Inzwa, iwe mŋanakomana waŋgu, ucenjere, Ururamisire mŋoyo wako munzira. Usaʋa pakati paʋanokarira waini, Pakati paʋanokarira nyama. Nokuti munwi nounamadyo ʋacaʋa ʋarombo; Hope dzicapfekedza munhu mamvemve. Terera ɓaɓa ʋako ʋakakuɓereka; Usaɀidza mai ʋako kana ʋacembera. Teŋga ɀokwaɗi, urege kuzoiteŋgesa ɀe; Ʋuye ʋucenjeri, nedzidzo, nenjere. Ƃaɓa ʋowakarurama ʋacafara kwaɀo; Ʋuye wakaɓereka mŋana wakacenjera, ucafadzwa naye. Ƃaɓa ʋako namai ʋako ŋgaʋafare, Mai ʋakakuɓereka ŋgaʋafare kwaɀo. Mŋanakomana waŋgu, ndipe mŋoyo wako; Meso ako ŋgaafarire nzira dzaŋgu. Nokuti cifeʋe igoroŋga rakadzika; Nomukadzi wokumŋe gomba rakamanikana. Ɀirokwaɀo unoʋandira segororo; Unowedzera ʋanyeŋgedzeri pakati paʋanhu. Ndiani unoti: Haiwa! Ndiani unoti: Maiwe! Ndiani unokukakaʋara? Ndiani unokucema? Ndiani unamaʋaŋga pasinemhaka? Ndiani unameso akatȿuka? Ndiʋo ʋanogarisa pawaini; Iʋo ʋanondotȿaka waini yakaveŋganiswa. Usatarira waini kana yakatȿuka, Kana iciʋaima mumukombe, Kana icitapira pakunwiwa. Pakupedzisira inoruma senyoka, Inoɓaya semvumbi. Meso ako acaʋona ɀisiŋgazikanwi, Mŋoyo wako ucaɓuɗisa ɀisakarurama. Ɀirokwaɀo ucaʋa somunhu uʋete pasi mukati meguŋgwa, Kana souʋete pamsoro peɗanda recikepe. Ucati: Ʋakandiroʋa, asi handinakurwadziwa; Ʋakandiroʋa, asi handina‐kuɀinzwa; Ndicapepuka riniko? Ipapo ndicandoitȿaka ɀe.
Verenga chikamu Ɀireʋo 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 23:19-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo