Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 33

33
Kufamba kwaʋaIsraeri kubva Egipita kuȿikira Kanani.
1Ndidzo nzendo dzaʋana ʋaIsraeri, pakuɓuɗa kwaʋo panyika yeEgipita namapoka aʋo ʋacituŋgamirirwa naMosesi naAroni. 2Mosesi akanyora kusimuka kwaʋo nenzendo dzaʋo, arairwa naJehova; ndidzo nzendo dzaʋo nokusimuka kwaʋo. 3Ʋakasimuka paRamesesi nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi wokutaŋga; maŋgwanani akateʋera paseka ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuɗa noruʋoko runesimba pamberi paʋaEgipita ʋose, 4ʋaEgipita ʋaciʋiga mataŋgwe aʋo ose, akaŋga aʋurawa naJehova pakati paʋo; Jehova akatoŋga ʋo ʋamŋari ʋaʋo. 5ƲaIsraeri ʋakasimuka paRamesesi, ʋakandodzika matente aʋo paSukoti. 6Ʋakasimuka paSukoti, ʋakandodzika paEtami, pamuʋuyo werenje. 7Ʋakasimuka paEtami, ʋakadzokera Pi‐hahiroti, pamberi peBaari‐sefoni, ʋakadzika pamberi peMigdori. 8Ʋakasimuka pamberi peHahiroti, ʋakapinda nomukati meguŋgwa, ʋakaȿika murenje; ʋakafamba mazuʋa matatu murenje reEtami, ʋakandodzika paMara. 9Ʋakasimuka paMara, ʋakaȿika Erimi; paErimi pakaŋga panamatsime anegumi namaʋiri emvura, nemiti yemicindwe inamakumi manomŋe; ʋakadzika matente aʋo ipapo. 10Ʋakasimuka paErimi, ʋakandodzika paGuŋgwa Dɀuku. 11Ʋakasimuka paGuŋgwa Dɀuku, ʋakandodzika murenje reSini. 12Ʋakasimuka murenje reSini, ʋakandodzika paDofka. 13Ʋakasimuka paDofka, ʋakandodzika paArushi. 14Ʋakasimuka paArushi, ʋakandodzika paRefidimi, pakaŋga pasine‐mvura yokunwa yaʋanhu. 15Ʋakasimuka paRefidimi, ʋakandodzika murenje reSinai. 16Ʋakasimuka murenje reSinai, ʋakandodzika paKibroti‐hatava. 17Ʋakasimuka paKibroti‐hatava, ʋakandodzika paHazeroti. 18Ʋakasimuka paHazeroti, ʋakandodzika paRitma. 19Ʋakasimuka paRitma, ʋakandodzika paRimoni‐perezi. 20Ʋakasimuka paRimoni‐perezi, ʋakandodzika paRibna. 21Ʋakasimuka paRibna, ʋakandodzika paRisa. 22Ʋakasimuka paRisa, ʋakandodzika paKeherata. 23Ʋakasimuka paKeherata, ʋakandodzika pagomo reSheferi. 24Ʋakasimuka pagomo reSheferi, ʋakandodzika paHarada. 25Ʋakasimuka paHarada, ʋakandodzika paMakeroti. 26Ʋakasimuka paMakeroti, ʋakandodzika paTahati. 27Ʋakasimuka paTahati, ʋakandodzika paTera. 28Ʋakasimuka paTera, ʋakandodzika paMitka. 29Ʋakasimuka paMitka, ʋakandodzika paHashmona. 30Ʋakasimuka paHashmona, ʋakandodzika paMoseroti. 31Ʋakasimuka paMoseroti, ʋakandodzika paBene‐jakani. 32Ʋakasimuka paBene‐jakani, ʋakandodzika paHori‐hagidgadi. 33Ʋakasimuka paHori‐hagidgadi, ʋakandodzika paJotbata. 34Ʋakasimuka paJotbata, ʋakandodzika paAbrona. 35Ʋakasimuka paAbrona, ʋakandodzika paEzioni‐geberi. 36Ʋakasimuka paEzioni‐geberi, ʋakandodzika murenje reZini (ndipo paKadeshi). 37Ʋakasimuka paKadeshi, ʋakandodzika pagomo reHori, pamuʋuyo wenyika yeEdomi. 38Aroni muprista akakwira pagomo reHori, arairwa naJehova, akafira’po, negore ramakumi manna rokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri paEgipita, nomŋedzi wecishanu, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi. 39Aroni wakaŋga anamakore anezana namakumi maʋiri namatatu pakufa kwake pagomo reHori. 40Ɀino mambo weAradi, muKanani, wakaŋga agere kurutiʋi rweZasi munyika yeKanani, akanzwa kuti ʋana ʋaIsraeri ʋoʋuya. 41Ʋakasimuka pagomo reHori, ʋakandodzika matente aʋo paZarmona. 42Ʋakasimuka paZarmona, ʋakandodzika paPunoni. 43Ʋakasimuka paPunoni, ʋakandodzika paOboti. 44Ʋakasimuka paOboti, ʋakandodzika paIye‐abarimi, pamuganhu weMoabi. 45Ʋakasimuka paIyimi, ʋakandodzika paDiboni‐gadi. 46Ʋakasimuka paDiboni‐gadi, ʋakandodzika paArmoni‐dibrataimi. 47Ʋakasimuka paArmoni‐dibrataimi, ʋakandodzika paAbarimi, pamberi peNebo. 48Ʋakasimuka pamakomo eAbarimi, ʋakandodzika pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko. 49Ʋakadzika matente aʋo paJoridani, kubva paBeti‐jeshimoti kuȿika paAberishitimi, pamapani eMoabi.
50Ɀino Jehova akataura naMosesi pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko, akati: 51Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mayambuka Joridani, mukaȿika munyika yeKanani, 52munofanira kudziŋga ʋanhu ʋose ʋagere munyika pamberi penyu, nokuparadza ɀifananidzo ɀaʋo ɀamabge, nokuparadza ɀifananidzo ɀaʋo ɀakaʋumbga, nokuputsa nɀimbo dzaʋo dzakakwirira. 53Munofanira kutora nyika, iʋe yenyu, mugare’mo; nokuti ndakakupai nyika iyo, iʋe yenyu. 54Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; ʋazhinji munofanira kuʋapa nhaka zhinji, ʋashoma munofanira kuʋapa nhaka shoma; seɀaakagoʋerwa nemijenya, saiɀoɀo inofanira kuʋa nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadziɓaɓa enyu. 55Asi kana musiŋgaɗi kudziŋga ʋanhu ʋagere munyika pamberi penyu, ipapo iʋo kwaʋari ʋamunorega ʋacaʋa secinhu cinoɓaya pameso enyu, neseminzwa panhiʋi dzenyu, ʋacarwa nemi munyika mamugere. 56Ipapo ndicakuitirai imi seɀandakafuŋga kuʋaitira iʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 33: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda