Numeri 35
35
Maguta aʋaRevi, namaguta matanhatu oʋutiziro.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi pamapani eMoabi, paJoridani paJeriko, akati: 2Raira ʋana ʋaIsraeri, kuti ʋape ʋaRevi panhaka yaʋakagara iʋo, maguta maʋaŋgagara; munofanira ʋo kupa ʋaRevi ruwa runopoteredza maguta aʋo. 3Ʋanofanira kuʋa namaguta maʋaŋgagara; noruwa rwawo runofanira kuʋa rweŋombe dzaʋo, nefuma yaʋo, neɀipfuwo ɀaʋo ɀose. 4Ruwa rwamaguta, amunofanira kupa ʋaRevi, runofanira kutaŋga paruȿiŋgo rweguta ndokupoteredza guta kuȿika pamakubiti anecuru cimŋe kunhiʋi dzose. 5Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutiʋi rwokumabvazuʋa makubiti aneɀuru ɀiʋiri, nokurutiʋi rwezasi makubiti aneɀuru ɀiʋiri, nokurutiʋi rwokumsoro makubiti aneɀuru ɀiʋiri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuʋa ruwa rwamaguta aʋo. 6Maguta amunopa ʋaRevi anofanira kuʋa maguta matanhatu oʋutiziro, amunofanira kuʋapa, kuti muʋurayi atizire kwaari; kunze kwaiwayo munofanira kuʋapa maguta anamakumi manna namaʋiri. 7Maguta ose amunopa ʋaRevi anofanira kuʋa maguta anamakumi manna namasere, iwo noruwa rwawo. 8Kana ari maguta amunotora panhaka dzaʋana ʋaIsraeri, kunaʋanamazhinji munofanira kutora mazhinji, kunaʋanamashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumŋe norumŋe runofanira kupa ʋaRevi mamŋe maguta, seɀarwakapiwa nhaka yarwo.
9Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 10Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana mayambuka Joridani, mukapinda munyika yeKanani, 11munofanira kuɀisanaŋgurira maguta, aʋe maguta oʋutiziro kwamuri; kuti muʋurayi, unoʋuraya munhu asiŋgaiti nobgoni atizire’ko. 12Maguta iwayo anofanira kuʋa kwamuri ʋutiziro pamutsiʋi, kuti muʋurayi arege kufa, asinakumbotoŋgwa pamberi peʋuŋgano. 13Maguta amunoʋapa, anofanira kuʋa kwamuri maguta matanhatu oʋutiziro. 14Munofanira kuʋapa maguta matatu mhiri kwaJoridani, namamŋe maguta matatu munofanira kuʋapa munyika yeKanani; ndiwo anofanira kuʋa maguta oʋutiziro. 15Maguta iwayo matanhatu anofanira kuʋa ʋutiziro kuʋana ʋaIsraeri, nokumŋeni, nokumutorwa ugere pakati paʋo; kuti mumŋe nomumŋe wakaʋuraya munhu, asina‐kuita nobgoni, atizire’ko. 16Asi kana aciŋge amuroʋa nenhumbi yeɗare, akafa, waʋa muʋurayi; ɀino muʋurayi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo. 17Kana aciŋge amuʋuraya nebge riri muruʋoko rwake, riŋgaʋuraya munhu, akafa, waʋa muʋurayi; ɀino muʋurayi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo. 18Kana aciŋge amuroʋa nenhumbi yamatanda iri muruʋoko rwake, iŋgaʋuraya munhu, akafa, waʋa muʋurayi; muʋurayi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo. 19Mutsiʋi weropa ndiye unofanira kuʋuraya muʋurayi amene; kana akasoŋgana naye, unofanira kumuʋuraya. 20Kana aciŋge amusunda acimuʋeŋga, kana kumuposhera, amuʋandira, akafa; 21kana ɀimŋe akamuroʋa noruʋoko, acimuʋeŋga, akafa, wakamuroʋa unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo; muʋurayi; mutsiʋi weropa, unofanira kuʋuraya muʋurayi, kana akasoŋgana naye. 22Asi kana aciŋge amusunda kamŋe‐kamŋe, asinakumuʋeŋga, kana kumuposhera necinhu, asina‐kumuʋandira, 23kana nebge, riŋgaʋuraya munhu, akarikanda pamsoro pake, asiŋgamuʋoni, akafa, iye asinakumuʋeŋga, kana kutȿaka kumukuʋadza; 24ɀino ʋuŋgano inofanira kutoŋga mhoȿa pakati pomukuʋadzi nomutsiʋi weropa nemirairo iyi: 25Ipapo ʋuŋgano inofanira kurwira muʋurayi paruʋoko rwomutsiʋi weropa, ʋuŋgano igomudzosera kuguta rake roʋutiziro, kwaakaŋga atizira; ɀino iye unofanira kugara’mo kuȿikira muprista mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matȿene. 26Asi kana ŋguʋa ipi neipi muʋurayi akaɗarika muganho weguta rake roʋutiziro, kwaakaŋga atizira, 27mutsiʋi weropa akamuwana kunze kwomuganho weguta rake roʋutiziro, mutsiʋi weropa akaʋuraya muʋurayi uyo, iye haaŋgaʋi nemhoȿa yeropa rake; 28nokuti waifanira kugara muguta rake roʋutiziro kuȿikira muprista mukuru afa; asi kana muprista mukuru afa, muʋurayi unofanira kudzokera kunyika yake. 29Iɀi ɀinofanira kuʋa kwamuri murairo wokutoŋga nawo kuȿikira kumarudzi enyu ose kwamunogara kwose. 30Aninani unoʋuraya munhu, muʋurayi unofanira kuʋurawa nokupupura kweɀapupu; asi capupu cimŋe hacifaniri kupupurira munhu akaʋurawa. 31Ʋuye hamufaniri kugamucira dzikinuro pamsoro poʋupenyu bgomuʋurayi, unofanira kuti aʋurawe; asi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo. 32Musagamucira dzikinuro pamsoro pomunhu wakatizira kuguta roʋutiziro, kuti adzokere kugara munyika yake, kuȿikira muprista afa. 33Naiɀoɀo hamufaniri kuȿiɓisa nyika mamugere, nokuti ropa rinoȿiɓisa nyika; nyika haiŋgayananisirwi pamsoro peropa rakateʋurirwa’mo, asi kwoga neropa romunhu wakariteʋura. 34Musaȿiɓisa nyika mamugere, mandigere ʋo ini; nokuti ini Jehova ndigere pakati paʋana ʋaIsraeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 35: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018