Numeri 33:1-39
Numeri 33:1-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hezvino zvinhanho zvorwendo rwavaIsraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMozisi naAroni. Mozisi akanyora zvinhanho zvorwendo rwavo. Urwu ndirwo rwendo rwavo nezvinhanho zvarwo: VaIsraeri vakasimuka kubva paRamesesi nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga, zuva rakatevera Pasika. Vakafamba vakabuda vasingatyi pamberi pavaIjipita vose, avo vakanga vachiviga matangwe avo ose, akanga aurayiwa naJehovha pakati pavo; nokuti Jehovha akanga atonga vamwari vavo. VaIsraeri vakabva paRamesesi vakandodzika misasa yavo paSukoti. Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga. Vakabva paEtamu, vakadzokera shure kuPi Hahiroti, nechokumabvazuva kweBhaari Zefoni, vakandodzika misasa yavo pedyo neMigidhori. Vakabva paPi Hahiroti vakapinda nomugungwa vakaenda murenje, uye vakati vafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakadzika misasa paMara. Vakabva paMara vakaenda kuErimu, pakanga pane matsime gumi namaviri nemiti yemichindwe makumi manomwe, uye vakadzika misasa ipapo. Vakabva paErimu vakandodzika misasa paGungwa Dzvuku. Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika misasa muGwenga reSini. Vakabva muGwenga reSini vakandodzika misasa paDhofika. Vakabva paDhofika vakandodzika misasa paArushi. Vakabva paArushi vakandodzika misasa paRefidhimu, apo pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vakabva paRefidhimu vakandodzika misasa muGwenga reSinai. Vakabva muGwenga reSinai vakandodzika misasa paKibhuroti Hataavha. Vakabva paKibhuroti Hataavha vakandodzika misasa paHazeroti. Vakabva paHazeroti vakandodzika misasa paRitima. Vakabva paRitima vakandodzika misasa paRimoni Perezi. Vakabva paRimoni Perezi vakandodzika misasa paRibhina. Vakabva paRibhina vakandodzika misasa paRisa. Vakabva paRisa vakandodzika misasa paKeherata. Vakabva paKeherata vakandodzika misasa paGomo reSheferi. Vakabva paGomo reSheferi vakandodzika misasa paHaradha. Vakabva paHaradha vakandodzika misasa paMakeroti. Vakabva paMakeroti vakandodzika misasa paTahati. Vakabva paTahati vakandodzika misasa paTera. Vakabva paTera vakandodzika misasa paMitika. Vakabva paMitika vakandodzika misasa paHashimona. Vakabva paHashimona vakandodzika misasa paMoseroti. Vakabva paMoseroti vakandodzika misasa paBhene Jaakani. Vakabva paBhene Jaakani vakandodzika misasa paHori Hagidhigadhi. Vakabva paHori Hagidhigadhi vakandodzika misasa paJotibhata. Vakabva paJotibhata vakandodzika misasa paAbhurona. Vakabva paAbhurona vakandodzika misasa paEzioni Gebheri. Vakabva paEzioni Gebheri vakandodzika misasa paKadheshi, murenje reZini. Vakabva paKadheshi vakandodzika misasa paGomo reHori, kumuganhu weEdhomu. Aroni muprista akakwira muGomo reHori sezvakarayirwa naJehovha, akandofira imomo pazuva rokutanga romwedzi wechishanu wegore ramakumi mana shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake paGomo reHori.
Numeri 33:1-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndidzo nzendo dzavana vaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. Mosesi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo. Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana vaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaIjipiti vose, vaIjipiti vachiviga matangwe avo ose, akanga aurawa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo. VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti. Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje. Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi‐hahiroti, pamberi peBhaari‐sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori. Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje; vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara. Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo. Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku. Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini. Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika. Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi. Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokunwa yavanhu. Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai. Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti‐hatava. Vakasimuka paKibhuroti‐hatava, vakandodzika paHazeroti. Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima. Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni‐perezi. Vakasimuka paRimoni‐perezi, vakandodzika paRibhina. Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa. Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata. Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi. Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha. Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti. Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati. Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera. Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika. Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona. Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti. Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene‐jakani. Vakasimuka paBhene‐jakani, vakandodzika paHori‐hagidhigadi. Vakasimuka paHori‐hagidhigadi, vakandodzika paJotibhata. Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona. Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEzioni‐gebheri. Vakasimuka paEzioni‐gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi). Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu. Aroni mupristi akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana vaIsiraeri paIjipiti, nomwedzi wechishanu, nezuva rokutanga romwedzi. Aroni wakanga ana makore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori.
Numeri 33:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Urwu ndirwo rwendo rwavaIsiraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. Murwendo rumwe norumwe rwavainge vafamba, Mosesi ainyora zita renzvimbo yavainge vasvika pakusimuka kwavo vopinda munzira sezvaakaudzwa naTenzi. Idzi ndidzo nzendo dzavakafamba nenzvimbo dzavakatangira. Vakatangira rwendo rwavo paguta reRamasesi mumwedzi wokutanga pazuva regumi nechishanu romwedzi iwoyo. Pazuva rakatevera rePasika, vaIsiraeri vakanyatsobuda zvavo vaIjipiti vose vachiona. Izvozvo vaIjipiti vaingunoviga matangwe avo ose akanga auraiwa naTenzi. Ipapo Tenzi akabudisa pachena kuti vamwari vavo vamwari vakaita sei. Saka vaIsiraeri vakabva paRamesesi vakandodzika matendhe avo paSukoti. Vakabva paSukoti vakandodzika matendhe avo paEtamu pamuganho nerenje. Vakabva paEtamu vakadzokera kuPihahiroti, pakatarisana nepaBhaarizefoni vakadzika matendhe avo pedyo napaMigidhori. Vakabva paPihahiroti vakayambuka nomuGungwa Dzvuku, vakapinda nomurenje vakafamba rwendo rwamazuva matatu nomurenje reEtamu vakazodzika matendhe avo paMara. Vakabva paMara vakandosvika paErimu. PaErimu paiva nezvisipiti zvemvura gumi nezviviri, nemiti yomurara makumi manomwe. Vakadzika matendhe avo ipapo. Vakabva paErimu vakandodzika matendhe avo munyasi meGungwa Dzvuku. Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika matendhe avo murenje reSini. Vakabva murenje reSini vakandodzika matendhe avo kuDhofuka. Vakabva kuDhofuka, vakandodzika matendhe avo kuArushi. Vakabva kuArushi, vakandodzika matendhe avo kuRefidhimu pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vakazobva paRefidhimu vakandodzika matendhe avo murenje reSinai. Ndokubva murenje reSinai vakandodzika matendhe avo kuKibhurotihataavha. Vakabvawo paKibhurotihataavha vakandodzika matendhe avo paHazeroti. Vakabvawo paHazeroti vakandodzika matendhe avo paRitima. Vakazobva paRitima vakandodzika matendhe avo kuRimoniperezi. Vakabvazve paRimoniperezi vakandodzika matendhe avo paRibhina. Ndokubva paRibhina vakandodzika matendhe avo paRisa. Vakazobva paRisa vakandodzika matendhe avo paKeherata. Ndokubva paKeherata vakandodzika matendhe avo vava pagomo reShaferu. Ndokubva pagomo reShaferu vakazondodzika matendhe avo paHaradha. Ndokubvawo paHaradha vakandodzika matendhe avo Makeroti. Vakabva Makeroti vondodzikira matendhe avo Tahati. Vakazobva paTahati ndokundodzikira matendhe avo kuTera. Ndokuzobvawo kuTera vakandodzika matendhe avo kuMitika. Vakabva paMitika ndokundodzika matendhe avo kuHashimona. Vakabvawo paHashimona vondodzika matendhe avo kuMoseroti. Vakazobva paMoseroti vakandoadzika vave Bhenejaakani. Ndokubva Bhenejaakani vakandodzika matendhe avo vava Horihagidhigaadhi. Ndokubvawo paHorihagidhigaadhi vakazondodzika matendhe avo paJotibhata. Ndokuzobva paJotibhata vondodzika matendhe avo vava Abhurona. Vakabva paAbhurona vakazodzikira matendhe avo kuEzionigebheri. Vakazobva paEzionigebheri vakandodzika matendhe avo murenje reZini, ndipo paKadheshi. Ndokuzobvawo paKadheshi vakandodzika matendhe avo pagomo reHoru munyasi menyika yeEdhomu. Aroni mupristi audzwa naTenzi, akakwira mugomo reHoru akafiramo. Iri raiva gore ramakumi mana kubvira kubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti mumwedzi wechishanu pazuva rokutanga romwedzi iwoyo. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri ana matatu okuzvarwa kwake paakafa mugomo reHoru.
Numeri 33:1-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndidzo nzendo dzaʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita namapoka aʋo ʋacituŋgamirirwa naMosesi naAroni. Mosesi akanyora kusimuka kwaʋo nenzendo dzaʋo, arairwa naJehova; ndidzo nzendo dzaʋo nokusimuka kwaʋo. Ʋakasimuka paRamesesi nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wokutaŋga; maŋgwanani akateʋera paseka ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa noruʋoko runesimba pamberi paʋaEgipita ʋose, ʋaEgipita ʋaciʋiga mataŋgwe aʋo ose, akaŋga aʋurawa naJehova pakati paʋo; Jehova akatoŋga ʋo ʋamŋari ʋaʋo. ƲaIsraeri ʋakasimuka paRamesesi, ʋakandodzika matente aʋo paSukoti. Ʋakasimuka paSukoti, ʋakandodzika paEtami, pamuʋuyo werenje. Ʋakasimuka paEtami, ʋakadzokera Pi‐hahiroti, pamberi peBaari‐sefoni, ʋakadzika pamberi peMigdori. Ʋakasimuka pamberi peHahiroti, ʋakapinda nomukati meguŋgwa, ʋakaȿika murenje; ʋakafamba mazuʋa matatu murenje reEtami, ʋakandodzika paMara. Ʋakasimuka paMara, ʋakaȿika Erimi; paErimi pakaŋga panamatsime anegumi namaʋiri emvura, nemiti yemicindwe inamakumi manomŋe; ʋakadzika matente aʋo ipapo. Ʋakasimuka paErimi, ʋakandodzika paGuŋgwa Dɀuku. Ʋakasimuka paGuŋgwa Dɀuku, ʋakandodzika murenje reSini. Ʋakasimuka murenje reSini, ʋakandodzika paDofka. Ʋakasimuka paDofka, ʋakandodzika paArushi. Ʋakasimuka paArushi, ʋakandodzika paRefidimi, pakaŋga pasine‐mvura yokunwa yaʋanhu. Ʋakasimuka paRefidimi, ʋakandodzika murenje reSinai. Ʋakasimuka murenje reSinai, ʋakandodzika paKibroti‐hatava. Ʋakasimuka paKibroti‐hatava, ʋakandodzika paHazeroti. Ʋakasimuka paHazeroti, ʋakandodzika paRitma. Ʋakasimuka paRitma, ʋakandodzika paRimoni‐perezi. Ʋakasimuka paRimoni‐perezi, ʋakandodzika paRibna. Ʋakasimuka paRibna, ʋakandodzika paRisa. Ʋakasimuka paRisa, ʋakandodzika paKeherata. Ʋakasimuka paKeherata, ʋakandodzika pagomo reSheferi. Ʋakasimuka pagomo reSheferi, ʋakandodzika paHarada. Ʋakasimuka paHarada, ʋakandodzika paMakeroti. Ʋakasimuka paMakeroti, ʋakandodzika paTahati. Ʋakasimuka paTahati, ʋakandodzika paTera. Ʋakasimuka paTera, ʋakandodzika paMitka. Ʋakasimuka paMitka, ʋakandodzika paHashmona. Ʋakasimuka paHashmona, ʋakandodzika paMoseroti. Ʋakasimuka paMoseroti, ʋakandodzika paBene‐jakani. Ʋakasimuka paBene‐jakani, ʋakandodzika paHori‐hagidgadi. Ʋakasimuka paHori‐hagidgadi, ʋakandodzika paJotbata. Ʋakasimuka paJotbata, ʋakandodzika paAbrona. Ʋakasimuka paAbrona, ʋakandodzika paEzioni‐geberi. Ʋakasimuka paEzioni‐geberi, ʋakandodzika murenje reZini (ndipo paKadeshi). Ʋakasimuka paKadeshi, ʋakandodzika pagomo reHori, pamuʋuyo wenyika yeEdomi. Aroni muprista akakwira pagomo reHori, arairwa naJehova, akafira’po, negore ramakumi manna rokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri paEgipita, nomŋedzi wecishanu, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi. Aroni wakaŋga anamakore anezana namakumi maʋiri namatatu pakufa kwake pagomo reHori.
Numeri 33:1-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)