Numeri 32
32
Marudzi aRubheni naGadhi vanopiwa nhaka yavo mhiri kwaJorodhani
1Vana vaRubheni navana vaGadhi vakanga vane zvipfuwo zvizhinji kwazvo; zvino vakati vachitarira nyika yeJazeri nenyika yeGireadhi, vakaona kuti inzvimbo yakafanira zvipfuwo. 2Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakauya vakataurirana naMosesi naEreazari mupristi namachinda eungano, vakati, 3“Ataroti neDhibhoni neJazeri neNimura neHeshibhoni neEreari neSebhami neNebho neBheoni. 4Nyika dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsiraeri, inyika yakafanira zvipfuwo; zvino isu varanda venyu, tine zvipfuwo.” 5Vakati, “Kana takawana nyasha pamberi penyu, nyika ino ngaipiwe varanda venyu, ive yavo; musatiyambutsa henyu Jorodhani.” 6Mosesi akati kuvana vaGadhi navana vaRubheni, “Ko hama dzenyu dzingaenda kundorwa, imi mukagara pano here? 7Munoodzereiko mwoyo yavana vaIsiraeri varege kuenda kunyika yavakapiwa naJehovha? 8Ndizvo zvakaita madzibaba enyu nguva yandakavatuma vari paKadheshi‐bharinea, kundoshora nyika. 9Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza mwoyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha. 10Jehovha akatsamwa nomusi iwoyo, akapika, akati, 11‘Zvirokwazvo, hakungavi nomumwe wavarume vakabuda Ijipiti, ana makore makumi maviri nounopfuura, ungandoona nyika yandakapikira Abhurahamu naIsaka naJakobho, nokuti havana kunditevera nomwoyo wose; 12asi Karebhu, mwanakomana waJefune, muKenizi, naJoshua, mwanakomana waNuni, nokuti ivo vakatevera Jehovha nomwoyo wose.’ 13Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa. 14Zvino tarirai, imi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri. 15Nokuti kana mukatsauka pakumutevera, uchavasiyazve murenje; imi muchaparadza vanhu ava vose.” 16Vakaswedera kwaari, vakati, “Tichavakira zvipfuwo zvedu matanga navana vedu vaduku maguta pano; 17asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika. 18Hatingadzokeri kudzimba dzedu kudzimana vana vaIsiraeri vose vapiwa nhaka yavo. 19Nokuti hatingagari nhaka pamwechete navo mhiri kwaJorodhani nemberi; nokuti isu tagoverwa nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani kurutivi rwamabvazuva.” 20Zvino Mosesi akati kwavari, “Kana mukaita chinhu ichi, kana mukashonga nhumbi dzenyu dzokurwa, kuti muende pamberi paJehovha kundorwa, 21mumwe nomumwe wenyu wakashonga akayambuka Jorodhani pamberi paJehovha, kudzimana iye adzinga vavengi vake pamberi pake, 22nyika ikakundwa pamberi paJehovha, ipapo mungadzoka henyu, hamungavi nemhosva kuna Jehovha nokuvaIsiraeri; nyika ino igova nhaka yenyu pamberi paJehovha. 23Asi kana mukasaita saizvozvo, tarirai matadzira Jehovha, muzive kuti zvivi zvenyu zvichakuwanai. 24Vakirai henyu vana venyu maguta namakwai enyu matanga; itai sezvamakataura.” 25Vana vaGadhi navana vaRubheni vakataura naMosesi, vakati, “Varanda venyu vachaita sezvakaraira tenzi wedu. 26Vana vedu, navakadzi vedu, nezvipfuwo zvedu, nemombe dzedu dzose, zvichagara mumaguta eGireadhi; 27asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.”
28Naizvozvo Mosesi akaraira pamusoro pavo Ereazari mupristi, naJoshua, mwanakomana waNuni, navakuru vedzimba dzamadzibaba amarudzi avana vaIsiraeri; 29Mosesi akati kwavari, “Kana vana vaGadhi navana vaRubheni vakayambuka nemi, murume mumwe nomumwe wakazvigadzira kundorwa pamberi paJehovha, nyika ikakundwa pamberi penyu; ipapo munofanira kuvapa nyika yeGireadhi, ive yavo. 30Asi kana vasingayambuki nemi, vakashonga nhumbi dzavo dzokurwa, vanofanira kupiwa nhaka yavo pakati penyu panyika yeKenani.” 31Ipapo vana vaGadhi navana vaRubheni vakapindura, vakati, “Sezvakareva Jehovha kuvaranda venyu, ndizvo zvatichaita. 32Tichayambukira pamberi paJehovha kunyika yeKenani, takashonga nhumbi dzedu dzokurwa, kuti tipiwe nhaka yedu nechouno mhiri kwaJorodhani.” 33Zvino Mosesi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza. 34Vana vaGadhi vakavaka Dhibhoni, neAtaroti, neAroeri, 35neAtirotishofani, neJazeri, neJogibheha, 36neBheti‐nimura, neBheti‐harani, ari maguta akakombwa namasvingo, ana matanga amakwai. 37Vana vaRubheni vakavaka Heshibhoni, neEreari, neKiriataimi, 38neNebho, neBhaari‐meoni (vashandura mazita awo), neSibhima; vakatumidza maguta avakavaka mamwe mazita. 39Vana vaMakiriri, mwanakomana waManase, vakaenda Gireadhi, vakarikunda, vakadzinga vaAmori vakanga vageremo. 40Mosesi akapa Makiri, mwanakomana waManase, Gireadhi, iye akagaramo. 41Jairi, mwanakomana waManase, akakunda misha yaro, akaitumidza Misha yaJairi. 42Nobha akandokunda Kenati, nemisha yaro yakanga yakabatwa naro, akaritumidza Nobha, nezita rake.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 32: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002