Numeri 33
33
Kufamba kwavaIsiraeri kubva Ijipiti kusvikira Kenani
1Ndidzo nzendo dzavana vaIsiraeri, pakubuda kwavo panyika yeIjipiti namapoka avo vachitungamirirwa naMosesi naAroni. 2Mosesi akanyora kusimuka kwavo nenzendo dzavo, arairwa naJehovha; ndidzo nzendo dzavo nokusimuka kwavo. 3Vakasimuka paRamesesi nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namashanu romwedzi wokutanga; mangwanani akatevera Pasika vana vaIsiraeri vakabuda noruoko rune simba pamberi pavaIjipiti vose, 4vaIjipiti vachiviga matangwe avo ose, akanga aurawa naJehovha pakati pavo; Jehovha akatongawo vamwari vavo. 5VaIsiraeri vakasimuka paRamesesi, vakandodzika matende avo paSukoti. 6Vakasimuka paSukoti, vakandodzika paEtami, pamuuyo werenje. 7Vakasimuka paEtami, vakadzokera Pi‐hahiroti, pamberi peBhaari‐sefoni, vakadzika pamberi peMigidhori. 8Vakasimuka pamberi peHahiroti, vakapinda nomukati megungwa, vakasvika murenje; vakafamba mazuva matatu murenje reEtami, vakandodzika paMara. 9Vakasimuka paMara, vakasvika Erimi; paErimi pakanga pana matsime ane gumi namaviri emvura, nemiti yemichindwe ina makumi manomwe; vakadzika matende avo ipapo. 10Vakasimuka paErimi, vakandodzika paGungwa Dzvuku. 11Vakasimuka paGungwa Dzvuku, vakandodzika murenje reSini. 12Vakasimuka murenje reSini, vakandodzika paDhofika. 13Vakasimuka paDhofika, vakandodzika paArushi. 14Vakasimuka paArushi, vakandodzika paRefidhimu, pakanga pasina mvura yokunwa yavanhu. 15Vakasimuka paRefidhimu, vakandodzika murenje reSinai. 16Vakasimuka murenje reSinai, vakandodzika paKibhuroti‐hatava. 17Vakasimuka paKibhuroti‐hatava, vakandodzika paHazeroti. 18Vakasimuka paHazeroti, vakandodzika paRitima. 19Vakasimuka paRitima, vakandodzika paRimoni‐perezi. 20Vakasimuka paRimoni‐perezi, vakandodzika paRibhina. 21Vakasimuka paRibhina, vakandodzika paRisa. 22Vakasimuka paRisa, vakandodzika paKeherata. 23Vakasimuka paKeherata, vakandodzika pagomo reSheferi. 24Vakasimuka pagomo reSheferi, vakandodzika paHaradha. 25Vakasimuka paHaradha, vakandodzika paMakeroti. 26Vakasimuka paMakeroti, vakandodzika paTahati. 27Vakasimuka paTahati, vakandodzika paTera. 28Vakasimuka paTera, vakandodzika paMitika. 29Vakasimuka paMitika, vakandodzika paHashimona. 30Vakasimuka paHashimona, vakandodzika paMoseroti. 31Vakasimuka paMoseroti, vakandodzika paBhene‐jakani. 32Vakasimuka paBhene‐jakani, vakandodzika paHori‐hagidhigadi. 33Vakasimuka paHori‐hagidhigadi, vakandodzika paJotibhata. 34Vakasimuka paJotibhata, vakandodzika paAbhurona. 35Vakasimuka paAbhurona, vakandodzika paEzioni‐gebheri. 36Vakasimuka paEzioni‐gebheri, vakandodzika murenje reZini (ndipo paKadheshi). 37Vakasimuka paKadheshi, vakandodzika pagomo reHori, pamuuyo wenyika yeEdhomu. 38Aroni mupristi akakwira pagomo reHori, arairwa naJehovha, akafirapo, negore ramakumi mana rokubuda kwavana vaIsiraeri paIjipiti, nomwedzi wechishanu, nezuva rokutanga romwedzi. 39Aroni wakanga ana makore ane zana namakumi maviri namatatu pakufa kwake pagomo reHori. 40Zvino mambo weAradhi, muKenani, wakanga agere kurutivi rweZasi munyika yeKenani, akanzwa kuti vana vaIsiraeri vouya. 41Vakasimuka pagomo reHori, vakandodzika matende avo paZarimona. 42Vakasimuka paZarimona, vakandodzika paPunoni. 43Vakasimuka paPunoni, vakandodzika paObhoti. 44Vakasimuka paObhoti, vakandodzika paIye‐aBharimi, pamuganhu weMoabhu. 45Vakasimuka paIyimi, vakandodzika paDhibhoni‐gadhi. 46Vakasimuka paDhibhoni‐gadhi, vakandodzika paArimoni‐dhibhurataimi. 47Vakasimuka paArimoni‐dhibhurataimi, vakandodzika paAbharimu, pamberi peNebho. 48Vakasimuka pamakomo eAbharimu, vakandodzika pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko. 49Vakadzika matende avo paJorodhani, kubva paBhetijeshimoti kusvika paAbherishitimu, pamapani eMoabhu.
50Zvino Jehovha akataura naMosesi pamapani eMoabhu, paJorodhani paJeriko, akati, 51“Taura navana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana mayambuka Jorodhani, mukasvika munyika yeKenani, 52munofanira kudzinga vanhu vose vagere munyika pamberi penyu, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvamabwe, nokuparadza zvifananidzo zvavo zvakaumbwa, nokuputsa nzvimbo dzavo dzakakwirira. 53Munofanira kutora nyika, ive yenyu, mugaremo; nokuti ndakakupai nyika iyo, ive yenyu. 54Munofanira kupiwa nhaka yenyika iyo nemijenya, nemhuri dzenyu; vazhinji munofanira kuvapa nhaka zhinji, vashoma munofanira kuvapa nhaka shoma; sezvakagoverwa nemijenya, saizvozvo inofanira kuva nhaka yomunhu; munofanira kugara nhaka namarudzi amadzibaba enyu. 55Asi kana musingadi kudzinga vanhu vagere munyika pamberi penyu, ipapo ivo kwavari vamunorega vachava sechinhu chinobaya pameso enyu, neseminzwa panhivi dzenyu, vacharwa nemi munyika mamugere. 56Ipapo ndichakutirai imi sezvandakafunga kuvaitira ivo.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 33: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002