Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 33:1-39

Kuverengwa 33:1-39 SCLBD

Urwu ndirwo rwendo rwavaIsiraeri pavakabuda muIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. Murwendo rumwe norumwe rwavainge vafamba, Mosesi ainyora zita renzvimbo yavainge vasvika pakusimuka kwavo vopinda munzira sezvaakaudzwa naTenzi. Idzi ndidzo nzendo dzavakafamba nenzvimbo dzavakatangira. Vakatangira rwendo rwavo paguta reRamasesi mumwedzi wokutanga pazuva regumi nechishanu romwedzi iwoyo. Pazuva rakatevera rePasika, vaIsiraeri vakanyatsobuda zvavo vaIjipiti vose vachiona. Izvozvo vaIjipiti vaingunoviga matangwe avo ose akanga auraiwa naTenzi. Ipapo Tenzi akabudisa pachena kuti vamwari vavo vamwari vakaita sei. Saka vaIsiraeri vakabva paRamesesi vakandodzika matendhe avo paSukoti. Vakabva paSukoti vakandodzika matendhe avo paEtamu pamuganho nerenje. Vakabva paEtamu vakadzokera kuPihahiroti, pakatarisana nepaBhaarizefoni vakadzika matendhe avo pedyo napaMigidhori. Vakabva paPihahiroti vakayambuka nomuGungwa Dzvuku, vakapinda nomurenje vakafamba rwendo rwamazuva matatu nomurenje reEtamu vakazodzika matendhe avo paMara. Vakabva paMara vakandosvika paErimu. PaErimu paiva nezvisipiti zvemvura gumi nezviviri, nemiti yomurara makumi manomwe. Vakadzika matendhe avo ipapo. Vakabva paErimu vakandodzika matendhe avo munyasi meGungwa Dzvuku. Vakabva paGungwa Dzvuku vakandodzika matendhe avo murenje reSini. Vakabva murenje reSini vakandodzika matendhe avo kuDhofuka. Vakabva kuDhofuka, vakandodzika matendhe avo kuArushi. Vakabva kuArushi, vakandodzika matendhe avo kuRefidhimu pakanga pasina mvura yokuti vanhu vanwe. Vakazobva paRefidhimu vakandodzika matendhe avo murenje reSinai. Ndokubva murenje reSinai vakandodzika matendhe avo kuKibhurotihataavha. Vakabvawo paKibhurotihataavha vakandodzika matendhe avo paHazeroti. Vakabvawo paHazeroti vakandodzika matendhe avo paRitima. Vakazobva paRitima vakandodzika matendhe avo kuRimoniperezi. Vakabvazve paRimoniperezi vakandodzika matendhe avo paRibhina. Ndokubva paRibhina vakandodzika matendhe avo paRisa. Vakazobva paRisa vakandodzika matendhe avo paKeherata. Ndokubva paKeherata vakandodzika matendhe avo vava pagomo reShaferu. Ndokubva pagomo reShaferu vakazondodzika matendhe avo paHaradha. Ndokubvawo paHaradha vakandodzika matendhe avo Makeroti. Vakabva Makeroti vondodzikira matendhe avo Tahati. Vakazobva paTahati ndokundodzikira matendhe avo kuTera. Ndokuzobvawo kuTera vakandodzika matendhe avo kuMitika. Vakabva paMitika ndokundodzika matendhe avo kuHashimona. Vakabvawo paHashimona vondodzika matendhe avo kuMoseroti. Vakazobva paMoseroti vakandoadzika vave Bhenejaakani. Ndokubva Bhenejaakani vakandodzika matendhe avo vava Horihagidhigaadhi. Ndokubvawo paHorihagidhigaadhi vakazondodzika matendhe avo paJotibhata. Ndokuzobva paJotibhata vondodzika matendhe avo vava Abhurona. Vakabva paAbhurona vakazodzikira matendhe avo kuEzionigebheri. Vakazobva paEzionigebheri vakandodzika matendhe avo murenje reZini, ndipo paKadheshi. Ndokuzobvawo paKadheshi vakandodzika matendhe avo pagomo reHoru munyasi menyika yeEdhomu. Aroni mupristi audzwa naTenzi, akakwira mugomo reHoru akafiramo. Iri raiva gore ramakumi mana kubvira kubuda kwavaIsiraeri munyika yeIjipiti mumwedzi wechishanu pazuva rokutanga romwedzi iwoyo. Aroni akanga ava namakore zana namakumi maviri ana matatu okuzvarwa kwake paakafa mugomo reHoru.