seɀaanofuŋga mumŋoyo make, ndoɀaakaita;
Unoti kwauri: Cidya, cinwa;
Asi mŋoyo wake haunehanya newe.
8Musuʋa wawadya, ucaurutsa ɀe,
Ukarashikirwa namashoko ako akanaka.
9Usataura paunonzwika neɓenzi;
Nokuti ricaɀidza ʋucenjeri bgamashoko ako.
10Usabvisa muganho wekare;
Ʋuye usapinda paminda yenherera;
11Nokuti Mudzikinuri waʋo unesimba;
Iye ucaʋarwira pamhaka dzaʋo newe.
12Mŋoyo wako ushiŋgaire kudzidziswa,
Nenzeʋe dzako kunzwa mashoko eziʋo.
13Usarega kuraŋga mŋana;
Nokuti kunyaŋge ukamuroʋa neshamhu, haaŋgafi.
14Umuroʋe neshamhu,
Ugorwira mŋeya wake paSheori.
15Mŋanakomana waŋgu, kana mŋoyo wako wocenjera,
Nomŋoyo waŋgu ucafara ʋo.
16Ɀirokwaɀo, itȿo dzaŋgu dzicafarisisa,
Kana miromo yako icitaura ɀinhu ɀakarurama.
17Mŋoyo wako ŋgaurege kugoɗora ʋatadzi;
Asi utye Jehova mazuʋa ose.
18Nokuti ɀirokwaɀo muɓairo uri’po;
Cawakatarira haciŋgaparadzwi.
19Inzwa, iwe mŋanakomana waŋgu, ucenjere,
Ururamisire mŋoyo wako munzira.
20Usaʋa pakati paʋanokarira waini,
Pakati paʋanokarira nyama.
21Nokuti munwi nounamadyo ʋacaʋa ʋarombo;
Hope dzicapfekedza munhu mamvemve.
22Terera ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka;
Usaɀidza mai ʋako kana ʋacembera.
23Teŋga ɀokwaɗi, urege kuzoiteŋgesa ɀe;
Ʋuye ʋucenjeri, nedzidzo, nenjere.
24Ƃaɓa ʋowakarurama ʋacafara kwaɀo;
Ʋuye wakaɓereka mŋana wakacenjera, ucafadzwa naye.
25Ƃaɓa ʋako namai ʋako ŋgaʋafare,
Mai ʋakakuɓereka ŋgaʋafare kwaɀo.
26Mŋanakomana waŋgu, ndipe mŋoyo wako;
Meso ako ŋgaafarire nzira dzaŋgu.
27Nokuti cifeʋe igoroŋga rakadzika;
Nomukadzi wokumŋe gomba rakamanikana.
28Ɀirokwaɀo unoʋandira segororo;
Unowedzera ʋanyeŋgedzeri pakati paʋanhu.
29Ndiani unoti: Haiwa! Ndiani unoti: Maiwe! Ndiani unokukakaʋara?
Ndiani unokucema? Ndiani unamaʋaŋga pasinemhaka?
Ndiani unameso akatȿuka?
30Ndiʋo ʋanogarisa pawaini;
Iʋo ʋanondotȿaka waini yakaveŋganiswa.
31Usatarira waini kana yakatȿuka,
Kana iciʋaima mumukombe,
Kana icitapira pakunwiwa.
32Pakupedzisira inoruma senyoka,
Inoɓaya semvumbi.
33Meso ako acaʋona ɀisiŋgazikanwi,
Mŋoyo wako ucaɓuɗisa ɀisakarurama.
34Ɀirokwaɀo ucaʋa somunhu uʋete pasi mukati meguŋgwa,
Kana souʋete pamsoro peɗanda recikepe.
35Ucati: Ʋakandiroʋa, asi handinakurwadziwa;
Ʋakandiroʋa, asi handina‐kuɀinzwa;
Ndicapepuka riniko? Ipapo ndicandoitȿaka ɀe.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 23: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018