Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 34

34
Miganhu yeKenani
1Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 2“Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Kana masvika munyika yeKenani, (ndiyo nyika ichava nhaka yenyu, iyo nyika yeKenani, kusvikira kumiganhu yayo,) 3rutivi rwenyu rwezasi runofanira kutanga murenje reZini ruchienda nokurutivi rweEdhomu; muganhu wenyu wezasi uchatanga pamuuyo weGungwa roMunyu, uchienda kumabvazuva; 4zvino muganhu wenyu upote nechezasi kwegomo reAkirabhimu, ndokupfuurira kuZini, ugobuda nechezasi kweKadheshi‐bharinea; zvino upfuure kuHazari‐adhari, ugondosvika Azimoni; 5zvino muganhu unofanira kupota uchitanga paAzimoni, kusvika kurukova rweIjipiti, ndokuba paGungwa. 6Muganhu wenyu wokumavirazuva ndiro Gungwa Guru nenyika yaro; ndiwo muganhu wokumavirazuva. 7Ndiwo muganhu wenyu wokumusoro: Kubva paGungwa Guru munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pagomo reHori; 8kubva paHori munofanira kutara muganhu wenyu kusvika pavanopinda paHamati, muganhu ugondogumira paZedhadhi. 9Zvino muganhu upfuurire kusvika paZifuroni, ugondoguma paHazari‐enani; ndiwo muganhu wenyu wokumusoro. 10Munofanira kutarawo muganhu wenyu wokumabvazuva, kubva paHazari‐enani kusvika paShefami. 11Kubva paShefami muganhu uburukire Ribhira, kumabvazuva kweAini; zvino muganhu uburuke, ugondosvika kurutivi rwegungwa reKinereti kumabvazuva; 12zvino muganhu uburukire kuJorodhani, ugondoguma paGungwa roMunyu; ndiyo ichava nyika yenyu nemiganhu yayo kunhivi dzose.’ ” 13Mosesi akaraira vana vaIsiraeri, akati, “Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu; 14nokuti rudzi rwavana vaRubheni, nedzimba dzamadzibaba avo, norudzi rwavana vaGadhi, nedzimba dzamadzibaba avo, vatopiwa havo, nehafu yorudzi rwaManase vatopiwa havo nhaka yavo; 15marudzi awa maviri nehafu akapiwa nhaka yawo nechemhiri kwaJorodhani paJeriko, kumabvazuva kunobuda zuva nako.”
16Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 17“Ndiwo mazita avarume vanofanira kukugoverai nyika kuti ive nhaka yenyu: Ereazari mupristi, naJoshua, mwanakomana waNuni. 18Munofanira kutsaurawo muchinda mumwe kurudzi rumwe norumwe kugovera nyika ive nhaka yenyu. 19Ndiwo mazita avarume ivavo: Kurudzi rwaJudha, Karebhu, mwanakomana waJefune; 20kurudzi rwavana vaSimeoni, Shemueri, mwanakomana waAmihudhi; 21kurudzi kwaBhenjamini, Eridhadhi, mwanakomana waKisironi; 22kurudzi rwavaDhani, muchinda Bhuki, mwanakomana waJogiri; 23kuvana vaJosefa, kurudzi rwavana vaManase, muchinda Hanieri, mwanakomana waEfodhi; 24kurudzi rwavana vaEfuremu, muchinda Kemueri, mwanakomana waShifitani; 25kurudzi rwavana vaZebhuruni, muchinda Erizafani, mwanakomana waAzani; 26kurudzi rwavana vaIsakari, muchinda Patieri, mwanakomana waAzani, 27kurudzi rwavana vaAsheri, muchinda Ahihudhi, mwanakomana waSheromi; 28kurudzi rwavana vaNafutari, muchinda Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.” 29Ndivo vakarairwa naJehovha kuti vagovere nyika yeKenani, ive nhaka yavana vaIsiraeri.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 34: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda