Ndidzo nzendo dzaʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita namapoka aʋo ʋacituŋgamirirwa naMosesi naAroni. Mosesi akanyora kusimuka kwaʋo nenzendo dzaʋo, arairwa naJehova; ndidzo nzendo dzaʋo nokusimuka kwaʋo. Ʋakasimuka paRamesesi nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wokutaŋga; maŋgwanani akateʋera paseka ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa noruʋoko runesimba pamberi paʋaEgipita ʋose, ʋaEgipita ʋaciʋiga mataŋgwe aʋo ose, akaŋga aʋurawa naJehova pakati paʋo; Jehova akatoŋga ʋo ʋamŋari ʋaʋo. ƲaIsraeri ʋakasimuka paRamesesi, ʋakandodzika matente aʋo paSukoti. Ʋakasimuka paSukoti, ʋakandodzika paEtami, pamuʋuyo werenje. Ʋakasimuka paEtami, ʋakadzokera Pi‐hahiroti, pamberi peBaari‐sefoni, ʋakadzika pamberi peMigdori. Ʋakasimuka pamberi peHahiroti, ʋakapinda nomukati meguŋgwa, ʋakaȿika murenje; ʋakafamba mazuʋa matatu murenje reEtami, ʋakandodzika paMara. Ʋakasimuka paMara, ʋakaȿika Erimi; paErimi pakaŋga panamatsime anegumi namaʋiri emvura, nemiti yemicindwe inamakumi manomŋe; ʋakadzika matente aʋo ipapo. Ʋakasimuka paErimi, ʋakandodzika paGuŋgwa Dɀuku. Ʋakasimuka paGuŋgwa Dɀuku, ʋakandodzika murenje reSini. Ʋakasimuka murenje reSini, ʋakandodzika paDofka. Ʋakasimuka paDofka, ʋakandodzika paArushi. Ʋakasimuka paArushi, ʋakandodzika paRefidimi, pakaŋga pasine‐mvura yokunwa yaʋanhu. Ʋakasimuka paRefidimi, ʋakandodzika murenje reSinai. Ʋakasimuka murenje reSinai, ʋakandodzika paKibroti‐hatava. Ʋakasimuka paKibroti‐hatava, ʋakandodzika paHazeroti. Ʋakasimuka paHazeroti, ʋakandodzika paRitma. Ʋakasimuka paRitma, ʋakandodzika paRimoni‐perezi. Ʋakasimuka paRimoni‐perezi, ʋakandodzika paRibna. Ʋakasimuka paRibna, ʋakandodzika paRisa. Ʋakasimuka paRisa, ʋakandodzika paKeherata. Ʋakasimuka paKeherata, ʋakandodzika pagomo reSheferi. Ʋakasimuka pagomo reSheferi, ʋakandodzika paHarada. Ʋakasimuka paHarada, ʋakandodzika paMakeroti. Ʋakasimuka paMakeroti, ʋakandodzika paTahati. Ʋakasimuka paTahati, ʋakandodzika paTera. Ʋakasimuka paTera, ʋakandodzika paMitka. Ʋakasimuka paMitka, ʋakandodzika paHashmona. Ʋakasimuka paHashmona, ʋakandodzika paMoseroti. Ʋakasimuka paMoseroti, ʋakandodzika paBene‐jakani. Ʋakasimuka paBene‐jakani, ʋakandodzika paHori‐hagidgadi. Ʋakasimuka paHori‐hagidgadi, ʋakandodzika paJotbata. Ʋakasimuka paJotbata, ʋakandodzika paAbrona. Ʋakasimuka paAbrona, ʋakandodzika paEzioni‐geberi. Ʋakasimuka paEzioni‐geberi, ʋakandodzika murenje reZini (ndipo paKadeshi). Ʋakasimuka paKadeshi, ʋakandodzika pagomo reHori, pamuʋuyo wenyika yeEdomi. Aroni muprista akakwira pagomo reHori, arairwa naJehova, akafira’po, negore ramakumi manna rokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri paEgipita, nomŋedzi wecishanu, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi. Aroni wakaŋga anamakore anezana namakumi maʋiri namatatu pakufa kwake pagomo reHori.