Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 36

36
Ʋasikana ʋanofanira kuwanikwa noʋorudzi rwaʋo.
1Ɀino ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa ʋemhuri yaʋana ʋaGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, ʋemhuri dzaʋana ʋaJosefa, ʋakasweɗera, ʋakataura pamberi paMosesi, napamberi pamacinda, ʋaiʋa ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋana ʋaIsraeri, 2ʋakati: Jehova wakaraira tenzi waŋgu, kuti agoʋere nyika nemijenya pakati paʋana ʋaIsraeri, iʋe nhaka yaʋo; ʋuye ɀe, tenzi waŋgu wakarairwa naJehova kupa ʋanasikana ʋaZerofehadi, munuŋuna weɗu, nhaka yake. 3Ɀino kana iʋo ʋakawanikwa nomumŋe waʋanakomana ʋamarudzi mamŋe aʋana ʋaIsraeri, nhaka yaʋo icafanira kubviswa panhaka yamadziɓaɓa eɗu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwaʋanozondogara; saiɀoɀo icabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya. 4Ɀino kana gore reJuberi raʋana ʋaIsraeri riciȿika, nhaka yaʋo icawedzerwa panhaka yorudzi kwaʋagere; naiɀoɀo nhaka yaʋo icabviswa panhaka yorudzi rwamadziɓaɓa eɗu. 5Ɀino Mosesi akaraira ʋana ʋaIsraeri seɀakataura Jehova, akati: Rudzi rwaʋana ʋaJosefa runotaura kwaɀo. 6Ndiro shoko rakarairwa naJehova pamsoro paʋanasikana ʋaZerofehadi: Ŋgaʋawanikwe naʋaʋanoɗa; asi ŋgaʋawanikwe naʋeimba yorudzi rwaɓaɓa ʋaʋo. 7Naiɀoɀo hapanenhaka yaʋana ʋaIsraeri iŋgabva kunorumŋe rudzi ikaenda kunorumŋe; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira, mumŋe nomumŋe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadziɓaɓa aʋo. 8Mŋanasikana mumŋe nomumŋe unenhaka parudzi rupi norupi rwaʋana ʋaIsraeri, ŋgaawanikwe nomumŋe weimba yorudzi rwaɓaɓa ʋake, kuti ʋana ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe, ʋagare nhaka yamadziɓaɓa aʋo. 9Naiɀoɀo hapanenhaka iŋgazobva kunorumŋe rudzi, ikaenda kunorumŋe; nokuti marudzi aʋana ʋaIsraeri acanamatira, rumŋe norumŋe, nhaka yarwo. 10Ʋanasikana ʋaZerofehadi ʋakaita seɀakarairwa Mosesi naJehova. 11Nokuti Mara, naTirza, naHogra, naMirka, naNoa, iʋo ʋanasikana ʋaZerofehadi, ʋakawanikwa naʋanakomana ʋaʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋaʋo. 12Ʋakawanikwa padzimba dzaʋana ʋaManase, mŋanakomana waJosefa, nhaka ikagara parudzi rweimba yaɓaɓa ʋaʋo.
13Ndiyo mirairo nemitemo, yakarairwa ʋana ʋaIsraeri naJehova nomuromo waMosesi pamapani eMoabi paJoridani paJeriko. [ɀaeŋga]

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 36: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda