Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 34

34
Miganho yeKanani.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Raira ʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana maȿika munyika yeKanani, (ndiyo nyika icaʋa nhaka yenyu, iyo nyika yeKanani, kuȿikira kumiganho yayo,) 3rutiʋi rwenyu rwezasi runofanira kutaŋga murenje reZini rucienda nokurutiʋi rweEdomi; muganho wenyu wezasi ucataŋga pamuʋuyo weGuŋgwa roMunyu, ucienda kumabvazuʋa; 4ɀino muganho wenyu upote necezasi kwegomo reAkrabimi, ndokupfuʋurira kuZini, ugoɓuɗa necezasi kweKadeshi‐barnea; ɀino upfuʋure kuHazari‐adari, ugondoȿika Azmoni; 5ɀino muganho unofanira kupota ucitaŋga paAzmoni, kuȿika kurukoʋa rweEgipita, ndokuɓuɗa paGuŋgwa. 6Muganho wenyu wokumaʋirazuʋa ndiro Guŋgwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganho wokumaʋirazuʋa. 7Ndiwo muganho wenyu wokumsoro: Kubva paGuŋgwa Guru munofanira kutara muganho wenyu kuȿika pagomo reHori; 8kubva paHori munofanira kutara muganho wenyu kuȿika paʋanopinda paHamati, muganho ugondogumira paZedadi. 9Ɀino muganho upfuʋurire kuȿika paZifroni, ugondoguma paHazari‐enani; ndiwo muganho wenyu wokumsoro. 10Munofanira kutara ʋo muganho wenyu wokumabvazuʋa, kubva paHazari‐enani kuȿika paShefami. 11Kubva paShefami muganho uɓurukire Ribra, kumabvazuʋa kweAini; ɀino muganho uɓuruke, ugondoȿika kurutiʋi rweguŋgwa reKinereti kumabvazuʋa; 12ɀino muganho uɓurukire kuJoridani, ugondoguma paGuŋgwa roMunyu; ndiyo icaʋa nyika yenyu nemiganho yayo kunhiʋi dzose. 13Mosesi akaraira ʋana ʋaIsraeri, akati: Ndiyo nyika yamucapiwa nemijenya iʋe nhaka yenyu, yakarairwa naJehova kuti ipiwe marudzi mapfumbamŋe nehafu; 14nokuti rudzi rwaʋana ʋaRubeni, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, norudzi rwaʋana ʋaGadi, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋatopiwa haʋo, nehafu yorudzi rwaManase ʋatopiwa haʋo nhaka yaʋo; 15marudzi awa maʋiri nehafu akapiwa nhaka yawo necemhiri kwaJoridani paJeriko, kumabvazuʋa kunoɓuɗa zuʋa nako.
16Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 17Ndiwo mazita aʋarume ʋanofanira kukugoʋerai nyika kuti iʋe nhaka yenyu: Ereazari muprista, naJoshua, mŋanakomana waNuni. 18Munofanira kutsaura ʋo mucinda mumŋe kurudzi rumŋe norumŋe kugoʋera nyika iʋe nhaka yenyu. 19Ndiwo mazita aʋarume iʋaʋo: Kurudzi rwaJuda, Karebi, mŋanakomana waJefune; 20kurudzi rwaʋana ʋaSimeoni, Shemueri, mŋanakomana waAmihudi; 21kurudzi kwaBenjamini, Eridadi, mŋanakomana waKisroni; 22kurudzi rwaʋaDani, mucinda Buki, mŋanakomana waJogri; 23kuʋana ʋaJosefa, kurudzi rwaʋana ʋaManase, mucinda Hanieri, mŋanakomana waEfodi; 24kurudzi rwaʋana ʋaEfraimi, mucinda Kemueri, mŋanakomana waShiftani; 25kurudzi rwaʋana ʋaZeburuni, mucinda Erizafani, mŋanakomana waParnaki; 26kurudzi rwaʋana ʋaIsakari, mucinda Partieri, mŋanakomana waAzani; 27kurudzi rwaʋana ʋaAsheri, mucinda Ahihudi, mŋanakomana waSheromi; 28kurudzi rwaʋana ʋaNaftari, mucinda Pedaheri, mŋanakomana waAmihudi. 29Ndiʋo ʋakarairwa naJehova kuti ʋagoʋere nyika yeKanani, iʋe nhaka yaʋana ʋaIsraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 34: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda